Kugadzirisa Zvichemo Zvinowanzopiwa Nevakaroorana
Kugadzirisa Zvichemo Zvinowanzopiwa Nevakaroorana
BHAIBHERI haritauri kuti zviri nyore kumisa imba. Muapostora Pauro akafuridzirwa naMwari kunyora kuti ‘matambudziko evakaroorana haaperi.’ (1 VaKorinde 7:28, Bhaibheri Rinoera.) Asi vakaroorana vane zvakawanda zvavanogona kuita kuti vaderedze matambudziko avanowana uye vawedzere kufadzana. Ngatimbokurukurai zvichemo zvitanhatu zvinowanzopiwa nevarume nemadzimai, toona kuti kuita zvinotaurwa neBhaibheri kungabatsira sei.
1
CHICHEMO:
“Mumwe wangu haachina nguva neni.”
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:
Iva “nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.”—VAFIRIPI 1:10.
Imba yenyu ndicho chimwe chezvinhu zvinokosha kupfuura zvose muupenyu hwenyu. Inofanira kuva pokutanga. Saka ongorora zvirongwa zvako uone kana zvisiri kukonzerawo dambudziko rokuti ushaye nguva nemumwe wako. Usaita kuti zvinhu zvinokosha zvaunofanira kuita muupenyu zviite kuti iwe nowawakaroorana naye muite mazvake-mazvake. Ichokwadi kuti basa raunoshanda nezvimwewo zvinhu zvingaita kuti musava nenguva yakawanda muri pamwe chete. Asi haufaniri kubvumira kuti zvinhu zvakaita senguva yaunopedza uchiita zvinhu zvinokunakidza kana kuti yaunopedza
uchishamwaridzana nevamwe zvikudyire nguva yaunofanira kuva pamwe chete nomumwe wako.Zvisinei, vamwe vangasarudza kupedza nguva vachiita mamwe mabasa kana kuti kuita zvimwe zvinovanakidza vasiri pamwe chete, vachizviitira kuti vasava nenguva yakawanda nowavakaroorana naye. Saka vanhu vakadaro havasi kushaya nguva yokuva pamwe chete asi vari kutotizana. Kana iwe nowawakaroorana naye zvirizvo zvamuri kuita, munofanira kuongorora kuti chii chiri kuita kuti mudaro, mobva machigadzirisa. Kuwana nguva yakawanda muri vaviri muchikurukura zvine chokuita noupenyu hwenyu ndiko chete kuchaita kuti muwirirane uye munyatsova “nyama imwe” chaiyo.—Genesisi 2:24.
Mashandisiro akaita vamwe zano iri: Andrew * naTanji vokuAustralia vava nemakore gumi vakaroorana. Andrew anoti: “Ndakazoona kuti kushanda zvakanyanya uye kugara ndichingotandara nevamwe kunogona kukanganisa imba yedu. Saka ini nomudzimai wangu tinoronga nguva yokutaurirana zviri kutsi kwemwoyo.”
Dave naJane vanogara kuUnited States vava nemakore 22 vakaroorana uye manheru oga oga pavanotanga kuonana vanopedza hafu yeawa vachikurukura zvinenge zvaswera zvichiitika uye zvavanenge vachifunga. Jane anoti: “Nguva iyi tinoikoshesa zvokuti hapana chatinobvumira kuti chivhiringidze urongwa uhwu.”
2
CHICHEMO:
“Handichawani zvandinoda mumba muno.”
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:
“Mumwe nomumwe ngaarege kuramba achitsvaka zvake oga, asi zvomumwe munhu.”—1 VAKORINDE 10:24.
Munhu anongofunga nezvezvaari kuwana mumba haazombofi akanyatsofara, kunyange kana akaroora kana kuroorwa kakawanda sei. Imba inotsvuka chin’ai ndokunge murume kana mukadzi vachinyanya kufunga nezvokupa pane kungotarisira kupiwa. Jesu akati chinoita kuti zvidaro ndechokuti: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.
Mashandisiro akaita vamwe zano iri: Maria naMartin vanogara kuMexico vava nemakore 39 vakaroorana. Asi hazvirevi kuti mumba
mavo zvinhu zvaigara zvichingova muchechetere mvura yeguvi. Vanoyeuka pamwe pavakambonetsana chaizvo. Maria anoyeuka kuti: “Tiri pakati pokupopotedzana zvakasimba, ndakatuka Martin. Akatsamwa zvisingaiti. Ndakaedza kutsanangura kuti ndakanga ndisingarevesi, kungoti ndakanga ndatsamwawo. Asi haana kuzviteerera.” Martin anoti, “Tiri kupopotedzana kudaro, ndakatanga kufunga kuti zvakanga zvisingachaiti kuti tirambe tichigara tose, asi kuti taifanira kuti aziva kwake aziva kwake.”Martin aida zvokuremekedzwa, ukuwo Maria achida kunzwisiswa. Hapana akanga ari kuwana zvaaida muimba iyi.
Vakagadzirisa sei dambudziko racho? Martin anoti: “Ndakazvipa nguva yokuti hasha dzimboserera, uye tose takazosarudza kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yokuremekedzana uye kuitirana mutsa. Mumakore ose aya, takadzidza kuti pasinei nokuti zvinetso zvingamuka kakawanda sei, tinogona kuzvikurira kana tikanyengeterera kubatsirwa naMwari uye tikashandisa mazano anowanikwa muBhaibheri.—Isaya 48:17, 18; VaEfeso 4:31, 32.
3
CHICHEMO:
“Mumwe wangu haaiti zvaanenge achifanira kuita.”
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:
“Mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.”—VAROMA 14:12.
Hapana mubvunzo kuti munhu mumwe chete haangaiti kuti imba itsvuke chin’ai. Asi kana vose vakasaita zvavanofanira kuita, vachingonakurirana nyoka mhenyu, hapana chinobuda.
Kana ukagara uchingofunga zvinofanira kuitwa nomumwe wako, hauzombofari. Zvingatonyanya kuipa kana iwe ukakanda mapfumo pasi nokuti mumwe wako haasi kuita zvaanofanira kuita. Asiwo kana ukaedza kuva murume kana mudzimai akanaka, zvinhu zvinogona kuva nani mumba menyu. (1 Petro 3:1-3) Zvinotokosha ndezvokuti unenge uchiratidza Mwari kuti unoremekedza urongwa hwake hwokuroorana, uye zvaunoita zvichamufadza kwazvo.—1 Petro 2:19.
Mashandisiro akaita vamwe zano iri: Kim nomurume wake vanogara kuKorea vava nemakore 38 vakaroorana. Kim anoti: “Dzimwe nguva murume wangu anondigumbukira orega kutaura neni, uye handitombozivi kuti anenge agumburiswa nei. Izvi zvinoita kuti ndione sokuti haachandidi. Dzimwe nguva ndinotozozvibvunza kuti, ‘Sei achitarisira kuti ini ndimunzwisise asi iye asina hanya nemanzwiro andinoita?’”
Kim aigona kungoramba achizvidya mwoyo nezvenyaya iyi uye nezvezvisiri kuitwa nomurume wake. Asi handizvo zvaakaita. Kim anoti: “Pane kuramba ndakatsamwa, ndakadzidza kuti zviri nani kutanga ini kuita kuti zvinhu zvifambe. Tose tinozopedzisira taita kuti hasha dziserere tonyatsotaura takadzikama.”—Jakobho 3:18.
4
CHICHEMO:
“Mudzimai wangu haandiremekedzi.”
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:
“Musoro womurume wose ndiKristu.”—1 VAKORINDE 11:3.
Murume anofunga kuti mudzimai wake haamuremekedzi anofanira kutanga azviongorora kuti iye wacho anoremekedza Jesu Kristu somusoro wake here. Murume anoratidza kuti anoremekedza kana achitevedzera muenzaniso waJesu.
Muapostora Pauro akanyora kuti: “Varume, rambai muchida madzimai enyu, Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo.” (VaEfeso 5:25) Jesu haana ‘kuzviita ishe’ pavadzidzi vake. (Mako 10:42-44) Aipa vateveri vake mirayiridzo yakajeka uye aivaruramisa pazvainge zvakakodzera. Haana kuzviita nehasha. Aivaitira mutsa uye aiziva zvavakanga vasingakwanisi kuita. (Mateu 11:29, 30; Mako 6:30, 31; 14:37, 38) Nguva dzose aitanga afunga zvavaida asati afunga zvaaida iye.—Mateu 20:25-28.
Murume anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Maonero andinoita kuva baba uye andinoita vanhukadzi anonyanya kubva patsika dzekwatinogara here kupfuura mazano nemienzaniso zvinowanikwa muBhaibheri?’ Somuenzaniso, ungati chii nezvemukadzi anotsika madziro achiti zvinofungwa nomurume wake hazvishandi asi achizvitaura nokuremekedza? MuBhaibheri, Sara mudzimai waAbrahamu, anonzi aiva mudzimai aigona kuremekedza murume wake. (1 Petro 3:1, 6) Asi, Sara aitaurawo zvaaifunga paaiona zvakakodzera, somuenzaniso paaiona Abrahamu achiita zvisarudzo zvaizoisa mhuri yose pangozi.—Genesisi 16:5; 21:9-12.
Zviri pachena kuti Abrahamu haana kutyisidzira Sara zvichiita kuti apete muswe zvokutadzawo kana kuti bufu. Akanga asingadzvinyiriri. Saizvozvowo, murume anoteerera zano reBhaibheri haazoshushi mudzimai wake, achimumanikidza kubvuma zvese-zvese zvaanenge ataura. Kana murume akashandisa masimba ake zvakanaka, zvichava nyore kuti mudzimai wake amuremekedze.
Mashandisiro akaita vamwe zano iri: James, anogara kuEngland uye ava nemakore 8 akaroora anoti: “Ndiri kudzidza kutanga ndataura nemudzimai wangu ndisati ndasarudza kuita zvinhu zvinokosha. Handingoiti zvinondifadza, asi ndinotanga ndanzwawo kuti mudzimai wangu anofungei.”
George anogara kuUnited States ava nemakore 59 akaroora. Anoti: “Ndinoedza kubata mudzimai wangu seshamwari yakachenjera uye inogona, kwete kumubata neseri kweruoko.”—Zvirevo 31:10.
5
CHICHEMO:
“Murume wangu anongomirira kuudzwa zvokuita.”
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:
“Mukadzi akachenjera zvechokwadi anovaka imba yake, asi benzi rinoiputsa nemaoko aro.”—ZVIREVO 14:1.
Kana murume wako achizeza kuita zvisarudzo kana kuti kutungamirira imba, pane zvinhu zvitatu zvaunogona kuita. (1) Unogona kuti nanga-nanga nezvaasingagoni kuita, kana kuti (2) unogona kubvuta masimba ake wotozviita iwe baba, kana kuti (3) unogona kunyatsomurumbidza pane zvaari kuita. Kana ukasarudza kuita chimwe chezvinhu zviviri zvokutanga, uchaputsa imba yako nemaoko ako. Asi kana ukasarudza kuita chapedzisira kutaurwa, uchavaka kana kusimbisa imba yako.
Chinonyanya kudiwa nevarume vakawanda kuremekedzwa kupfuura kuratidzwa rudo. Kana ukaita kuti murume wako azvione kuti unomuremekedza, ukamuratidza kuti ari kugona kutungamirira imba uye unomuonga, iyewo achanatsiridza basa rake. Asi chokwadi ndechokuti, pane dzimwe nguva iwe nomurume wako munogona kumbotosvorana. Saka munotofanira kugara pasi kuti mukurukure nyaya idzodzo. (Zvirevo 18:13) Asi mashoko aunotaura uye matauriro aunoita ndiwo achaita kuti uvake imba yako kana kuiputsa. (Zvirevo 21:9; 27:15) Kana uchida kuti murume wako asazeza kutungamirira imba yenyu, unofanira kutaura zvaunofunga asi uchizviita nokuremekedza.
Mashandisiro akaita vamwe zano iri: Michele, anogara kuUnited States uye ava nemakore 30 akaroorwa anoti: “Amai vangu vakatirera ini nevanin’ina vangu vasina murume anovatsigira. Vakanga vasingamiriri kuudzwa zvokuita nomunhu uye vaiti zvavasarudza ndizvozvo. Ndakabva ndatoredzerawo izvozvo. Saka ndaitofanira kusunga dzisimbe kuti ndipe murume wangu ruremekedzo rwakakodzera. Somuenzaniso, ndakadzidza kutanga ndanzwa zvinofungawo murume wangu pane kungoita zvomusoro wangu.”
Rachel, anogara kuAustralia ava nemakore 21 akaroorwa naMark, akakanganiswawo nemarererwo aakaitwa. Anoyeuka kuti: “Amai vangu vakanga vasingaremekedzi baba vangu zvachose. Kuitirana nharo uye kusaremekedzana ndiko kwaiva kudya kwavo. Mumakore angu okutanga ndaroorwa, ndaitevedzera zvaiitwa naamai vangu. Zvisinei, mumakore akazotevera, ndakaona kuti zvinokosha kushandisa zano reBhaibheri rinotaura nezvekuremekedza. Iye zvino ini naMark tiri kunakidzwa.”
6
CHICHEMO:
“Ndaneta nezvinhu zvinosvota zvinoitwa nemumwe wangu.”
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:
“Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe.”—VAKOROSE 3:13.
Muchiri kudanana, zvimwe wainyanya kutarisa zvinhu zvakanaka zvaiitwa nemumwe wako usingatarisi zvakaipa zvaaiita. Iye zvino uchiri kudaro here? Zviri pachena kuti ungapa
zvikonzero zvine musoro zvinoita kuti ugumburwe nezvaanoita. Asi zvibvunze kuti, ‘Ndichatarisa unhu hupi pane mumwe wangu, hwakanaka here kana kuti hwakaipa?’Jesu akashandisa mufananidzo une simba unoratidza kuti hatifaniri kuti nanga-nanga nezvakaipa zvinoitwa nevamwe. Akabvunza kuti: “Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usingafungi danda riri muziso rako?” (Mateu 7:3) Shoko rokuti kabanzu rinogona kureva chinhu chinokutosvora. Asi danda nderiya rinoiswa padenga reimba kuti isawira mukati. Saka Jesu aiti tinofanira kudini? “Tanga wabvisa danda muziso rako, ipapo uchanyatsoona mabvisiro aungaita kabanzu kari muziso rehama yako.”—Mateu 7:5.
Jesu akasuma mufananidzo uyu nenyevero yakasimba. Akati: “Regai kutonga kuti murege kutongwawo; nokuti nokutonga kwamuri kutonga nako, muchatongwawo nako.” (Mateu 7:1, 2) Kana uchida kuti Mwari akuregerere zvikanganiso zvako zvinofananidzwa nedanda riri muziso rako, zvakanakawo kuti uregerere mumwe wako paanokanganisa.—Mateu 6:14, 15.
Mashandisiro akaita vamwe zano iri:Jenny, anogara kuEngland uye ava nemakore mapfumbamwe akaroorana naSimon, anoti: “Ndakaona kuti chinowanzondigumbura ndechokuti murume wangu haana kurongeka, anoita zvetsuro yamukira mumakumbo uye anofarira kuita zvinhu nguva yapera. Zvinosetsa ndezvokuti pataiva tichiri kudanana, aingoerekana aita zvinhu uye ini ndaitozvifarira. Asi iye zvino ndava kuona kuti neniwo ndine zvandinokanganisa, zvakadai sokungoda kutonga-tonga. Ini naSimon tiri kudzidza kuti tisangoti nanga-nanga netuzvikanganiso twatinenge taitirana.”
Curt, akaroorana naMichele, watambotaura nezvake, anoti: “Ukada kungoti nanga-nanga nezvinoshatirisa zvinoitwa nemumwe wako, zvikanganiso zvacho zvinoramba zvichikura kuita makomo. Ndinoona zviri nani kunyanya kutarisa unhu hwakanaka hwaMichele hwakaita kuti ndimude.”
Zvamungaita Kuti Zvikufambirei Zvakanaka
Mienzaniso iyi mishomanana inoratidza kuti matambudziko anosangana nevakaroorana haanzvengeki asi hazvirevi kuti haakundiki. Ko chii chinoita kuti zvivafambire zvakanaka? Kuda Mwari uye kuva nechido chokuita zvinotaurwa neShoko rake Bhaibheri.
Alex naItohan, vanogara kuNigeria uye vava nemakore anopfuura 20 vakaroorana, vava kuziva zvinoita kuti zvivafambire zvakanaka. Alex anoti: “Ndakazoona kuti chero chinetso chingavapo pakati pevanhu vakaroorana chinogadzirika kana vaviri vacho vakashandisa mazano eBhaibheri.” Mudzimai wake anoti: “Takadzidza kukosha kunoita kunyengetera tiri pamwe chete nguva dzose, uye kushandisa zano reBhaibheri kuti tive vanodanana zvinobva pasi pemwoyo tichiitirana mwoyo murefu. Iye zvino zvinetso zvava zvishoma kana tichienzanisa nepataive tichangobva kuroorana.”
Ungada here kudzidza zvakawanda nezvekuti mazano eShoko raMwari angabatsira sei mhuri yako? Kana uchida, kumbira Zvapupu zvaJehovha kuti zvikurukure newe chitsauko 14 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? *
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 10 Mamwe mazita akachinjwa.
^ ndima 63 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mufananidzo uri papeji 4]
Tine nguva yokumbokurukura here?
[Mufananidzo uri papeji 5]
Ndinoedza kupa kupfuura zvandinotarisira kuwana here?
[Mufananidzo uri papeji 6]
Ndinotanga kuita kuti tigadzirise kusawirirana here?
[Mufananidzo uri papeji 7]
Ndinotanga ndanzwawo mafungiro emudzimai wangu ndisati ndasarudza zvokuita here?
[Mufananidzo uri papeji 9]
Ndinotarisa zvakanaka zvinoitwa nemudzimai wangu here?