Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Brais Seara/Moment via Getty Images

RAMBAI MAKAMUKA!

Bhaibheri Rinoti Kudii Nedambudziko Rekusanaya Kwemvura?

Bhaibheri Rinoti Kudii Nedambudziko Rekusanaya Kwemvura?
  •   “China yakati gore rino kwapisa zvisati zvamboitika kubva muna 1961 uye rava gore rechitatu mvura isiri kunaya zvakanaka.”—The Guardian, September 7, 2022.

  •   “Ava makore 5 akatevedzana nyika dzakawanda muAfrica dzichiwirwa nedambudziko rekusanaya kwemvura.”—UN News, August 26, 2022.

  •   “Nyika dzinopfuura hafu kuEurope dzinogona kuwirwa nedambudziko rekusanaya kwemvura uye kanogona kunge kari kekutanga kusangana nedambudziko rakakura kudai mumakore 500 apfuura.”—BBC News, August 23, 2022.

 Vanoongorora vanoti dambudziko iri rekusanaya kwemvura richaramba riripo uye rinogona kutowedzera. Dambudziko iri rekusanaya kwemvura richazombopera here? Bhaibheri rinoti kudii?

Zvakataurwa neBhaibheri nezvekusanaya kwemvura

 Bhaibheri rakataura kuti nguva yatiri kurarama:

  •   “Munzvimbo dzakawanda muchava nenzara.”Ruka 21:11.

 Kusanaya kwemvura kunowanzokonzera nzara. Nzara inokonzerawo kutambura uye kufa. Zvese izvi ndizvo zvakagara zvataurwa neBhaibheri kuti zvichaitika.—Zvakazarurwa 6:6, 8.

Nemhaka yei dambudziko rekusanaya kwemvura riri kuwedzera?

 Bhaibheri rinotaura chikonzero chikuru nei dambudziko iri riri kuwedzera. Rinoti:

  •   “Hazvisi kumunhu ari kufamba kuti aruramise nhanho dzake.”Jeremiya 10:23.

 Izvi zvinoreva kuti vanhu havakwanisi kuzvitonga pachavo. Kakawanda kacho, zvinhu zvavanoita ndizvo zviri kukonzera kusanaya kwemvura uye kushomeka kwemvura.

  •   Nyanzvi dzesainzi dzakawanda dzinobvumirana kuti zvinhu zviri kuitwa nevanhu ndizvo zviri kukonzera kuti kunze kunyanye kupisa uye zvobva zvakonzerawo kusanaya zvakanaka kwemvura pasi rese.

  •   Makaro uye zvirongwa zvinoitwa nevanhu vasingafungi ramangwana ravo zviri kukonzera kuparadzwa kwemasango, kusvibiswa kwemhepo, uye kusashandiswa zvakanaka kwezviwanikwa. Izvi zvinoguma zvaita kuti tisare tisisina nzvimbo dzinogara mvura.

 Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinotipa tariro.

Dambudziko iri richazombopera here?

 Bhaibheri rinovimbisa kuti Mwari achagadzirisa dambudziko rekushayikwa kwemvura. Achazviita sei?

  1.  1. Mwari ‘achaparadza vari kuparadza nyika.’ (Zvakazarurwa 11:18) Achabvisa vanhu vakaipa vane makaro avo vari kukanganisa nyika, izvo zviri kukonzera dambudziko rekushomeka kwemvura.—2 Timoti 3:1, 2.

  2.  2. “Nyika yakaomeswa nekupisa kwekunze ichava dziva rakazara netsanga.” (Isaya 35:1, 6, 7) Mwari achagadzirisa matambudziko akakonzerwa nekusanaya kwemvura uye achaita kuti nyika ive paradhiso.

  3.  3. “Munochengeta nyika, muchiita kuti ibereke zvakawanda uye kuti ipfume.” (Pisarema 65:9) Mwari achaita kuti panyika pave nezvekudya zvakawanda zvakanaka uye mvura yakachena.