Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Zvitendero zvose zvinofadza Mwari here?
Pawaiteerera nhau dzemunyika yose, zvichida wakaona kuti dzimwe nguva vanhu vanoita zvakaipa vachihwanda nechitendero. Hazvisi zvitendero zvose zvinofadza Mwari wechokwadi. (Mateu 7:15) Zvechokwadi vanhu vakawanda vari kutsauswa.—Verenga 1 Johani 5:19.
Kunyange zvakadaro, Mwari anofunga nezvevanhu vanoda chokwadi uye vanoda kuita zvakanaka. (Johani 4:23) Mwari ari kukoka vanhu vakadaro kuti vadzidze chokwadi chiri muShoko rake, Bhaibheri.—Verenga 1 Timoti 2:3-5.
Ungaziva sei chitendero chechokwadi?
Jehovha Mwari ari kubatanidza vanhu vakabva muzvitendero zvakasiyana-siyana nekuvadzidzisa chokwadi uye kudanana. (Mika 4:2, 3) Saka unogona kuona vari muchitendero chechokwadi nemabatiro avanoita vamwe vanhu.—Verenga Johani 13:35.
Jehovha Mwari ari kuita kuti vanhu vemarudzi ose vabatane achishandisa kunamata kwechokwadi.—Pisarema 133:1
Vanamati vechokwadi vanoita kuti zvavanotenda uye mararamiro avo zvienderane nezviri muBhaibheri. (2 Timoti 3:16) Vanokudzawo zita raMwari. (Pisarema 83:18) Uye vanotsigira kuti Umambo hwaMwari ndihwo huchapedza matambudziko evanhu. (Dhanieri 2:44) Vanotevedzera Jesu nokuita kuti ‘chiedza chavo chivheneke,’ vachiitira vavakidzani vavo zvakanaka. (Mateu 5:16) Naizvozvo, vaKristu vechokwadi vanozivikanwa nekushanyira vavakidzani vavo kuti vavaudze mashoko akanaka eUmambo hwaMwari.—Verenga Mateu 24:14; Mabasa 5:42; 20:20.