Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Munhu Anobvuma Kutsiurwa Ane Njere”

“Munhu Anobvuma Kutsiurwa Ane Njere”

“Munhu Anobvuma Kutsiurwa Ane Njere”

“RANGA mwoyo wako uye nzeve yako ngainzwe mashoko ezivo,” inodaro Zvirevo 23:12. Murugwaro runo, ‘kuranga,’ kana kuti kudzidzisa tsika, kunosanganisira kuzviranga uye kutsiurwa kwatinoitwa nevamwe. Kuranga kwakadaro kunoda kuziva zvinoda kururamiswa uye kuti zvingaitwa sei. Saka, “mashoko ezivo” anobva kune munhu akavimbika anokosha pakuranga.

Bhuku reBhaibheri raZvirevo ndiro rakanakisisa rine mashoko ouchenjeri. Zvirevo zviri mariri nde“zvokuti munhu azive uchenjeri uye kurangwa, . . . agamuchire kuranga kunopa njere, kururama nokururamisira nokutendeka.” (Zvirevo 1:1-3) Tinenge takachenjera kana ‘tikaita kuti nzeve yedu inzwe’ zvirevo zvacho. Chitsauko 15 chaZvirevo chinopa mazano akanaka pakudzora hasha, pakushandisa rurimi, uye pakupa zivo. Ngatikurukurei dzimwe ndima kubva muchitsauko ichocho.

Chii Chi“nodzora Kutsamwa”?

Achirondedzera kuti mashoko anotaurwa anokonzera sei hasha kana kuti kutsamwa, Mambo Soromoni weIsraeri yekare anoti: “Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.” (Zvirevo 15:1) “Hasha” ishoko rinoshandiswa kurondedzera shungu dzinoitisa kuti munhu agare achipopota kana kuda kurwa kana kurova vamwe. “Kutsamwa” kunorondedzerwa so“kusafara kana kusuruvara nezvaunenge waitirwa.” Chirevo ichi chingatibatsira sei kutaurirana kana tatsamwisana?

Mashoko ehasha anokonzera kurwadziwa angaita kuti mamiriro ezvinhu asina kunaka atoipisisa. Nepo mhinduro nyoro kazhinji inoita kuti zvinhu zvidzikame. Asi, kupindura nounyoro munhu akatsamwa hazvisi nyore nguva dzose. Zvisinei, zvinobatsira kana tikaedza kunzwisisa kuti chii chamutsamwisa. “Njere dzomunhu dzinodzora kutsamwa kwake,” rinodaro Bhaibheri, “uye zvakamunakira kuti aregerere kudarika.” (Zvirevo 19:11) Kungava kuti munhu wacho akatsamwa nokuti haana chivimbo kana kuti anoda kuratidzwa hanya here? Chikonzero chaicho chokuti atsamwe chingasava nechokuita nezvatingave tataura kana kuti zvatingave taita. Patinopindurwa nehasha muushumiri hwechiKristu, izvi hazviwanzoitiki here nokuti saimba haana kuudzwa chokwadi pamusoro pezvatinotenda kana kuti akapofumadzwa nedzimwe pfungwa dzisina kururama? Tinofanira kuzviona sokunge kuti ari kureva isu pachedu tobva tapindura nehasha here? Kunyange kana zvinenge zvaita kuti mumwe munhu ave nehasha zvisingakurumidzi kunzwisiswa, kupindura nemashoko anorwadza kungaratidza kuti tiri vanhu vasingazvirangi. Hatifaniri kupindura saizvozvo.

Zano rokupindura nounyoro rinokoshawo panyaya yokudzora hasha dzedu. Tinogona kushandisa zano iroro nokudzidza kubudisa manzwiro edu nenzira dzisingagumburi kune anotinzwa. Patinenge tiine nhengo dzemhuri, pane kutaura nehasha kana kuti kudzipa mazita okutuka, tinogona kuedza kubudisa manzwiro edu takadzikama. Kutuka kunowanzokonzera kuda kutsiva. Kana tikaudza munhu manzwiro edu zvinyoronyoro tinenge tisiri kumupomera uye zvingaita kuti agadzirise zvaanenge atadza.

“Rurimi Rwevakachenjera Runoita Zvakanaka”

Kuzviranga kunogadzirisa matauriro edu uyewo zvatinotaura. Soromoni anoti, “Rurimi rwevakachenjera runoita zvakanaka nezivo, asi muromo wemapenzi unobudisa upenzi.” (Zvirevo 15:2) Kana tikakudziridza chido chokuda kubatsira vamwe totaura navo nezvechinangwa chaMwari uye urongwa hwake hunoshamisa, tinenge tisiri ‘kuita zvakanaka nezivo’ here? Benzi rinokundikana kuita izvi nokuti harina zivo.

Asati apa mamwe mazano ane chokuita nokushandisa rurimi, Soromoni anosiyanisa mashoko ake nenzira inotokonya pfungwa. “Maziso aJehovha ari pose pose, achiramba akatarira vakaipa nevakanaka.” (Zvirevo 15:3) Tinogona kufarira izvi nokuti tinovimbiswa kuti: “Kana ari Jehovha, maziso ake anotarira-tarira panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.” (2 Makoronike 16:9) Mwari anoziva kana tiri kuita zvakanaka. Anocherechedzawo vaya vanoita zvakaipa uye anoita kuti vazvidavirire.

Soromoni anowedzera kusimbisa kuti rurimi runyoro runokosha, achiti: “Kudzikama kworurimi muti woupenyu, asi kusarurama kuri maruri kunoreva kuputsika kwomudzimu.” (Zvirevo 15:4) Mashoko okuti “muti woupenyu” anoratidza kuporesa uye kusimbisa. (Zvakazarurwa 22:2) Kutaura kwakadzikama kwomunhu akachenjera kunozorodza manzwiro evaya vanokunzwa. Kunokurudzira unhu hwavo hwakanaka. Asi, rurimi runonyengera kana kuti runotsausa runoita kuti mwoyo weanonzwa uputsike.

Kubvuma Kurangwa uye Ku“paradzira Zivo”

Mambo akachenjera anoenderera mberi achiti, “Benzi hariremekedzi kuranga kwababa varo, asi munhu anobvuma kutsiurwa ane njere.” (Zvirevo 15:5) Munhu ‘angabvuma kutsiurwa’ sei iye asina kumbotsiurwa? Rugwaro urwu harurevi here kuti chirango chakarurama chinofanira kupiwa pachinenge chichidiwa? Mumhuri, vabereki ndivo vanofanira—zvikurukuru baba—kuranga, uye mwana anofanira kubvuma kurangwa kwacho. (VaEfeso 6:1-3) Zvisinei, vashumiri vaJehovha vose vanorangwa munzira dzakasiyana-siyana. “Jehovha anoranga waanoda,” inodaro VaHebheru 12:6, “chokwadi, anorova munhu wose waanogamuchira somwanakomana.” Zvatinoita pakurangwa zvinoratidza kuti takachenjera kana kuti tiri mapenzi.

Achitaura mumwezve musiyano, Soromoni anoti: “Miromo yevakachenjera inoramba ichiparadzira zivo, asi mwoyo yemapenzi haina kudaro.” (Zvirevo 15:7) Kuparadzira zivo kwakaita sokuparadzira mbeu. Munguva dzekare, murimi akanga asingadyari mbeu yake yose panzvimbo imwe chete. Asi, aiparadzira mbeu shomanana panguva mumunda wose. Ndizvo zvazvakaitawo pakuparadzira zivo. Somuenzaniso, patinosangana nomumwe munhu muushumiri, kungasava kuchenjera kutaura zvose zvatinoziva nezveBhaibheri panguva imwe chete. Pane kudaro, munhu akachenjera anozviranga pakutaura. ‘Anoparadzira’ zivo sezvaanotaura zvishoma nezvishoma chokwadi cheBhaibheri chimwe chete panguva ochitsanangura, achifunga zvinoitwa nomunhu wacho anomunzwa. Muenzaniso wedu Mukuru, Jesu Kristu, akaita izvi paaitaura nomukadzi weSamariya.—Johani 4:7-26.

Kupa zivo kunosanganisira kutaura chimwe chinhu chinovaka uye chinobatsira. Zvinoda kufungisisa kuti utaure mashoko anodzidzisa uye anokurudzira. Saka, “mwoyo womunhu akarurama unofungisisa kuti upindure.” (Zvirevo 15:28) Zvinokosha zvikuru kuti mashoko edu aite semvura inonaya zvinyoronyoro iyo inonyorovesa pasi uye inobatsira, kwete kuti aite sedzvotsvotsvo rinongokukura zvinhu zvose!

“Vatsvene Pamufambiro”

Kuparadzira zivo pamusoro paJehovha nechinangwa chake uye kumupa “chibereko chemiromo” se“chibayiro chokurumbidza” chokwadi inzira yokuchenjera. (VaHebheru 13:15) Zvisinei, kuti chibayiro chakadaro chigamuchirwe naJehovha, tinofanira kuva ‘vatsvene pamufambiro wedu wose.’ (1 Petro 1:14-16) Achishandisa zvirevo zviviri zvakasiyana, Soromoni anotizivisa zvine simba chokwadi ichi chinokosha. Anoti: “Chibayiro chinopiwa nevakaipa chinhu chinosemesa Jehovha, asi munyengetero wevakarurama unomufadza. Nzira yomunhu akaipa chinhu chinosemesa Jehovha, asi iye anoda uya anotevera kururama.”Zvirevo 15:8, 9.

Vaya vanosiya mugwagwa unoenda kuupenyu vanoona sei kutsiurwa, uye chii chakavamirira? (Mateu 7:13, 14) “Kuranga kwakaipa kumunhu anosiya gwara; ani naani anovenga kutsiurwa achafa.” (Zvirevo 15:10) Pane kuti vagamuchire zano rokururamisa ravanopiwa nevaya vane basa iroro muungano yechiKristu vopfidza zvechokwadi, vamwe vari kuita zvakaipa vanosarudza kusiya gwara rakarurama. Upenzi hwakadini! Maererano neBhaibheri Rinoera, chirevo ichi chinoti: “Munhu anosiya nzira anorangwa kwazvo, naiye anovenga kutsiurwa achafa.”

Ko kana mumwe munhu achiedzesera kubvuma kutsiurwa asi chaizvoizvo achikuvenga? Uku hakusiwo kuchenjera. Mambo waIsraeri anoti, “Sheori nenzvimbo yokuparadzwa zviri pamberi paJehovha. Zvakadini nemwoyo yevanakomana vevanhu!” (Zvirevo 15:11) Nenzira yokufananidzira hakuna chimwe chinhu chingava kure zvikuru naMwari mupenyu kudarika Sheori, nzvimbo yevakafa. Zvisinei, iri pamberi pake. Anoziva zvakaita vose varimo uye unhu hwavo uye anokwanisa kuvamutsa. (Pisarema 139:8; Johani 5:28, 29) Zviri nyore chaizvo kuti Jehovha azive zviri mumwoyo yevanhu! “Zvinhu zvose zvakafukurwa uye zviri pachena mumaziso aiye watinozvidavirira kwaari,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaHebheru 4:13) Vanhu ndivo vanganyengedzwa kwete Mwari.

Munhu anoramba kurangwa haangovengi kutsiurwa asiwo anozvidza vaya vanomuranga. “Museki haadi munhu anomutsiura,” anodaro Soromoni. Kuti asimbise pfungwa yacho, anobva ataura imwe pfungwa yakafanana, inoti: “Haazoendi kune vakachenjera.” (Zvirevo 15:12) Zvechokwadi pane tariro duku yokuti munhu akadaro acharuramisa gwara rake!

Tariro Inofadza

Shoko rokuti “mwoyo” rinobatanidza zvirevo zvitatu zvaSoromoni zvinotevera. Achirondedzera maratidzirwo anoitwa manzwiro edu pachiso chedu, mambo akachenjera anoti: “Mwoyo unofara unoita kuti chiso chifare, asi mudzimu unotambudzika nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo.”Zvirevo 15:13.

Chii chinogona kuita kuti mwoyo urwadziwe? “Kuzvidya mwoyo kuri mumwoyo momunhu ndiko kuchaukotamisa [nokusuruvara],” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 12:25) Tingaita sei kuti zvinhu zvisingafadzi muupenyu zvirege kutirwadza? Pane kuramba tichingofunga zvinhu zvatisingambogoni kudzora, tinogona kufunga zvikomborero zvikuru zvine chokuita nokunamata zvatakapiwa naJehovha iye zvino uye zvaachatiitira munguva yemberi. Izvi zvichatiswededza pedyo naye. Chokwadi, kuswedera pedyo na“Mwari anofara” kuchaita kuti mwoyo wedu unenge wakasuruvara ufare.—1 Timoti 1:11.

Uyezve, shoko riri muBhaibheri rinonyaradza zvikuru uye rinofadza. Munyori wepisarema akati munhu anofara ndouya “anofarira mutemo waJehovha, anoverenga mutemo wake nenzwi riri pasi masikati nousiku.” (Pisarema 1:1, 2) Kunyange patinenge tichirwadziwa mumwoyo, kuverenga Bhaibheri uye kufungisisa zvarinotaura kuchatikurudzira. Panewo ushumiri hwedu hwatakapiwa naMwari. Tinovimbiswa kuti “vaya vanodyara mbeu vaine misodzi vachakohwa vachishevedzera nomufaro.”—Pisarema 126:5.

Soromoni anoti, “Mwoyo unonzwisisa ndiwo unotsvaka zivo, asi muromo wemapenzi ndiwo unotsvaka upenzi.” (Zvirevo 15:14) Chirevo ichi chinoita kuti tifunge musiyano mukuru uri pakati pezano romunhu akachenjera nerebenzi. Asati apa zano, munhu ane mwoyo unonzwisisa anotsvaka zivo. Anonyatsoteerera onzwisisa nyaya yacho zvakakwana. Anoongorora Magwaro kuti ave nechokwadi chemitemo nemazano zvinoshanda kumamiriro acho ezvinhu. Zano rake rinonyatsobva muShoko raMwari. Zvisinei, benzi harina basa nokutsvaka chokwadi chemamiriro ezvinhu, rinongobvotomoka. Saka patinotsvaka zano, kuchenjera kuenda kune vanhu vane ruzivo, vakura pane kuenda kune vaya vangangotiudza zvatinoda kunzwa. Zvakanaka chaizvo kuva ne“zvipo zviri varume” muungano yechiKristu, ivo ‘vanotsvaka zivo’ vasati vapa zano!—VaEfeso 4:8.

Chirevo chinotevera chinotaura chimwe chinhu chinobatsira chaizvo pakuva nemaonero akanaka. Mambo waIsraeri anoti: “Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa; asi munhu ane mwoyo unofara anoita mutambo nguva dzose.” (Zvirevo 15:15) Upenyu hune zvikomborero zvahwo uye hune njodzi, mufaro uye kuchema. Kana tikaramba tichingofunga zvakaipa, tinogara takasuruvara, uye tinenge tisingafari mazuva edu ose. Zvisinei, kana tikaramba tichifunga nezvezvikomborero zvedu pachedu uye tariro yatinopiwa naMwari, zvinhu zvinotirwadza muupenyu zvichava panzvimbo yechipiri uye tichawana mufaro mumwoyo. Maonero akanaka anoita kuti tikwanise kuita “mutambo nguva dzose.”

Saka, nepatinogona napo pose, ngatikoshesei kurangwa. Ngatisangorega kuchichinja manzwiro edu, matauriro, uye zvatinoita asiwo maonero atinoita zvinhu.

[Mufananidzo uri papeji 13]

“Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa”

[Mufananidzo uri papeji 15]

Vabereki ndivo vanofanira kuranga vana

[Mufananidzo uri papeji 15]

“Miromo yevakachenjera inoramba ichiparadzira zivo”