Kushanyira Sango Rakachena Nesinou
Tsamba Inobva kuNorway
Kushanyira Sango Rakachena Nesinou
NHASI nderimwe zuva mukutanga kwechando ari mangwanani. Tinodongorera nepahwindo kuti tione zvakaita kunze. Zvinofadza chaizvo kuona denga risina kana gore. Tiri kunopedza mazuva matatu tichiparidza kuFinnmarksvidda, nzvimbo ine makomo akati sandarara kuchamhembe kweArctic Circle.
MuNorway mwaka wechando unotonhora chaizvo, saka tinoita kakuzeza kuenda kusango iroro riri kuchamhembe. Sezvineiwo tiri kufamba neZvapupu zvaJehovha zvitatu zvinogara munzvimbo iyoyo. Vari kuziva zvatichasangana nazvo uye vatotipa mazano anobatsira.
Hakuna migwagwa yakawanda. Kuti uone vanhu vanogara kunzvimbo dziri kure zvinotoda kamota kanofamba musinou. Tinotakura mamwe mafuta emota, mbatya dzedu nechikafu mukamota kacho nekaturera. Kumberi-mberi kune nzvimbo ine makomo akati sandarara. Sinou inenge ichipenya semadhayamondi ateiwa nezuva. Nzvimbo yacho yakanaka zvinonwisa mvura!
MuFinnmarksvidda munowanika mhuka dzomusango dzakasiyana-siyana. Asi chatinonyanya kutarisira kuonana nevanhu vari munzvimbo iyi iri kure. Tinoda chaizvo kuonana nevanhu vechiSami avo vanorarama nokupfuya mhuka dzakaita kunge mhembwe uyewo nokushanda padzimba dzevaeni dziri ikoko.
Nechokunze kweimba yevaeni yokutanga, tinosangana nekirasi yevana vechikoro vanenge vachitambira musinou. Vanomira votaura nesu, vachitibvunza zvatafambira. Tinovatsanangurira tichifara. Tava kuparadzana, kamwe kakomana kanoti: “Nakidzwai nebasa renyu!” Tinokwirazve mota dzedu toyambuka madhamu makuru akagwamba nechando uye nzvimbo yakafukidzwa nesinou. Kuti tichasangana neboka remhuka dzomusango here?
Tichikwidza kuenda kune imwe imba yevaeni, mumwe murume anotikwazisa noushamwari. Murume wacho mumwe wevanhu vashoma vanogara munzvimbo yacho. Paanoona kuti turera yedu yatyoka, anoti anoda kutigadzirira. Anoigadzira hake pore-pore, sezvo vanhu vekuno vasingamhanyi-mhanyi pakuita zvinhu. Maitiro ake anotoitawo kuti isu tidekare. Apedza kugadzira turera yedu, tinomutenda tobva tamuverengera pfungwa shoma dzomuBhaibheri pamusoro pezvinoita kuti Mwari arege vanhu vachitambura. Anonyatsoteerera. Tinomusiira bhuku raBhaibheri
Rinombodzidzisei Chaizvo? uye magazini eNharireyomurindi neMukai! Achinyemwerera anobva ati: “Mazvita nokundishanyira.”Pashure pokushanyira vamwe vanhu vashoma, kunotanga kusviba uye tinobva tananga kune imwe imba yevaeni kwatinonorara. Tiri munzira tinongoerekana tasangana negava. Mvere dzaro dzakatsvukuruka dzakasiyana zvinoyevedza nesinou yakati mbuu kuchena. Rinomboti mirei rotiti ndee, robva raenda. Sinou inotanga kudonha uye hatichanyatsooni kwatiri kuenda. Tinofara chaizvo patinozoona imba yacho. Tinobatidza moto pachitofu uye imba yacho inotanga kudziya zvishoma nezvishoma. Kunyange zvazvo tapera basa nokuneta nemhaka yokufamba kwataita, tiri kufara.
Kunze kunoedza asi nyama hadzisati dzava kuda kumuka. Tinoisazve zvinhu zvedu mumotokari ndokudzika tichienda kunzvimbo yakaderera, uye tinofamba tichitevedza rwizi ndokusvika pane imwe imba yevaeni. Pano tinosangana nomumwe mukomana wechiduku tomuverengera pfungwa dzomuBhaibheri dzakati oo dzinokurudzira. Anonyatsotirayiridza nzira iri nyore yokudzokera kwatabva nako.
Zuva rokupedzisira rokushanya kwedu rinosvika. Patinopinda muStabbursdalen National Park, tinobva taona nzvimbo yakazonaka ine makomo akafukidzwa nesinou uye anopenya paanorohwa nechiedza chezuva. Tinoona boka guru remhuka dziya dzakaita semhembwe. Dziri kufura zvadzo dzakadekara, dzichichera musinou nematsimba adzo akakura kuti dzidye zvimwe zvinhu zvinomera pasi pesinou. Nechokure tinoona mumwe murume wechiSami akagara pakamota kake kanofamba musinou. Akati zii zvake achifudza mhuka dziya dzakaita semhembwe. Imbwa yake iri kunyatsomubatsira kudzora zvipfuwo zvake kuti zvisapararira. Imbwa yacho inomboti mirei zvishoma yofembedza yakatarisa kwatiri. Asi inobva yakurumidza kuita basa rayo rokufudza. Tinoparidzira mufudzi wacho. Ane ushamwari uye anoteerera zvatiri kutaura.
Tiri munzira kudzokera kumba, tinofunga nezvevanhu vatanga tichiona parwendo urwu rwemakiromita 300. Tinoiona seropafadzo chaiyo kuti tine zvishoma zvataitawo kuti titaure nevanhu vari musango iri rakachena nesinou.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 15]
© Norway Post