NYAYA IRI PAKAVHA | ZVAPUPU ZVAJEHOVHA VANHU VAKAITA SEI?
Ndezvipi Zvinotendwa neZvapupu zvaJehovha?
Zvapupu zvaJehovha zvinotenda kuti “rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira.” (2 Timoti 3:16) Tinoita kuti Bhaibheri rititungamirire pakudzidza nezveMusiki uye ritibatsire kuva neupenyu hune chinangwa.
Bhaibheri rinoti: “Kuti vanhu vazive kuti imi, mune zita rokuti Jehovha, Imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.” (Pisarema 83:18) Saka tinonamata Jehovha Mwari chete uye seZvapupu zvake, tinoita zvose zvatinogona kuti tizivise zita rake.—Isaya 43:10-12.
SevaKristu, tinotenda kuti Jesu, “Mwanakomana waMwari,” * akauya panyika, akazova Mesiya. (Johani 1:34, 41; 4:25, 26) Pashure pekunge afa, akamutswa ndokuenda kudenga. (1 VaKorinde 15:3, 4) Nokufamba kwenguva, akava Mambo weUmambo hwaMwari. (Zvakazarurwa 11:15) Umambo ihwohwo ihurumende iriko zvechokwadi ichaita kuti nyika yose ivezve Paradhiso. (Dhanieri 2:44) Bhaibheri rinoti: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11, 29.
“Pavanoverenga Bhaibheri, vanotenda kuti Mwari anenge achitotaura navo. Pavanosangana nematambudziko muupenyu, vanotsvaga muShoko raMwari kuti vangaagadzirisa sei. . . . Vanotenda kuti Shoko raMwari richiri kushanda.”
Zvapupu zvaJehovha zvinotenda kuti mazano eBhaibheri achiri kubatsira vanhu mazuva ano. (Isaya 48:17, 18) Saka tinonyatsotevedzera mazano iwayo. Somuenzaniso, hatisvute kana kushandisa madhiragi kuti tingozvifadza nekuti Bhaibheri rinotikurudzira kuti tisaite zvinosvibisa pfungwa nemiviri yedu. (2 VaKorinde 7:1) Uyewo hatiite zvinhu zvinorambidzwa pachena neBhaibheri zvakadai seudhakwa, ufeve uye kuba.—1 VaKorinde 6:9-11.
^ ndima 5 Bhaibheri rinodanawo Jesu kuti “Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga” nokuti ndiye chisikwa chokutanga uye ndiye chete akasikwa naJehovha pachake.—Johani 3:18; VaKorose 1:13-15.