JW LIBRARY
Zvaunogona Kuita Paunenge Uchiona Mavhidhiyo Kana Kuteerera Zvimwe Zvakarekodhwa
Paunenge uchiona vhidhiyo kana kuteerera zvimwe zvinhu zvakarekodhwa pane zviratidzo zvinobuda pascreen zvaunogona kushandisa kuita zvinhu zvakadai sekumisa vhidhiyo nezvimwewo. Asi pane zvimwe zvinhu zvaunogona kuita usingashandisi zviratidzo izvozvo. (Asi kuti ukwanise kuita izvozvo paunenge uchiteerera mimhanzi nezvimwewo zvisiri mavhidhiyo, unofanira kuita kuti chauri kuridza chacho chizadze screen rese.)
Kana Usingashandisi Keyboard
Kana usingashandisi keyboard, unogona kuita zvinhu zvinotevera:
Kana Uchida Kuita Zvinhu Zvinotevera |
Zvaunoita Pascreen |
---|---|
Kuridza kana Kumisa |
Baya pascreen nezvigunwe zviviri panguva imwe chete |
Kudzoka kumashure nemasekondi 5 |
Baya kaviri nechekuruboshwe kwescreen uchikurumidza |
Kuenda kumberi nemasekondi 15 |
Baya kaviri nechekurudyi kwescreen uchikurumidza |
Kudzokera pachinhu chiri pamashure pechauri kuridza |
Tsvaira pascreen uchienda kurudyi |
Kuenda pachinhu chiri kumberi kwechauri kuridza |
Tsvaira pascreen uchienda kuruboshwe |
Kuwedzera kumhanya kwechauri kuridza |
Tsvaira pascreen uchienda kumusoro |
Kuderedza kumhanya kwechauri kuridza |
Tsvaira pascreen uchidzika pasi |
Kana Uchishandisa Keyboard
Kana uchishandisa keyboard, unogona kuita zvinhu zvinotevera:
Kana Uchida Kuita Zvinhu Zvinotevera |
Windows |
macOS |
---|---|---|
Kuridza kana Kumisa |
Space Bar |
Space Bar |
Kudzoka kumashure nemasekondi 5 |
Left Arrow |
Left Arrow |
Kuenda kumberi nemasekondi 15 |
Right Arrow |
Right Arrow |
Kudzokera pachinhu chiri pamashure pechauri kuridza |
Ctrl+Left Arrow |
Command-Left Arrow |
Kuenda pachinhu chiri kumberi kwechauri kuridza |
Ctrl+Right Arrow |
Command-Right Arrow |
Kuwedzera vhoriyumu |
Up Arrow |
Up Arrow |
Kudzikisa vhoriyumu |
Down Arrow |
Down Arrow |
Kuwedzera kumhanya kwechauri kuridza |
Ctrl+Up Arrow |
Command-Up Arrow |
Kuderedza kumhanya kwechauri kuridza |
Ctrl+Down Arrow |
Command-Down Arrow |
Kudzima chauri kuridza |
Esc |
Esc |
Kudzokera pachinhu chiri pamashure pechauri kuridza |
Page Up |
Function-Up Arrow |
Kuenda pachinhu chiri pamberi pechauri kuridza |
Page Down |
Function-Down Arrow |