Chii Chinonzi Kutambudzika Kukuru?
Mhinduro yeBhaibheri
Kutambudzika kukuru kuchaita kuti pave nenguva yematambudziko akakura asati amboonekwa nevanhu. Sezvinotaurwa neuprofita hweBhaibheri, kuchaitika ‘mumazuva okupedzisira’ kana kuti “nguva yokupedzisira.” (2 Timoti 3:1; Dhanieri 12:4, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Kuchava “kutambudzika kusina kumboitika kubvira pakutanga kwezvisikwa zvakasikwa naMwari kusvikira panguva iyoyo, uye hakuzoitikizve.”—Mako 13:19; Dhanieri 12:1; Mateu 24:21, 22.
Zvichaitika munguva yekutambudzika kukuru
Kuparadzwa kwechitendero chenhema. Chitendero chenhema chichaparadzwa nekukurumidza zvinoshamisa. (Zvakazarurwa 17:1, 5; 18:9, 10, 21) Hurumende dzinomiririrwa nesangano reUnited Nations dzichange dzichiita kuda kwaMwari padzichaparadza chitendero ichi.—Zvakazarurwa 17:3, 15-18. a
Kurwiswa kwechitendero chechokwadi. Mubatanidzwa wemarudzi uyo unotaurwa nezvawo ‘saGogi wenyika yeMagogi’ mune zvakaonekwa naEzekieri, uchaedza kuparadza vanamati vechokwadi. Asi, Mwari achadzivirira vanamati vake kuti vasaparadzwa.—Ezekieri 38:1, 2, 9-12, 18-23.
Kutongwa kwevagari vepanyika. Jesu achatonga vanhu vese uye “achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi.” (Mateu 25:31-33) Achatonga mumwe nemumwe maererano nekutsigira kana kuti kusatsigira kwaaiita “hama” dzaJesu, kureva vaya vachatonga pamwe chete naye kudenga.—Mateu 25:34-46.
Kuunganidzwa kwevachanotonga muUmambo. Vanhu vakatendeka vakasarudzwa kunotonga naKristu vachapedza upenyu hwavo hwepanyika vomutswa kuti vazorarama kudenga.—Mateu 24:31; 1 VaKorinde 15:50-53; 1 VaTesaronika 4:15-17.
Amagedhoni. Iyi “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose” inonziwo “zuva raJehovha.” (Zvakazarurwa 16:14, 16; Isaya 13:9; 2 Petro 3:12) Vaya vanenge vatongwa naKristu kuti vanhu vakaipa, vachaparadzwa. (Zefaniya 1:18; 2 VaTesaronika 1:6-10) Izvi zvinosanganisira kuparadzwa kwehurumende dzese dzepanyika, idzo dzinotaurwa muBhaibheri sechikara chine misoro minomwe.—Zvakazarurwa 19:19-21.
Zvichaitika pashure pekutambudzika kukuru
Kusungwa kwaSatani nemadhimoni ake. Ngirozi huru ichakanda Satani nemadhimoni ake “mugomba rakadzikadzika,” izvo zvinoratidza kuti vanenge vakangoita sevakafa. (Zvakazarurwa 20:1-3) Panguva iyoyo Satani achange akaita seari mujeri; achange asina simba pachinhu chero chipi zvacho.—Zvakazarurwa 20:7.
Kutonga kwemakore ane chiuru kunotanga. Umambo hwaMwari huchabva hwatanga kutonga kwemakore ane chiuru, zvoita kuti vanhu vawane makomborero akawanda. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 20:4, 6) “Boka guru revanhu” vasingakwanisi kuverengwa ‘richabuda mukutambudzika kukuru,’ uye richaona kutanga kwemakore ane chiuru ekutonga kweUmambo panyika.—Zvakazarurwa 7:9, 14; Pisarema 37:9-11.
a Mubhuku raZvakazarurwa, chitendero chenhema chinotaurwa nezvacho seBhabhironi Guru kana kuti “hure guru.” (Zvakazarurwa 17:1, 5) Chikara chitsvuku, icho chichaparadza Bhabhironi Guru, chinomiririra sangano rine chinangwa chekubatanidza uye kumiririra nyika dziri pasi rese. Chakatanga chichizivikanwa seLeague of Nations asi iye zvino chava kunzi United Nations.