Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Rudo Rwenyu Mose Zvenyu Ruri Kuwedzera”

“Rudo Rwenyu Mose Zvenyu Ruri Kuwedzera”

“Rudo Rwenyu Mose Zvenyu Ruri Kuwedzera”

MUGORE ra2004 muJapan makaitika njodzi dzakawanda dzinongoitika dzoga. Dzaisanganisira madutu, mafashamo, uye kudengenyeka kwepasi. Dzakakanganisa upenyu hwevanhu vakawanda, vanosanganisira Zvapupu zvaJehovha. (Muparidzi 9:11) Zvisinei, njodzi idzi dzakapa Zvapupu mukana wokuratidza kudanana kwazvinoita sehama.—1 Petro 1:22.

Somuenzaniso, nemhaka yemvura yakawanda yakanaya muna July, rumwe rwizi ruri nechepakati peJapan rwakafashukira. Mafashamo akaparadza misha yeZvapupu zvaJehovha inopfuura 20. Mune imwe Imba yoUmambo, mvura yakasvika mita imwe chete kubva pauriri. Nenguva isipi, Zvapupu zvomuungano dziri pedyo zvakauya kuzobatsira. Mazana evanhu vakazvipira akachenesa dzimba dzakanga dzazara madhaka. Muvhiki mbiri chete Imba yacho yoUmambo yakanga yanyatsocheneswa uye yagadziridzwa.

Musi waOctober 23, kudengenyeka kwepasi kunoita 6,8 pachikero cheRichter kwakaitika munharaunda iyoyo. Vanhu vanenge 40 vakafa, uye vanhu vanopfuura 100 000 vaifanira kubviswa mumisha yavo. Pakanga pasisina mvura, gasi, nemagetsi. Kunyange zvazvo kudengenyeka kwakatangira panzvimbo iri makiromita 50 kubva paImba yoUmambo iyi yakazogadziridzwa, iyo haina kuparadzwa. Yakabva yangotanga kushandiswa senzvimbo yaipirwa vanhu ruyamuro kwenguva pfupi. Vatariri vechiKristu vakakurumidza kuona kana vavanonamata navo vakanga vakachengeteka uye vakafara chaizvo kuziva kuti hapana akanga akuvara kana kuurayiwa. Mangwanani ezuva rakatevera racho, Zvapupu zvitanhatu zvakanga zvambovhiringidzwa nemafashamo akaitika muna July zvakazvipira nomwoyo wose kuti zviendese chikafu nemvura kunzvimbo yaiva yaitika mafashamo. Maawa mashomanana pashure pokudengenyeka, zvinhu zvokuyamura zvakanga zvatovapo.

“Vaya vakanga vambovhiringidzwa nemafashamo vakaona basa rokuyamura vaya vakanga vavhiringidzwa nokudengenyeka somukana wokuratidza kuonga kwavaiita kubatsirwa kwavakanga vamboitwa,” anorondedzera kudaro mumwe mutariri. “Vakashanda nesimba kubva mangwanani-ngwanani kusvikira pakati pousiku. Uye zviso zvavo zvaipenya chaizvo nomufaro!”

Mafashamo kana kudengenyeka kwepasi hazvikanganisi chisungo chorudo chinobatanidza hama dzechiKristu dziri Zvapupu zvaJehovha. Kusiyana naizvozvo, panoitika njodzi dzakadaro, vaKristu vanoona zvakaudzwa vaKristu vainamata naPauro vokuTesaronika zvichiitika, zvokuti: “Rudo rwenyu mose zvenyu ruri kuwedzera kune mumwe nomumwe.”—2 VaTesaronika 1:3.