Vabereki —Dzidzisai Vana Venyu Kubvira Paucheche
“TARIRAI! Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha; chibereko chedumbu mubayiro,” rinodaro Bhaibheri. (Pis. 127:3) Saka hazvitishamisi kuti vabereki vechiKristu vanofara zvekufara zviya pavanova nemwana.
Zvechokwadi kuzvarwa kwemwana kunofadza, asi panenge patangawo basa rakakura. Kuti mwana azokura akagwinya, anofanira kugara achiwana zvokudya zvinovaka muviri. Kuti azoramba akabatisisa kunamata kwechokwadi, anodawo kudzidziswa zvinhu zvokunamata uye kutungamirirwa nevabereki vanoedza kumudzidzisa zvinodiwa naMwari. (Zvir. 1:8) Vabereki vanofanira kutanga riini kudzidzisa vana uye vanofanira kuvadzidzisa chii?
VABEREKI VANOFANIRA KUDZIDZA MAITIRWO AZVO
Funga nezvemumwe murume wedzinza raDhani ainzi Manoa, aigara muguta reZora muIsraeri. Ngirozi yaJehovha yakaudza mudzimai waManoa aishaya mbereko kuti aizobereka mwanakomana. (Vat. 13:2, 3) Murume akanga akatendeka uyu nemudzimai wake vakafara zvikuru kuti vaizova nemwana. Zvisinei, vaivawo nezvimwe zvavaida kuziva. Saka Manoa akanyengetera achiti: “Pamusoroi, Jehovha. Munhu waMwari wechokwadi wamuchangobva kutuma, ndapota, ngaauyezve kwatiri atirayiridze zvatinofanira kuitira mwana achaberekwa.” (Vat. 13:8) Manoa nemudzimai wake vaida kuziva kuti vaizorera sei mwana wavo. Zviri pachena kuti vakadzidzisa mwanakomana wavo Samsoni mutemo waMwari, uye zvavakaita zvakabudirira zvikuru. “Kwapera nguva yakati, mudzimu waJehovha wakatanga kumugombedzera [Samsoni],” rinodaro Bhaibheri. Izvi zvakaita kuti Samsoni aite zvishamiso zvakawanda semumwe wevatongi vaIsraeri.—Vat. 13:25; 14:5, 6; 15:14, 15.
Kudzidzisa mwana kunofanira kutangira pazera ripi? “Kubvira paucheche” Timoti akadzidziswa “zvinyorwa zvitsvene” naamai vake, Yunisi, uye ambuya vake Roisi. (2 Tim. 1:5; 3:15) Timoti akatanga kudzidziswa Magwaro achiri muduku zvikuru.
Vabereki vechiKristu vakangwara vanonyengetera kuti vatungamirirwe uye vanogara varonga kuti vachadzidzisa sei mwana “kubvira paucheche.” “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira,” inodaro Zvirevo 21:5. Mwana asati azvarwa, zviri pachena kuti vabereki vanogadzirira. Vanogona kutonyora pasi zvinhu zvichadiwa nekacheche kavo. Zvakakoshawo kuti vagare varonga zvinhu zvine chekuita nekunamata. Chinangwa chavo chinofanira kuva chekutanga kudzidzisa mwana wavo achangoberekwa.
Rimwe bhuku rinotsanangura kuti vana vanokura sei rinotaura kuti: “Mwedzi mishoma mwana achangoberekwa inokosha pakukura kwepfungwa dzemwana. Iyi ndiyo nguva inonyanya kukura uropi hwemwana kuti akwanise kudzidza.” Saka vabereki vanofanira kushandisa nguva iyi pfupi yekukura kunoita uropi hwemwana, kuti vatange kuita kuti pfungwa dzemwana wavo dzibate zvinhu zvine chekuita nekunamata!
Vamwe amai piyona vachitaura nezvemwanasikana wavo muduku vanoti: “Kubvira achiine mwedzi ndaigara ndichienda naye muushumiri. Kunyange zvazvo akanga asati ava kuziva, ndinofunga kuti kumutangidzira achiri muduku kudai kwakamubatsira zvikuru. Paakanga ava nemakore maviri, akanga ava neushingi hwekupa vanhu vataisangana navo mubasa remumunda maturakiti.”
Kutanga kudzidzisa mwana achiri muduku kunobatsira zvikuru. Zvisinei, vabereki vanozivawo kuti hazvisi nyore kudzidzisa vana vavo nezvaMwari.
‘TENGAI NGUVA YAKAKODZERA’
Sezvo mwana asingagoni kuita nguva yakawanda ari pachinhu chimwe chete, zvinogona kuomera vabereki kumudzidzisa. Mwana muduku anogona kuti muchitaura chimwe chinhu iye anenge atova pane chimwe. Izvi hazvingashamisi nokuti anenge ari kuedza kuziva zvakamupoteredza. Vabereki vangabatsira sei mwana wavo kuti pfungwa dzake dzirambe dziri pane zvavari kuedza kumudzidzisa?
Funga zvakataurwa naMosesi. Dheuteronomio 6:6, 7 inotaura kuti: “Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kuaroverera mumwanakomana wako uye utaure nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi nepaunomuka.” Shoko rakashandurwa kuti “kuroverera” rinopa pfungwa yekudzidzisa uchidzokorora chimwe chinhu kakawanda. Mwana muduku akaita sembeu ichangotanga kumera iyo inoda kugara ichidiridzwa. Sezvo vanhu vakuru vachibatsirwa kuyeuka chinhu nekuramba vachichidzokorora, zvimwe chetezvo zvinoshanda kuvana vaduku!
Kuti vabereki vazodzidzisa vana chokwadi chaMwari vanofanira kuvawanira nguva. Muupenyu hwanhasi hune zvakawanda zvekuita, kuwana nguva chinhu chinonetsa zvikuru. Asi muapostora Pauro akakurudzira ‘kutenga nguva yakakodzera’ yokuita mabasa echiKristu. (VaEf. 5:15, 16) Izvi zvingaitwa sei? Mumwe murume wechiKristu aiomerwa zvikuru nekudzidzisa mwana wake nokuti aifanirawo kuita mabasa ake ekunamata, kushandira mhuri, uye mudzimai wake akanga akabatikanawo zvikuru nebasa rekupayona. Vaizowana kupi nguva yekudzidzisa mwanasikana wavo? Baba vacho vanoti: “Mangwanani ega ega ndisati ndaenda kubasa, ini nemudzimai wangu tinomuverengera Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri kana kuti Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva. Manheru tinova nechokwadi chekuti tamuverengera chimwe chinhu asati arara, uye tinobuda naye muushumiri. Hatidi kutambisa makore aya ekutanga.”
‘VANAKOMANA VAKAITA SEMISEVE’
Tinoda chaizvo kuti vana vedu vakure kuti vazova vanhu vanoziva zvavari kuita muupenyu. Zvisinei, chinangwa chedu chikuru pakuvadzidzisa ndechekuti vade Mwari zvinobva pamwoyo.—Mako 12:28-30.
Pisarema 127:4 inoti: “Semiseve iri muruoko rwomurume ane simba, ndizvo zvakaita vanakomana vouduku.” Saka vana vanofananidzwa nemuseve uri kunyatsonangiswa pachinhu chauri kufanira kubaya. Kana museve wabva pauta haukwanisi kudzokera kumunhu aupfura. Vabereki vane nguva shoma zvikuru ne“miseve” iyi. Vanofanira kushandisa nguva iyoyo kuti vadzidzise vana vavo zvinodiwa naMwari kuti zvive mupfungwa dzavo nemwoyo.
Achitaura nezvevanhu vaainamata navo avo vaaitora sevana vake, muapostora Johani akataura kuti: “Handina chikonzero chikuru chokuonga chinopfuura zvinhu izvi, kuti ndinzwe kuti vana vangu vari kuramba vachifamba muchokwadi.” (3 Joh. 4) Vabereki vechiKristu vachanzwawo saizvozvo pavanoona vana vavo “vachifamba muchokwadi.”