Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanoudza Matsi Mashoko Akanaka

Vanoudza Matsi Mashoko Akanaka

Vanoudza Matsi Mashoko Akanaka

“VANOKUUNZIRAI zvinhu zvine chokuita nokunamata!” Mumwe mukuru mukuru wepamusha unochengetwa vanhu vakura uri muNavalcarnero, Madrid, kuSpain, akatsanangura kushanya kunoita Zvapupu zvaJehovha pamusha uyu achidaro. Chii chakaita kuti azodaro?

Vakawanda vanogara mumusha weRosas del Camino imatsi. Zvisinei, sezvo Zvapupu zvakadzidza Mutauro Wemasaini wokuSpain, zvinogona kutaurirana nevanhu vanogara pamusha uyu. Mukuru mukuru wacho akarumbidza Zvapupu kuti zvinoshandisa nguva yazvo zvisingabhadharwi kuti zvidzidzise Bhaibheri vanhu ava vanoda kunyatsobatsirwa. Akacherechedza kuti vanhu vaigarapo vakanga vava kuita zvakanaka zvichibva pakudzidziswa mashoko akanaka oUmambo. Vanhu vacho vose—kunyanya vaya vasinganyatsooni kana kunyatsonzwa—vanokoshesawo chaizvo kushanya kunoitwa neZvapupu.

Eulogio, mumwe wevanhu vanogara ipapo ari bofu uye matsi, ava kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Rimwe zuva vachidzidza, imwe harahwa yakasvika ikapa Chapupu chacho nhetembo yakanga yanyorwa nevanhu vanogara ipapo senzira yokuratidza nayo kuonga kwavaiita. Nhetembo yacho yaiva nomusoro waiti “Kuva Chapupu.” Chimwe chikamu chayo chaiti: “Zvapupu zvinorarama upenyu hunogutsa, hunoratidza kuti zvine tsika, uye zvinowana uchenjeri hunofadza kubva kuna Jehovha. Zvinoshanyira dzimba dzevanhu kakawanda nokuti zvinovimba naJehovha.”

Kutaura zvazviri, kuvimba naJehovha uku ndiko kwave kuchiita kuti Zvapupu zvakawanda mupasi rose zvidzidze mutauro wemasaini wevanhu vari matsi vomunyika yazvo. Nenzira iyi, zvinoudzawo vanhu vakadaro mashoko anokurudzira etariro inowanikwa muBhaibheri.