Unyanzvi Hwokuteerera Norudo
Unyanzvi Hwokuteerera Norudo
“WAITA hako wateerera.” Pane munhu akambokuudza mashoko iwayo munguva pfupi yapfuura here? Akakurumbidza chaizvo! Anenge munhu wose anofarira muteereri akanaka. Kana tikanyatsoteerera, tinogona kuzorodza vanhu vane shungu kana kuti vanenge vachiremerwa nematambudziko. Uye kunyatsoteerera hakutibatsiri kuda vanhu here? Muungano yechiKristu, kuteerera norudo chikamu chinokosha ‘chokurangarirana kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo.’—VaHebheru 10:24.
Zvisinei, vanhu vakawanda havasi vateereri vakanaka. Vanofarira kupa zano, kutaura zvakaitika kwavari, kana kuti kutaura zvavanofunga pane kuteerera zviri kutaurwa nevamwe. Kukwanisa kuteerera unyanzvi chaihwo. Tingadzidza sei kuteerera norudo?
Chinhu Chinokosha
Jehovha ndiye ‘Murayiridzi wedu Mukuru.’ (Isaya 30:20) Anogona kutidzidzisa zvakawanda nezvokuteerera. Chimbofunga kuti Jehovha akabatsira sei muprofita Eriya. Atyisidzirwa naMambokadzi Jezebheri, Eriya akatizira kurenje uye akati aida hake kufa. Ari ikoko ngirozi yaMwari yakataura naye. Muprofita wacho paakatsanangura zvaaitya, Jehovha akateerera achibva amuratidza simba Rake guru. Zvakaguma nei? Asingachatyi, Eriya akadzokera kunoita basa rake. (1 Madzimambo 19:2-15) Nei Jehovha aine nguva yokuteerera zvinhu zvinonetsa vashumiri vake? Nokuti ane hanya navo. (1 Petro 5:7) Izvi ndizvo zvinoita kuti munhu anyatsoteerera: Kutarisira vamwe uye kuva nehanya navo zvechokwadi.
Mumwe murume wokuBolivia paakakanganisa zvakakomba, akatenda chaizvo mumwe waainamata naye paakaratidza kuti aiva nehanya naye. Murume wacho anotsanangura kuti: “Panguva iyoyo ndakanga ndakaora mwoyo zvikuru. Kudai hama iyoyo isina kuteerera, ndingadai ndakakanda mapfumo pasi nyore nyore ndorega kushumira Jehovha. Haina zvakawanda zvayakataura, asi kuziva kuti yaida kuteerera kwakandisimbisa chaizvo. Ndakanga ndisiri kuda kuti andiudze nzira yokugadzirisa nayo; ndaiziva zvandaifanira kuita. Ndaingoda kuziva kuti pane mumwe munhu aiva nehanya nemanzwiro andaiita. Kuteerera kwaakaita kwakaita kuti ndisakurirwa nokuora mwoyo.”
Jesu Kristu ndiye Muenzaniso mukuru wounyanzvi hwokuteerera. Jesu achangofa, vadzidzi vake vaviri vakanga vari kufamba kubva kuJerusarema vachienda kune mumwe musha waiva kure nemakiromita 11. Hapana mubvunzo kuti ivowo vakanga vakaora mwoyo. Saka Jesu Kristu akanga amutswa akatanga kufamba navo. Akavabvunza achingwarira kuitira kuti vabudise zvaiva pamwoyo yavo, uye vadzidzi vacho vakapindura. Vakataura nezvetariro yavaiva nayo uye nezvokuora mwoyo uye kuvhiringidzika kwavakanga vava kuita. Jesu aiva nehanya navo, uye kuteerera kwaakaita norudo kwakaita kuti vadzidzi vacho vaviri vade kuteerera. Jesu akabva “avadudzira zvinhu zvaiva nechokuita Ruka 24:13-27.
naye muMagwaro ose.”—Nzira yorudo yokuita kuti vamwe vatiteererewo ndeyokuti isu titange kuteera. “Vabereki vangu nevomurume wangu vakatanga kusafarira nzira yandairera nayo vana vangu,” anodaro mumwe mukadzi wokuBolivia. “Zvavaitaura zvaindigumbura, asi ndakanga ndisina chokwadi nezvandaifanira kuita somubereki. Panenge panguva iyoyo, mumwe weZvapupu zvaJehovha akandishanyira. Akataura neni nezvezvipikirwa zvaMwari. Zvisinei, nzira yaaibvunza nayo maonero andaiita ndiyo yakandiratidza kuti munhu uyu aida kuteerera. Ndakamuti apinde, uye nenguva isipi ndakanga ndava kumutsanangurira chinetso changu. Akateerera achishivirira. Akabvunza kuti ndaida kuti vana vangu vaite sei uye kuti murume wangu ainzwa sei nezvazvo. Zvaizorodza chaizvo kuva nomunhu aida kuedza kundinzwisisa. Paakatanga kundiratidza zvinotaura Bhaibheri nezvoupenyu hwemhuri, ndakaziva kuti ndakanga ndiri kutaura nomunhu aiva nehanya nemamiriro angu ezvinhu.”
“Rudo . . . haruzvitsvakiri zvarwo,” rinodaro Bhaibheri. (1 VaKorinde 13:4, 5) Saka, kuteerera norudo zvinoreva kumborega kuita zvatinofarira. Izvi zvingareva kudzima terevhizheni, kuisa pepanhau pasi, kana kuti kudzima serura vamwe pavanenge vachitaura nesu nezvenyaya yakakomba. Kuteerera norudo zvinoreva kunyatsofarira zvinofungwa nomumwe munhu. Zvinoda kuti tirege kutanga kutaura nezvedu pachedu tichiti, “Izvozvo zvinondiyeuchidza zvakaitika kwandiri imwe nguva yakapfuura.” Kunyange zvazvo izvozvo zvingava zvakanaka kana muchingotaurirana nyaya seshamwari, tinofanira kumborega kufunga nezvedu mumwe munhu paanenge achikurukura nesu chinetso chakakomba. Kunyatsofarira vamwe kungaratidzwa neimwezve nzira.
Teerera Kuti Unzwisise Manzwiro Aanoita
Shamwari dzaJobho dzakanzwa hurukuro dzake dzinenge gumi. Kunyange zvakadaro, Jobho akati: “Haiwa, kudai ndaiva nomumwe munhu anonditeerera!” (Jobho 31:35) Nei? Nokuti kuteerera kwavaiita hakuna kumunyaradza. Vakanga vasina hanya naJobho uyewo vakanga vasingadi kunzwisisa manzwiro aaiita. Zvechokwadi vakanga vasiri vateereri vainzwira mumwe wavo ngoni. Asi muapostora Petro anopa zano rokuti: “Imi mose ivai nokufunga kwakafanana, muchinzwirana ngoni, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchizvininipisa.” (1 Petro 3:8) Tinganzwira sei vamwe ngoni? Imwe nzira ndeyokuva nehanya nemanzwiro anoita mumwe munhu uye kuedza kuanzwisisa. Kutaura mashoko okunzwira tsitsi akadai sokuti “ndofunga makashatirwa” kana kuti “ndofunga makaona sokuti havana kukunzwisisai” ndeimwe nzira yokuratidza kuti tine hanya. Imwe nzira ndeyokudzokorora zviri kutaurwa nomunhu wacho nemashoko edu, tichiratidza kuti tanzwisisa zvaataura. Kuteerera norudo hazvirevi kungoteerera mashoko ari kutaurwa asiwo kunzwisisa manzwiro anoita munhu ayo aangave asiri kubudisa pachena.
Robert * mushumiri weZvapupu zvaJehovha ava nenguva ari mubasa renguva yakazara. Anorondedzera kuti: “Pane imwe nguva ndakaodzwa mwoyo nezvandaiita muushumiri. Saka ndakakumbira kuti nditaure nomutariri wedunhu. Akanyatsoteerera akaedza kunzwisisa manzwiro andaiita. Aitoita seaiziva kuti ndaitya kuti aizonditsoropodza nokuda kwemaonero andaiita. Hama yacho yakanditaurira kuti manzwiro andaiita ainzwisisika, nokuti iyowo yakanga yambonzwa saizvozvo. Izvi zvakandibatsira chaizvo kuti ndirambe ndichiita ushumiri.”
Zvingaita here kuti titeerere asi tisingabvumirani nezviri kutaurwa? Zvingaita here kuti tiudze mumwe munhu kuti tinotenda kuti atiudza manzwiro aanoita? Hungu. Zvakadini kana mwanakomana wako muduku akarwa kuchikoro kana kuti kana mwanasikana wako ari kuyaruka akauya kumba achitaura kuti ava nomukomana? Hazvisi nani here kuti mubereki ateerere uye aedze kunzwisisa mafungiro epwere yacho asati atsanangura kuti mufambiro wakafanira nousina ndoupi?
“Zano riri mumwoyo momunhu rakaita semvura yakadzika,” inodaro Zvirevo 20:5, “asi munhu ane ungwaru achaichera.” Kana munhu akachenjera uye ane ruzivo asingadi kutipa zano kana tisina kumukumbira, tingafanira kumunyengetedza kuti atipe zano racho. Ndozvatinoitawo patinoteerera norudo. Zvinoda ungwaru kuti tinyengetedze munhu kuti ataure. Kubvunza mibvunzo kunobatsira, asi tinofanira kungwarira kuti tisabvunza nezvenyaya dzakavanzika. Zvingabatsira kukumbira kuti ari kutaura wacho atange nenyaya yaanonzwa akasununguka kutaura. Somuenzaniso, mudzimai anoda kutaura nezvezvinetso zvomumhuri yake angaona zviri nyore kutanga ataura kuti iye nomurume wake vakaonana sei uye zvakazofamba sei kuti varoorane. Munhu asingachaiti basa roushumiri hwechiKristu angaona zviri nyore kutanga atsanangura kuti akadzidza sei chokwadi.
Kuteerera Norudo—Kwakaoma
Kuteerera mumwe munhu kana akatitsamwira kungava kwakaoma, nokuti tinowanzoda kuzviti takarurama. Tingaita sei kuti titeerere pakadaro? “Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa,” inodaro Zvirevo 15:1. Kukumbira munhu wacho nomutsa kuti ataure tobva tateerera tichishivirira paanenge achitaura zvinomushungurudza ndeimwe nzira yokupindura nayo nounyoro.
Nharo dzakasimba dzinowanzosanganisira vanhu vaviri vanenge vachingodzokorora zvavanenge vatombotaura. Mumwe nomumwe anofunga kuti mumwe haasi kuteerera. Zvaizova zvakanaka zvikuru kudai mumwe wavo aizomira onyatsoteerera! Chokwadi, zvinokosha kuti tizvidzore uye titaure tichingwarira uye norudo. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Munhu anodzora miromo yake anoita nokungwara.”—Zvirevo 10:19.
Kukwanisa kuteerera norudo hachisi chinhu chinongoerekana chaitika. Zvisinei, unyanzvi hunogona kudzidzirwa nokuramba tichiedza uye tichizviranga. Zvechokwadi unyanzvi hwakakodzera kuva nahwo. Kunyatsoteerera vamwe pavanenge vachitaura kunoratidza kuti tine rudo. Kunoita kuti isuwo tifare. Saka, kuchenjera zvikuru kuti tikudziridze unyanzvi hwokuteerera norudo!
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 12 Zita rakachinjwa.
[Mufananidzo uri papeji 11]
Patinenge tichiteerera, hatifaniri kungofunga zvatinofarira
[Mufananidzo uri papeji 12]
Kuteerera kungava kwakaoma kana mumwe akatsamwa