Kuratidzwa Zvinoitwa paBheteri
Tinokukoka kuti uzoona zvinoitwa pamahofisi edu ayo atinoti Bheteri. Unogona kuona zvinoitwa pane mamwe mahofisi edu usina anokutungamirira.
Kutangazve Kushanyira Bheteri: Munyika dzakawanda, kubva musi wa1 June 2023, vanhu vachange vava kubvumidzwa kushanyira Bheteri. Kuti munzwe zvakawanda, taurai nehofisi yebazi yamuri kuda kushanyira. Musashanya kuBheteri kana makabatwa COVID-19, muine zviratidzo zvedzihwa kana kuti flu, kana kuti makambova nemunhu akabatwa COVID-19 munguva pfupi yadarika.
Ukraine
Kubhuka Zuva Raunoda Kushanyira Mahofisi Edu
Zvimwe Zvamuchaona
Kunze kwekuratidzwa zvakaita hofisi yacho muchitungamirirwa nemumwe munhu, pane zvimwe zvinhu zviviri zvamunogona kuona muri mega. Chimwe chacho inhoroondo yebasa redu rekuparidza muUkraine kubvira parakatanga makore 100 apfuura kusvikira nhasi. Panorondedzerwa kutambudzwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha Ukraine payaitongwa nehurumende yeSoviet Union uye kudzingwa munyika kwakaitwa zviuru zveZvapupu zvichiendeswa kuSiberia. Chechipiri maBhaibheri asinganyanyi kuwanika uye panoratidza kuti zita raMwari raivamo mumaBhaibheri echiRussian neechiUkrainian. Vaenzi vanogonawo kuona zvakaita hofisi iyi pasina ari kuvatungamirira uye pane nzvimbo yekuti vanogona kuzorora zvavo vachidyira-dyira.
Kero Uye Nhamba Dzefoni