Nyika Yedu Icharamba Iripo Here Panopera Gore Ra2012?
Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .
Nyika Yedu Icharamba Iripo Here Panopera Gore Ra2012?
▪ “Vakawanda vanoti nyika ichaparara vari kudirana mune imwe nzvimbo iri kuFrance . . . Vanoti nyika ichaparara musi wa21 December 2012, panoperera makore 5 125 pakarenda yeMaya yekare.”—Nhau dzeBBC.
Pasinei nezvinotaurwa nevatungamiriri vemachechi avo vanoti nyika ichaparara, uye vaya vanozviti masayendisiti, kana kuti vafemberi vemuzana remakore rechi21, nyika icharamba iripo kwenguva yakareba zvikuru. Zvechokwadi, nyika icharamba iripo panopera gore ra2012. Kutaura zvazviri, nyika haizongorambi iripo panopera gore iroro chete, asiwo makore ose achazotevera.
Bhaibheri rinotiudza kuti: “Chimwe chizvarwa chinoenda, uye chimwe chizvarwa chinouya; asi nyika inogara iripo nokusingagumi.” (Muparidzi 1:4) Fungawo zvinorehwa nezvinotaurwa pana Isaya 45:18 panoti: “Zvanzi naJehovha, . . . Muumbi wenyika noMuiti wayo, Iye akaisimbisa kwazvo, asina kungoisikira pasina, akaiumba kuti igarwe: ‘Ndini Jehovha, hakuna mumwezve.’”
Baba vane rudo vangapedza nguva yakawanda vachigadzira motokari yokuti mwanakomana wavo atambise kana kuti chidhori chemwanasikana wavo, asi voparadza motokari yacho kana chidhori chacho vachangomupa here? Hwaizova utsinye chaihwo! Saizvozvowo, Mwari akasika nyika nechikonzero chikuru chokuti vanhu vanakidzwe nayo. Mwari akaudza vanhu vaviri vokutanga, Adhamu naEvha, kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire.” Pashure pacho, “Mwari akaona zvinhu zvose zvaakanga aita uye, tarira! zvakanga zvakanaka kwazvo.” (Genesisi 1:27, 28, 31) Mwari haana kuchinja chinangwa chaakasikira nyika uye haasi kuzobvumira kuti iparadzwe. Jehovha akataura achisimbisa shoko raakapikira achiti: “Harizodzoki kwandiri risina zvaraita, asi richaita zvandinofarira, uye richabudirira pane zvandinoritumira.”—Isaya 55:11.
Zvisinei, Jehovha anoda ‘kuparadza vaya vanoparadza nyika.’ (Zvakazarurwa 11:18) MuShoko rake, anovimbisa kuti: “Vakarurama ndivo vachagara panyika, uye vasina chavanopomerwa ndivo vachasara vari pairi. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; uye vanyengeri, vachabviswa pairi.”—Zvirevo 2:21, 22.
Izvi zvichaitika rini? Hapana anoziva. Jesu akati, “Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro kana awa yacho, kunyange ngirozi dziri kudenga kana Mwanakomana, asi Baba.” (Mako 13:32) Zvapupu zvaJehovha hazviedzi kufungidzira zuva richaparadzwa vanhu vakaipa naMwari. Kunyange zvazvo vachigara vakangwarira “chiratidzo” chokuguma uye vachiti vanhu vava kurarama munguva inonzi neBhaibheri “mazuva okupedzisira,” havazivi chaipo pachauya ‘mugumo.’ (Mako 13:4-8, 33; 2 Timoti 3:1) Izvozvo vanozvisiyira Baba vavo vokudenga neMwanakomana wavo.
Panguva ino, Zvapupu zvaJehovha zvinopedza nguva yakawanda zvichiparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, kureva hurumende yokudenga ichatonga uye ichachinja nyika kuti ive paradhiso ine runyararo umo ‘muchagara vakarurama nokusingaperi.’—Pisarema 37:29.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 10]
Image Science and Analysis Laboratory, NASA-Johnson Space Center