Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Umambo hwaMwari Mwoyo Wako Here?

Umambo hwaMwari Mwoyo Wako Here?

Umambo hwaMwari Mwoyo Wako Here?

Mubhuku rake rinonzi Jesus of Nazareth, Pope Benedict XVI akanyora kuti: “Kana mwoyo womunhu ukagamuchira Jesu, akava nokutenda, Umambo hwaMwari hunenge hwatova maari.” Vamwe vanoti, Umambo hwaMwari kuchinja kunoita mwoyo womunhu paanogamuchira Jesu Kristu otenda maari. Ndizvo here kuti Umambo hwaMwari kutendeuka kwaunoita, kureva kuti umambo ‘huri mumwoyo mako’?

ICHOKWADI kuti Jesu aikoshesa Umambo chaizvo. Pope Benedict akabvuma kuti Umambo “ndihwo hwaiva musimboti wokuparidza kwaJesu.” Munguva pfupi iyo Jesu akapedza achiita ushumiri hwake, zhinji yacho akatenderera munyika yose ‘achiparidza mashoko akanaka oumambo.’ (Mateu 4:23) Zvaidzidziswa naJesu nezvishamiso zvaaiita zvakanyatsojekesa kuti Umambo haungogumiri pakugamuchira Mwari uye kumuteerera. Hunosanganisira utungamiriri noutongi uye zvikomborero zvisingaperi.

Utungamiriri noUtongi

Kwasara mazuva mashoma kuti Jesu apedze ushumiri hwake, mumwe musi amai vaJakobho naJohani vakauya kwaari vakati: “Ndinokumbirawo kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu muumambo hwenyu.” (Mateu 20:21) Zviri pachena kuti vakanga vasiri kureva kuti Umambo hwakanga huri mumwoyo mevanakomana vavo. Asi vainzwisisa kuti Umambo hwaireva kutonga pamwe naJesu, uye vaida kuti vana vavo vatongewo muumambo hwacho. Jesu akatovimbisa vaapostora vake 11 vakatendeka kuti vaizova muUmambo hwake uye ‘vaizogara pazvigaro zvoumambo’ ‘vachitonga’ naye. (Ruka 22:30) Saka vateveri vaJesu vaiziva kuti Umambo hwake hwaireva utongi, utungamiriri kana kuti hurumende.

Ko vamwewo vanhu vairarama panguva yaJesu, vaifunga kuti Umambo kungotendeuka kunoita munhu here kana kuti pane zvimwe zvavaitarisira? Kwasara nguva pfupi kuti Paseka ya33 C.E. iitwe, Jesu paaipinda muJerusarema akatasva mwana wembongoro, boka revanhu rakamuchingura uye vamwe vaishevedzera vachiti: “Tapota, ponesai, Mwanakomana waDhavhidhi!” (Mateu 21:9) Sei vaishevedzera vachidaro? Zviri pachena kuti vakanga vava kunzwisisa kuti Jesu ndiye aiva Mesiya akapikirwa uye kuti Mwari aizomupa Umambo husingaperi, “chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi.” Vaida chaizvo kuti Umambo uhwu huvanunure, huite kuti pave norunyararo uye kuti varuramisirwe.—Ruka 1:32; Zekariya 9:9.

Zvikomborero Zvisingaperi

Kunyange vaya vaiita sokuti havafariri ushumiri hwaJesu vane imwe dzidziso yake yavaiziva. Paakaurayiwa, rimwe tsotsi raiva rakarovererwa pedyo naye rakamuteterera richiti: “Jesu, mundiyeukewo kana mapinda muumambo hwenyu.” Jesu akamupindura achiti kudini? Akavimbisa murume uyu akanga ava kutandadza kuti: “Uchava neni muParadhiso.”—Ruka 23:38-47.

Zviri pachena kuti tsotsi iroro raitenda kuti kana Jesu amutswa kuvakafa, aizopiwa Umambo. Jesu ane chido nesimba rokumutsa uye kubatsira munhu wacho kuti achinje mararamiro ake, pamwe chete nemamiriyoni evamwe vachazomutswa. Chokwadi, Jesu zvaakapiwa simba rokuva Mutongi kudenga, achaita kuti vanhu vari pasi pose vawane zvikomborero zvisingaperi zvoUmambo.—Johani 5:28, 29.

Umambo Pakati Pavo

Jesu haana here kuti: “Umambo hwaMwari huri pakati penyu”? Chokwadi ndizvo zvaakataura uye mashoko acho anowanikwa pana Ruka 17:21. Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinototi “ushe hwaMwari huri mukati menyu,” uyewo dzimwe dzinoti “huri mamuri.” (Somuenzaniso, ona Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona uye Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.) Jesu airevei nemashoko iwayo?

Ndima dziri pokutanga dzinoratidza kuti Jesu aitaura mashoko aya kuboka rechitendero revaFarisi raiva nemamwe mafungiro. Vane zvavo zvavaitarisira nezvaMesiya noUmambo hwake. Ivo vaifunga kuti Mesiya aizouya “aine makore okumatenga” saMambo ane mbiri, kuti anunure vaJudha kuvaRoma uye adzorere umambo hwaIsraeri. (Dhanieri 7:13, 14) Zvisinei, Jesu akavaudza kuti zvavaifunga zvakanga zvisiri izvo, achiti: “Umambo hwaMwari hahuuyi huchinyatsocherechedzwa.” Zvadaro akawedzera kuti: “Tarirai! umambo hwaMwari huri pakati penyu.”—Ruka 17:20, 21.

Kunyange zvazvo Jesu aidzidzisa achiita zvishamiso zvainyatsoratidza kuti ndiye Mambo woUmambo ihwohwo akagara ataurwa, vaFarisi vakatonyanya kumushora nokuti mwoyo yavo yakanga isina kuchena uye vakanga vasina kutenda kwechokwadi. Vakanga vasina chokwadi nezvezvaiitwa naJesu uye zvaaitaura. Saka akavaudza pachena kuti: Umambo, hwaimiririrwa naMambo wahwo akagadzwa, hwaiva ‘pakati pavo.’ Haana kuvati vatarise umambo mumwoyo mavo. * Jesu nevadzidzi vake vaiva vakamira pamberi pavo. Akati: “Umambo hwaMwari huri pakati penyu.”—Ruka 17:21.

Umambo Hwaunofanira Kukoshesa

Kunyange zvazvo Umambo hwaMwari husiri mumwoyo mevanhu vanotadza, tinofanira kuhukoshesa. Zvaidzidziswa naJesu uye mabasa esimba aakaita, zvaiedza kuvaka kutenda kunobva pamwoyo muvateereri vake kuti vatende kuti utongi hwakarurama hwaizoita kuti panyika pave norunyararo pasina chinotyisa. Aida kuti vave nokutenda kwaizovabatsira muupenyu hwavo. Akatovadzidzisa kunyengetera vachiti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mateu 6:9, 10) Vateereri vaJesu vakawanda vakabayiwa mwoyo nemashoko ake vakava nokutenda kwakaita kuti vatevere Jesu pakutsvaka zvikomborero zvoUmambo hwaMwari.

Ungada kuva nokutenda kwakadai here? Saka unofanira kuita sei kuti uvake kutenda kwakadaro? Yeuka mashoko akatanga kutaurwa naJesu paMharidzo yepaGomo yakakurumbira, okuti: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu, nokuti umambo hwokumatenga ndohwavo.” (Mateu 5:3) Wadii kubvuma kudzidza Bhaibheri nevabudisi vemagazini ino, Zvapupu zvaJehovha? Ukadaro uchava netariro yokuti Umambo uhwu hahusi kuzongochinja iwewe chete asi huchaita kuti pave noutungamiriri hwakarurama uye hunotonga zvinogutsa, huchaunzira vanhu vose runyararo hwoita kuti pasava nechinotyisa.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Chisazitasingwi chokuti “menyu” chiri mumashoko anoshandurwa kuti “mukati menyu” mune dzimwe shanduro dzeBhaibheri muchiGiriki chiri muuwandu uye chinoreva vaFarisi, avo Jesu aitaura navo. Zvechokwadi, hazvingaiti kuti titi Jesu aitaura nezvokutendeuka kwevaFarisi kana kuti kunaka kwemwoyo yavo.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]

Tingati Umambo hwaMwari hwaiva mumwoyo yevashori vaJesu vakanga vakaoma musoro uye vaida kumuuraya here?