Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndakaona Kuti Chokwadi cheBhaibheri Chine Simba

Ndakaona Kuti Chokwadi cheBhaibheri Chine Simba

Ndakaona Kuti Chokwadi cheBhaibheri Chine Simba

Yakataurwa Navito Fraese

PAMWE hausati wambonzwa nzvimbo inonzi Trentinara. Iri itaundi duku riri nechokumaodzanyemba kweNaples muItaly. Ndiko kwakaberekerwa vabereki vangu nemukoma wangu, Angelo. Angelo aberekwa, vabereki vangu vakatamira kuUnited States kuRochester muNew York kwandakaberekerwa muna 1926. Baba vangu vakatanga kuonana neZvapupu zvaJehovha muna 1922, zvaizivikanwa panguva iyoyo seVadzidzi veBhaibheri. Pasina nguva, vabereki vangu vakava Vadzidzi veBhaibheri.

Baba vangu vaiva murume akadzikama, ainyatsofungisisa zvinhu asi aigumburwa kana nyaya ikabatwa zvisina kururama. Vairwadziwa zvikuru nokuti vatungamiriri vezvitendero vaisiya vanhu vari murima rezvokunamata, saka vaishandisa mukana wose wavaiwana kuudza vamwe chokwadi chomuBhaibheri. Pavakanga vava pamudyandigere, vakatanga kushanda somushumiri wenguva yakazara uye vakatsungirira mubasa iri ndokuzorega vava nemakore 74 nemhaka yokurwara-rwara uye kutonhora kwakanyanya. Kunyange zvakadaro, vakaramba vachiparidza maawa ari pakati pe40 ne60 mwedzi woga woga kusvika vava nemakore aipfuura 90. Muenzaniso wababa wakandibatsira chaizvo. Kunyange zvazvo dzimwe nguva vaimbotaurawo zvinhu zvaisetsa, vaiva nedzimwe nyaya dzavaisatamba nadzo. Vaigara vachitaura kuti, “Chokwadi hachisi chokutamba nacho.”

Amai naBaba vaiedza nepose pavaigona napo kutidzidzisa Shoko raMwari tose tiri vashanu. Ndakabhabhatidzwa musi wa23 August, 1943, uye mugore ra1944 muna June, ndakatanga kupayona. Sisi vangu Carmela vaiva kuGeneva muNew York vachipayona pamwe chete neimwe hanzvadzi yaifara zvikuru yainzi Fern. Hazvina kumbonditorera nguva kuziva kuti Fern ndiye musikana wandaida kuzogara naye upenyu hwangu hwose. Saka muna August 1946, takaroorana.

Basa Roumishinari

Takakumbirwa kushanda semapiyona chaiwo kutanga muGeneva ndokuzoenda kuNorwich muNew York. Muna August 1948, takawana ropafadzo yokupinda kirasi yechi12 yechikoro cheGiriyedhi. Takazotumirwa kuNaples kuItaly pamwe chete nemamwe mamishinari, murume nemudzimai vanonzi Carl naJoanne Ridgeway. Kareko, zvinhu zvakanga zvisiri kufamba zvakanaka muNaples nemhaka yokuparadzwa kwakanga kwaitwa zvinhu nehondo. Zvakanga zvakaoma kuwana pekugara, saka takapedza mwedzi yakati kuti tichigara mukamba kaiva nemakamuri maviri.

Pandaikura, ndaingonzwa vabereki vangu vachitaura mutauro weNeapolitan, saka chiItalian chandaitaura chainzwisisika kunyange zvazvo rurimi rwangu rwairema nemhaka yekuti ndaitaura Chirungu chokuAmerica. Fern ainetseka nemutauro wacho. Asi pasina nguva akanga ava kuudedemura, kunyange kutondipfuura.

Pakutanga, takangowana mhuri yevanhu vana muNaples yaifarira kudzidza Bhaibheri. Vaitengesa fodya yaipinzwa munyika zvisiri pamutemo. Zuva rega rega repakati pevhiki, mumwe wemumhuri iyi anonzi Teresa aichinja-chinja zvaishamisa. Mangwanani, aizadza homwe dzake nefodya zvokuti aibva aita sokunge munhu akafuta. Manheru, ainge ava kunge akamedza tsono. Chokwadi chakachinja mhuri iyi zvachose. Mhuri iyi yakazova nevanhu 16 vakava Zvapupu. Iye zvino, muguta reNaples mune Zvapupu zvinenge 3 700.

Kupikiswa Kwakaitwa Basa Redu Rokuparidza

Pashure pekunge tagara muNaples kwemwedzi mipfumbamwe chete, hurumende yakatidzinga muguta iri, tose tiri vana. Takaenda kuSwitzerland kweunenge mwedzi, ndokuzodzokera kuItaly tichipindamo sevashanyi. Ini naFern takakumbirwa kunoshanda kuTurin. Pakutanga, tairoja kamuri rimwe chete mumba yomumwe mukadzi tichishandisa chimbuzi nemba yokubikira zvaaishandisa. Hama nahanzvadzi Ridgeway pavakazouya kuTurin, takawana imba yokuroja pamwe chete. Nekufamba kwenguva, mhuri shanu dzemamishinari dzaigara muimba iyoyo.

Pakazosvika gore ra1955, patakadzingwa nehurumende muTurin, pakanga patova nevaparidzi vaikwanisa kuumba ungano ina. Pakanga pava nehama dzaikwanisa kutarisira ungano. Vanhu vehurumende vakatiudza kuti, “Tine chokwadi kuti imi vokuAmerica mukangoenda chete, zvose zvamakaita zvichabva zvaparara.” Asi kuwedzera kwakazoitika kwakaratidza kuti Mwari ndiye anoita kuti basa racho ribudirire. Iye zvino muTurin mava neZvapupu zvinopfuura 4 600 uye ungano 56.

Florence—Guta Rakanaka Chaizvo

Takazoendeswa kunoshumira kuFlorence. Taiwanzonzwa nezveguta iri sezvo hanzvadzi yangu Carmela nemurume wake, Merlin Hartzler vaiva mamishinari ikoko. Asi chimbofunga tava kugara muguta racho. Takaona kuyevedza kwaraiita nenzvimbo dzakadai sePiazza della Signoria, Ponte Vecchio, Piazzale Michelangelo uye Palazzo Pitti. Zvaifadza zvikuru kuona kufarira kwaiita vanhu vemuFlorence mashoko akanaka.

Takadzidza neimwe mhuri uye vabereki vacho vakabhabhatidzwa. Zvisinei, baba vacho vaisvuta. Muna 1973, Nharireyomurindi yakajekesa kuti kusvuta hakuna kuchena uye yakakurudzira vaverengi kuti varege kusvuta. Vana vavo vakuru vakakumbira baba vacho kuti varege kusvuta. Baba vacho vakavimbisa kuti vaizorega, asi havana. Mamwe manheru, amai vacho vakaudza vana vavo mapatya aiva nemakore mapfumbamwe kuti vaende kunorara vasina kunyengetera navo. Pave paya, amai vacho vakanetseka vakavatevera. Vakawana vana vacho vatonyengetera. Amai vakabvunza kuti, “Manyengetera nezvei?” Vana vacho ndokuti, “Jehovha, tapota batsirai Baba kuti varege kusvuta.” Amai vacho vakashevedza murume wavo ndokuti, “Uyai munzwe munyengetero wevana venyu.” Baba vacho pavakanzwa munyengetero wacho vakatanga kuchema ndokubva vati, “Handichafi ndakasvuta!” Vakaita sezvavakanga vavimbisa, iye zvino vanhu vanopfuura 15 vomumhuri yacho vava Zvapupu.

Kushumira muAfrica

Muna 1959 takaendeswa kuMogadishu, Somalia, pamwe chete nemamwe mamishinari maviri, Arturo Leveris nemukoma wangu Angelo. Zvematongerwo enyika zvakanga zvisina kugadzikana patakasvika. United Nations yakanga yarayira kuti hurumende yeItaly ibatsire kuti Somalia iwane kuzvitonga kwakazara, asi zvaiita sezvaitowedzera kuipa. Vamwe vanhu vokuItaly vataidzidza navo Bhaibheri vakabuda munyika yacho, uye zvakanga zvisingaiti kuti paumbwe ungano.

Panguva iyoyo, mutariri wenyika akandikumbira kuti ndishande somubatsiri wake. Saka takatanga kushanyira nyika dzaiva pedyo. Vamwe vatakadzidza navo Bhaibheri vakafambira mberi asi vaifanira kusiya misha yavo pamusana pokupikiswa. Vamwe vakagara mumisha yavo, kunyange zvazvo vaifanira kutsungirira kutambura. * Nanhasi uno misodzi inobuda patinofunga nezvokuda kwavo Jehovha uye zvavakatsungirira kuti varambe vakatendeka.

KuSomalia nekuEritrea kwaiva nemwando usingaiti uye kuchipisa zvokupisa zviya. Zvimwe zvokudya zvaibikwa ikoko zvaitoita kuti tiwedzere kutsva. Musi watatanga kudya zvokudya zvacho pamba pemumwe mudzidzi weBhaibheri, mudzimai wangu akataura achiseka kuti zvokudya zvacho zvaiva nemhiripiri zvakasiya nzeve dzake dzati piriviri!

Angelo naArturo pavakaendeswa kumwe, takasara tava tega. Zvakanga zvakaoma pasina munhu anotikurudzira. Asi, izvi zvakatibatsira kuswedera pedyo naJehovha uye kunyatsovimba naye. Kushanyira kwatakaita dzimwe nyika dzairambidzwa basa rokuparidza kwakatotikurudzira.

Taiva nematambudziko akawanda muSomalia. Takanga tisina firiji, saka taitenga zvokudya zvokuti tingodya zuva rimwe chete, zvakadai sehove kana michero yomunyika yacho yakadai semango, mapopo, magirepifurutu, makokonati kana mabhanana. Tupukanana tunobhururuka raiwanzova dambudziko. Dzimwe nguva twaimhara mumutsipa pataiitisa zvidzidzo zveBhaibheri. Taiva nescooter, saka panyaya yokufamba taisazopedza nguva yakareba tichigochwa nezuva.

Kudzokera kuItaly

Tinoonga kuti nerubatsiro rweshamwari, takakwanisa kudzokera kuItaly nechikepe chinotakura mabhanana kuti tinopinda gungano remarudzi akawanda raiitirwa kuTurin muna 1961. Takaudzwa kuti taizopiwa rimwe basa. Muna September 1962 takadzokera kuItaly uye ndakatanga kushanda somutariri wedunhu. Takatenga motokari duku yatakashandisa kwemakore mashanu tichishanyira matunhu maviri.

Tabva kuAfrica kwaipisa zvisingaiti, zvino takanga tava munzvimbo inotonhora zvikuru. Mumwaka wokutanga wechando tava ikoko, pataishanyira imwe ungano iri mujinga memakomo ekuEurope anonzi Alps, takarara muimba yakanga isina chero chinoita kuti idziye, tiri pamusoro peuswa hwezvipfuwo. Kwaitonhora zvokuti takarara takapfeka majasi edu. Usiku ihwohwo, huku ina uye imbwa mbiri dzakafa nechando munzvimbo iyoyo!

Pave paya, ndakazoshandawo somutariri weruwa. Mumakore iwayo, taishanyira Italy yose. Kakawanda taishanyira nzvimbo dzakadai seCalabria uye Sicily. Takakurudzira vechiduku kuti vakure mune zvokunamata uye vave nezvinangwa zvokushumira sevakuru muungano, vatariri vanofambira kana kushanda paBheteri.

Takadzidza zvakawanda kune shamwari dzemakore dziri kushumira Jehovha nemwoyo wose. Tinokoshesa maitiro avo akadai sokusasiya Jehovha, kuva norupo, kuda hama dzavo, kubvuma kurarama mumamiriro ose ezvinhu uye kuzvipira. Takapinda michato paDzimba dzoUmambo. Yaiitiswa neZvapupu zvinozivikanwa zviri pamutemo sevachatisi, chinova chinhu chaisambofungwa kuti chingafa chakaitika munyika muno makore apfuura. Ungano hadzichaitiri misangano mumakicheni ehama kana kugara pamapuranga sezvadzaiita kare muTurin. Panzvimbo paizvozvo, ungano dzakawanda dzava neDzimba dzoUmambo dzakanaka dzinokudza Jehovha. Hatichaitiri magungano munzvimbo dzakamanikidzika dzenhando, asi tava kuitira muDzimba dzeMagungano dzakakura. Uye zvinofadza zvikuru kuona nhamba yevaparidzi ichipfuura 243 000. MuItaly maingova nevaparidzi 490 patakasvikamo.

Takasarudza Zvakanaka

Takasangana nezvipingamupinyi zvinosanganisira kusuwa kumusha uye kurwara. Fern aisuwa kumusha pose paaiona gungwa. Akavhiyiwawo katatu. Pane imwe nguva Fern achienda kunoitisa chidzidzo cheBhaibheri, mumwe munhu akanga asingafariri Zvapupu akamurwisa neforogo yokuunganidzisa uswa. Izvi zvakaitawo kuti azopedzisira ava muchipatara.

Kunyange zvazvo dzimwe nguva taimboora mwoyo, ‘takamirira Jehovha,’ maererano nezvinotaurwa pana Mariro 3:24. NdiMwari anonyaradza. Pane imwe nguva patakanga takaora mwoyo, Fern akagamuchira tsamba yakanaka kubva kuna Hama Nathan Knorr. Vakanyora kuti sezvo vakanga vaberekerwa munzvimbo yakatangira Fern basa roupiyona, pedyo neBethlehem muPennsylvania, vainyatsoziva kuti vakadzi vokuPennsylvania vechiDutch saFern vakasimba uye vakatsunga. Vaitaura chokwadi. Kwemakore akawanda, takakurudzirwa nevanhu vakawanda nenzira dzakasiyana-siyana.

Pasinei nematambudziko ataisangana nawo, takaedza kuita kuti tirambe tichishingaira muushumiri. Pashure pemakore anopfuura 40 tichiita basa rokufambira matunhu nemaruwa, takawana ropafadzo yokushanyira uye kuronga mapoka neungano dzemimwe mitauro isiri chiItalian. Mapoka acho anoparidzira vanhu vanobva kuBangladesh, China, Eritrea, Ethiopia, Ghana, India, Nigeria, Philippines, Sri Lanka nedzimwe nyika. Bhuku haringakwani kuti tinyore nzira dzinoshamisa dzatakaona nadzo kuti Shoko raMwari rine simba rokuchinja upenyu hwevaya vakaona ngoni dzaJehovha.—Mika 7:18, 19.

Tinonyengetera mazuva ose kuti Jehovha arambe achitipa simba rinodiwa kuti tiite ushumiri hwedu. Mufaro waShe ndiro simba redu. Zvinoita kuti tifare uye tive nechivimbo chokuti takasarudza zvakanaka muupenyu sezvatinoparadzira chokwadi chemuBhaibheri.—VaEf. 3:7; VaK. 1:29.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 18 Ona Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra1992, reChirungu mapeji 95-184.

[Chati/Mifananidzo iri papeji 27]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Vabereki vangu muRochester, NY

1948

Ndiri kuSouth Lansing tichipinda kirasi yechi12 yeGiriyedhi

1949

Ini naFern tisati taenda kuItaly

MuCapri kuItaly

1952

Tiri kuTurin uye kuNaples nemamwe mamishinari

1963

Fern aine vamwe vanhu vaaidzidzisa Bhaibheri

‘Tiri kuedza kuramba tichishingaira’