Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ELFRIEDE URBAN | NYAYA YEUPENYU

Ndararama Upenyu Hunogutsa Mubasa Reumishinari

Ndararama Upenyu Hunogutsa Mubasa Reumishinari

Ndakasangana nezvinhu zvakawanda zvinorwadza pandaiva mudiki. Ndakazvarwa musi wa11 December 1939 kuCzechoslovakia. Hondo Yenyika Yechipiri yakanga yava nemwedzi mitatu yatanga. Amai vangu vakashaya ndiine mavhiki maviri nekuti vakaita dambudziko pavaindisununguka. Izvi zvisati zvaitika, baba vangu vakanga vaenda kunoshanda kuGermany. Ndinotenda kuti vabereki vaamai vangu vakanditora vakandichengeta. Panguva iyoyo vakanga vachiri kuchengetawo vanin’ina vaamai vangu vatatu. Mumwe aiva nemakore 8, mumwe 10 uye mumwe 14.

Ndiina mbuya nasekuru vangu

 Hondo yakapera muna 1945, asi upenyu hwakanga huchiri hwakaoma. Sezvo taiva zvizvarwa zvekuGermany, takadzingwa muCzechoslovakia tikaendeswa kuGermany. Maguta akawanda akanga aparadzwa uye vanhu vakawanda vakanga vasina kana chekubata. Dzimwe nguva vanamainini vangu vaimira mumutsetse usiku hwese kuti vangowana zvekudya zvishomanana. Pamwe pacho taienda musango tononhonga michero nehowa zvataizochinjanisa nechingwa. Zvekudya zvainetsa kuwana zvekuti vanhu vaisvika pakuba kiti kana imbwa dzevanhu kuitira kuti vawane chekubika. Kakawanda kacho tairara nenzara.

Kutanga Kwatakaita Kunzwa Chokwadi cheBhaibheri

 Mbuya nasekuru vangu vaipinda chechi yeRoma asi takanga tisina Bhaibheri. Mupristi akaramba kutengesera sekuru Bhaibheri achiti vanhu vaingofanira kungoteerera paMisa. Izvi zvakaita kuti sekuru vasare vaine mibvunzo yakawanda nezvaMwari.

 Ndaiva nemakore 7 Zvapupu zvaJehovha pazvakauya pamba pedu. Vakashandisa Bhaibheri kupindura mibvunzo yasekuru vangu panyaya yeUtatu, kupiswa mugehena uye zvinoitika kana munhu afa. Sekuru vakanyatsojekerwa nemhinduro dzavakapiwa dzaibva muBhaibheri uye vakanyatsoona kuti vakanga vawana chokwadi. Mhuri yedu yese yakabva yatotanga kudzidza Bhaibheri nemumwe murume nemudzimai vaiva Zvapupu.

Kuva Nechinangwa Muupenyu

 Kunyange pandaiva kasikana kadiki, ndaida Jehovha. Ndainakidzwa nekuverenga nyaya dzemamishinari aishumira kunyika dziri kure. Ndaingozvibvunza kuti, ‘Upenyu hwavo hwakambomira sei? Kuparidzira vanhu vasati vambonzwa zita raJehovha kunoita sei?’

Nguva pfupi ndisati ndava nechinangwa chekuva mumishinari

 Pandakanga ndava nemakore 12, ndakazviudza kuti ndaizoda kuva mumishinari uye ndakabva ndatanga kuita zvinhu zvaizoita kuti ndizadzise chinangwa ichocho. Chekutanga, ndakaedza kuva muparidzi wemashoko akanaka anoshingaira. Zvadaro, ndakazobhabhatidzwa musi wa12 December 1954 uye nekufamba kwenguva ndakazova piyona. Ndakanga ndava pedyo kuzadzisa chinangwa changu!

 Ndaiziva kuti kana ndichida kupinda chikoro chemamishinari cheGiriyedhi ndinofanira kunge ndichigona Chirungu, saka ndakabva ndatanga kudzidza Chirungu. MuGermany maiva nemasoja ekuAmerica saka ndakafunga zvekuenda kwavaiva ndichidzidzira. Rimwe zuva ndakaenda kune mumwe musoja ndikamuti, “Ndiri Kristu.” Akanditarisa achibva apindura hake zvinyoronyoro achiti, “Ndofunga wanga uchida kuti ‘Ndiri muKristu.’” Ndaifunga kuti ndakanga ndava kugona Chirungu asi ndakazoona kuti ndakanga ndichiri kure!

 Pandakanga ndava nemakore ekuma20 ndakaenda kuEngland. Mangwanani ndaiita basa rekusara ndakachengeta mwana weimwe mhuri yeZvapupu uye masikati ndaibva ndaenda kunoparidza paimba neimba. Izvi zvakaita kuti ndiwedzere kuti gonei Chirungu. Gore parakapera ndakanga ndava kutogona kutaura Chirungu.

 Ndakadzokera kuGermany, uye muna October 1966, ndakanzi ndishande sapiyona chaiye kutaundi reMechernich. Asi vanhu veko vakanga vasingafariri zvachose mashoko ataiparidza. Dzimwe nguva kwaitonhora zvisingaiti asi vaisatombotipinza mumba. Ndaigara ndichikumbira Jehovha kuti, “Kana mukazonditi ndiite mumishinari ndinokumbirawo kuti mundiendesewo kunyika inodziya.”

Kuzadzisa Chinangwa Changu

 Pashure pekunge ndakashanda sapiyona chaiye kwemwedzi mishoma, Jehovha akandipa zvandaishuvira! Ndakakokwa kuzopinda kirasi yechi44 yeGiriyedhi iyo yakagirajuweta musi wa10 September 1967. Munoda kuziva kwandakaendeswa here? Kunyika inodziya yeNicaragua, iri kuCentral America. Taiva hanzvadzi 4 dzakanga dzatumirwa kuNicaragua uye mamishinari aivako akatigamuchira nemaoko maviri. Ndakanzwa sezvakaitwa naPauro uyo “akaonga Mwari akanzwa asimbiswa” hama padzakauya kuzomugamuchira.—Mabasa 28:15.

Ndiri kuchikoro cheGiriyedhi (ini ndiri kuruboshwe), nevamwe vandaidzidza navo Francis naMargaret Shipley

 Ndakanzi ndinoshumira ndiri muguta reLeón, uye ndaiva nechido chakasimba chekukurumidza kudzidza chiSpanish. Ndainetseka nekubata mutauro uyu kunyange zvazvo ndakaita mwedzi miviri ndichidzidzira mutauro wacho kwemaawa 11 zuva rega rega!

 Ndichiri kuyeuka kuti rimwe zuva mumwe saimba aida kundipa rimwe dhiringi rinogadzirwa nemichero rinonzi fresco. Ndaida kupindura kuti “ndinongonwa mvura chete.” Asi zvandakataura zvakaita kuti mukadzi wacho ashamisike. Papera mazuva, ndakazoziva kuti ndakanga ndati “ini ndinongonwa mvura yakanamatirwa”! Ndinofara kuti nekufamba kwenguva ndakazotanga kugona kutaura chiSpanish.

Ndiina Marguerite, wandakashanda naye mubasa reumishinari kwemakore 17

 Kakawanda kacho vanhu vandaidzidza navo Bhaibheri vaiwanzodzidza semhuri. Sezvo ndainzwa ndakachengeteka muguta reLeón ndaiwanzoitisa zvidzidzo zveBhaibheri manheru, dzimwe nguva zvekusvika kuma10 usiku. Ndaiziva vanhu vakawanda vemunzvimbo iyi nemazita. Pandaifamba ndichidzokera kumba ndaivaona vagere panze vachirohwa zvavo nemhepo saka ndaipfuura ndichivamhoresa.

 Ndakabatsira vanhu vakawanda vemuLeón kuti vawane chokwadi. Mumwe wavo ainzi Nubia, uyo aiva nevana vakomana vadiki 8. Ndakaramba ndichidzidza navo kusvikira pandakazonzi ndichienda kuManagua muna 1976. Kwemakore 18, handina kuzomboonana naNubia nevana vake. Ndakatozovaona pandakadzokera kuLeón kunopinda gungano. Panguva yekuzorora ndakazongoona ndaunganirwa nevamwe vakomana. Vaiva vana vaNubia! Ndakafara zvikuru kuziva kuti Nubia akanga abatsira vana vake kuti vade Jehovha.

Kuita Basa Reumishinari Panguva Dzakaoma

 Makore ekuma1970 ava kunopera, zvematongerwo enyika zvakanga zvisisina kugadzikana muNicaragua. Takaramba tichiita zvese zvataigona pakuparidza. Ndakanga ndava kushumira ndiri muguta reMasaya, iro riri nechekumaodzanyemba kweguta guru. MuMasaya maigara muine mhirizhonga uye vanhu vaigara vachiratidzira. Rimwe zuva manheru pataiva pamisangano paImba yeUmambo taitofanira kurara pasi nekuti masoja ehurumende airidzirana pfuti nevarwi vebato rainzi Sandinista. a

 Rimwe zuva ndichiparidzira, ndakadhumhana nemuSandinista akanga akazvivhara kumeso achipfura mumwe gadhi. Ndakatanga kutiza, asi ndakabva ndaona vamwe varume vakawanda vakanga vakazvivhara kumeso. Ndakabva ndamhanya kuti ndinohwanda pane rimwe kona asi kwakanga kusina kwekuenda. Mabara epfuti akabva atanga kuita kunaya achibva muzvikopokopo zvehurumende. Ndakangoerekana ndaona mumwe murume achivhura dhoo rake achibva andidhonzera mumba. Ndakangoona kuti ndiJehovha chete andiponesa!

Kudzingwa muNicaragua!

 Ndakashumira ndiri muMasaya kusvikira musi wa20 March 1982. Zuva iroro handimbofi ndakarikanganwa. Mangwanani emusi iwoyo ini nemamwe mamishinari 5 takanga tava kuda kudya patakaona masoja eSandinista aiva nepfuti achipinda nechekumashure kwemba. Vakasvikopinda muimba yekudyira mataiva uye mumwe wavo akabva ati: “Mungori neawa rimwe chete rekuti mumwe nemumwe wenyu arongedze bhegi rimwe chete mobva matitevera.”

 Masoja aya akabva atiendesa kune rimwe purazi uye takaita maawa akawanda tiri ikoko. Vakabva vatitora tiri 4 vakatipinza mune kamwe kabhazi kadiki kaienda kubhodha reCosta Rica. Uku ndiko kwaitova kudzingwa muNicaragua. Nekufamba kwenguva mamishinari 21 akadzingwa munyika iyi.

 Hama dzekuCosta Rica dzakatigamuchira zvakanaka, uye mangwana acho takabva taenda kuhofisi yebazi yaiva kuSan José. Hatina kugara ikoko kwenguva refu. Papera mazuva anenge 10, takaendeswa kuHonduras tiri 8 kuti tinoshandira ikoko semamishinari.

Kushumira muHonduras

 Pandakasvika kuHonduras, ndakanzi ndinoshumira ndiri muguta reTegucigalpa. Pandakasvika, maiva neungano imwe chete asi pandakazobvamo pashure pemakore 33 makanga mava neungano 8. Zvinosuwisa kuti nekufamba kwaiita makore kuparwa kwemhosva kwakawedzera muTegucigalpa. Makanga makazara mbavha dzakawanda uye ndakatombobirwa kakawanda. Maivawo nematsotsi aigara achinditi “bhadhara mutero” zvichireva kuti tipe mari. Ndaivaudza kuti “ndine chimwe chinhu chinokosha kupfuura mari,” ndobva ndavapa bhuku kana turakiti. Vaibva vandisiya ndichienda!

 Vanhu vakawanda vemuTegucigalpa vakanga vari vanhu vaigarisana nevamwe zvakanaka uye vaine mwoyo wakanaka. Ndakabatsira vamwe vavo kuti vawane chokwadi. Mumwe wavo wandichiri kuyeuka ndiBetty. Aiita sekuti aida kushumira Jehovha asi rimwe zuva akazondiudza kuti akanga ava kupinda imwe chechi. Ndakarwadziwa asi pashure pemakore maviri, Betty akasiya chechi yaakanga ava kupinda ndichibva ndatangazve kudzidza naye Bhaibheri. Akataura kuti chakaita kuti atangezve kudzidza Bhaibheri ndechekuti kuchechi kwaaienda vanhu vacho vakanga vasingaratidzi rudo rwechokwadi serwaaiona paaipinda misangano yeZvapupu. (Johani 13:34, 35) Akandiudza kuti: “Munogamuchira munhu wese kuchechi kwenyu pasinei nekuti mupfumi kana kuti murombo. Makasiyana nemamwe machechi.” Nekufamba kwenguva Betty akazobhabhatidzwa.

 Imba yemamishinari yaiva muTegucigalpa yakavharwa muna 2014, uye ndakabva ndanzi ndinoshumira kuPanama. Iye zvino ndiri kugara paimba yemamishinari pamwe chete nemamwe mamishinari 4 ava nemakore akawanda achiita basa iri.

Kuzadzisa Zvinangwa Zvekunamata Kunounza Mufaro Wechokwadi

 Ndava nemakore 55 ndichishumira semumishinari. Iye zvino handichakwanisi kuita zvakawanda nemhaka yeutano. Jehovha ari kundibatsira kuti ndirambe ndichidzidzisa vamwe nezvake.

 Ndaikwanisa kusarudza kuita zvimwe zvinhu muupenyu, asi dai ndakadaro ndaizorasikirwa nemakomborero akawanda! Ndakabatsira vanhu vanopfuura 50 kuti vadzidze chokwadi. Vanhu ava ndinovaona sevana vangu chaivo. Ndinewo shamwari dzakawanda. Kuwedzera pamhuri yese iyi yakakura yandiinayo, ndina mainini vangu vandinoda vanonzi Steffi vanogara kuGermany.

 Kunyange zvazvo ndisina kumboroorwa handina kumbobvira ndanzwa kusurukirwa. Jehovha anga aineni. Ndakava neshamwari dzakawanda dzakanaka dzakadai saMarguerite Foster, uyo wandakashanda naye kwemakore 17 mubasa reumishinari. Tine zvakawanda zvatakasangana nazvo tiri tese uye nanhasi tichiri shamwari dzepedyo.—Zvirevo 18:24.

 Chinhu chinoita kuti ndigutsikane ndechekuti ndakashandisa upenyu hwangu zvakanaka ndichishumira Jehovha. Ndakazadzisa chinangwa chandaiva nacho ndiri mudiki, uye ndakasangana nezvinhu zvakawanda zvinofadza! Ndinoshaya mashoko anotsanangura mufaro wandiinawo uye ndinotarisira kuramba ndichishumira Jehovha nekusingaperi.

a Bato reSandinista National Liberation Front rakaita mbiri muNicaragua makore ekuma1970 ava kunopera uye rakabvisa pachigaro imwe mhuri yakanga yava nemakore anopfuura 40 ichitonga.