Pane Munhu Anogona Kunyatsochinja Nyika Here?
Pane Munhu Anogona Kunyatsochinja Nyika Here?
“Varombo vanotiudza kuti, rugare nokuchengeteka ndicho chinhu chokutanga chavanoda—uye chechipiri vanoda mikana yokunatsiridza upenyu hwavo. Vanoda hurumende uye mabumbiro emitemo enyika dzose anoruramisira kuitira kuti zvavanoita zvirege kuvhiringidzwa nenyika dzakapfuma dzine simba nemakambani akapfuma.”
NDIKO kurondedzera kwakaita mumwe mukuru mukuru wesangano rinoyamura nyika dzepasi pose nezvetariro uye zvinotarisirwa nevarombo. Kutaura zvazviri, mashoko ake anganyatsorondedzera zvinodiwa nevanhu vose vari munyika vanosangana nematambudziko uye kusaruramisirwa. Vose zvavo vanoda nyika ine rugare rwechokwadi nokuchengeteka. Nyika yakadaro ichazombovapo here? Pane munhu ane simba chaizvoizvo uye
anogona kuchinja nyika ino isingaruramisiri kwazvo here?Kuedza Kuchinja Nyika
Vanhu vakawanda vakaedza. Somuenzaniso, Florence Nightingale, mumwe Murungu wechikadzi womuzana remakore rechi19, akapa upenyu hwake kuti atarisire varwere zvine utsanana, achivanzwira tsitsi. Mumazuva ake—kusati kwava nemishonga inoderedza neinorwisa utachiona—kutarisira varwere muchipatara kwakanga kwakasiyana nezviri kuitwa mazuva ano. “Vanamukoti,” rinodaro rimwe bhuku, vakanga “vasina kudzidza, vasina utsanana, vaizivikanwa nokudhakwa uye unzenza.” Florence Nightingale akabudirira here pane zvaakaita kuchinja maitirwe ebasa roukoti? Akabudirira. Saizvozvowo vanhu vakawanda vane hanya, vasina udyire vakabudirira zvikuru kubatsira vamwe vanhu muzvinhu zvakawanda zvoupenyu—zvakadai sokuverenga nokunyora, dzidzo, zvokurapa, kuwanisa vanhu dzimba, zvirongwa zvezvokudya, kungotaura zvishomanana. Saka kunatsiridza zvinhu kunotooneka kwakaitwa muupenyu hwemamiriyoni evarombo.
Kunyange zvakadaro, hatigoni kurega kufunga nezvechokwadi ichi chisingafadzi chokuti: Mazana emamiriyoni evanhu achiri kungotambura nehondo, utsotsi, zvirwere, nzara, nezvimwe zvinhu zvinoitika zvinotambudza. Rimwe sangano rokuIreland rinobatsira rinonzi Concern rinoti, “Urombo huri kuuraya vanhu 30 000 zuva roga roga.” Kunyange kubata vanhu uranda, uko kwave kuchitaurwa chaizvo nevanoda kuchinja zvinhu mumazana emakore apfuura, kuchiri kuitwa. “Kune varanda vakawanda vari kurarama nhasi kudarika vanhu vose vakabiwa muAfrica munguva yaitengeswa varanda vachiendeswa nengarava mhiri kwenyanza yeAtlantic,” rinodaro bhuku rinonzi Disposable People—New Slavery in the Global Economy.
Zvii zvakavhiringidza zvakaedza kuitwa nevanhu kuti vachinje zvinhu zvechigarire? Rinongova simba guru revane pfuma uye vane simba here, kana kuti pane zvakawanda zvinobatanidzwa?
Zvinotadzisa Zvinhu Kuchinja
Maererano neShoko raMwari, Satani Dhiyabhorosi ndiye chipingamupinyi chikuru pane zvose zvinoitwa nevanhu kuti pave nenyika inoruramisira zvechokwadi. Muapostora Johani anotiudza kuti “nyika yose iri musimba reakaipa.” (1 Johani 5:19) Kutaura zvazviri, iye zvino Satani ari “kutsausa nyika yose inogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9) Kutoti uipi hwake hwabviswa, vanhu vanoitirwa zvakaipa uye vasingaruramisirwi vacharamba varipo. Chii chakakonzera mamiriro aya ezvinhu anosuruvarisa?
Vabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha, vakapiwa chipo chepasi rakanga ragadzirwa kuti rive musha wakakwana weparadhiso kuitira mhuri yose yevanhu—raiva nyika ‘yakanaka kwazvo.’ (Genesisi 1:31) Chii chakaita kuti zvinhu zvichinje? NdiSatani. Akapokana kuti Mwari ndiye ane kodzero yokudzika mitemo inofanira kutevedzwa nevarume nevakadzi mukurarama kwavo. Akataura kuti kutonga kwaMwari kwakanga kusingaruramisiri. Akanyengera Adhamu naEvha kuti vasarudze nzira yokuzvimirira kuitira kuti vazvisarudzire chakanaka nechakaipa. (Genesisi 3:1-6) Izvi zvakaguma nechipingamupinyi chechipiri chokuedza kwevanhu kuti pave nenyika inoruramisira—chivi nokusakwana.—VaRoma 5:12.
Nei Zvakabvumirwa?
‘Asi nei Mwari akabvumira chivi nokusakwana kuti zvivepo?’ vamwe vangabvunza kudaro. ‘Nei asina kushandisa simba rake risingaperi kuparadza vapanduki ivavo otangisazve?’ Izvozvo zvinonzwika senzira yaiva nyore yokugadzirisa nyaya yacho. Zvisinei, kushandisa simba kunoita kuti pave nemibvunzo inokosha. Hazvisi zvechokwadi here kuti kushandiswa zvisina kufanira kwesimba ndiko kuri kunyanya kuita kuti varombo nevanodzvinyirirwa munyika vagunun’une? Hazvimutsi mibvunzo here mupfungwa dzevanhu vane mwoyo yakarurama mutongi anodzvinyirira paanoshandisa simba rake kuuraya munhu upi zvake asingabvumirani nemitemo yake?
Kuti avimbise vane mwoyo yakarurama kuti haashandisi simba rake zvisina kunaka sezvinoita mutongi ane udzvinyiriri, Mwari akasarudza kubvumira Satani nevanhu vakamupandukira kuti varege kuteerera mitemo yake—kwenguva yakatarwa bedzi. Nguva yaizoratidza kuti kutonga kwaMwari ndiko bedzi kwakarurama. Yaizoratidza kuti zvose zvatinonzi naMwari tisaite zvakatinakira. Kutaura zvazviri, migumisiro inosuruvarisa yokupandukira kutonga kwaMwari yakatoratidza kuti izvozvo ndezvechokwadi. Uye yakaratidza kuti Mwari ane chikonzero chakanaka chokushandisa simba rake guru kubvisa uipi hwose kana asarudza kudaro. Izvozvo achazviita nokukurumidza.—Genesisi 18:23-32; Dheuteronomio 32:4; Pisarema 37:9, 10, 38.
Kutoti Mwari aita chimwe chinhu, tiri mumusungo wenyika isingaruramisiri, ‘tichigomera pamwe chete uye tichirwadziwa pamwe chete.’ (VaRoma 8:22) Pasinei nezvatinoita kuti tichinje zvinhu, hatigoni kubvisa Satani, kana kubvisa zvachose kusakwana kuri honzeri huru yokutambura kwose kwatiri kuita. Chokwadi ndechokuti hatina simba rokugadzirisa migumisiro yechivi chatakagara nhaka kuna Adhamu.—Pisarema 49:7-9.
Jesu Kristu Ndiye Achachinja Zvinhu Zvechigarire
Izvi zvinoreva here kuti mamiriro ano ezvinhu haana tariro zvachose? Kwete. Mumwe munhu ane simba zvikuru kudarika munhu anofa akapiwa basa rokuti achinje zvinhu zvechigarire. Ndiani iyeye? NdiJesu Kristu. MuBhaibheri anorondedzerwa soMumiririri Mukuru waMwari pakuponeswa kwemhuri yose yevanhu.—Mabasa 5:31.
Iye zvino akamirira “nguva yakatarwa” yaMwari yokuti aite chimwe chinhu. (Zvakazarurwa 11:18) Achamboitei chaizvo? Achakonzera ‘kudzorerwa kwezvinhu zvose uko Mwari akataura nezvakwo achishandisa miromo yevaprofita vake vatsvene vomunguva yekare.’ (Mabasa 3:21) Somuenzaniso, Jesu “achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nomunhu anotambudzika nomunhu wose asina mubatsiri. . . . Achadzikinura mweya yavo pakudzvinyirirwa nepakuitirwa zvechisimba.” (Pisarema 72:12-16) Achishandisa Jesu Kristu, Mwari anopikira ku“gumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika.” (Pisarema 46:9) “Hakuna mugari [wepasi rake rakacheneswa] achati: ‘Ndiri kurwara,’” anopikira kudaro. Mapofu, matsi, vakaremara—vose vanorwara—vachava noutano hwakakwana. (Isaya 33:24; 35:5, 6; Zvakazarurwa 21:3, 4) Kunyange vaya vakafa mumazana emakore apfuura vachabatsirwa. Anopikira kumutsa vakafa pamusana pokudzvinyirirwa nokusaruramisirwa.—Johani 5:28, 29.
Jesu Kristu haasi kuzongochinja zvinhu zvishomanana, kwenguva pfupi. Achabvisa zvachose zvipingamupinyi zvose zvinoita kuti pasave nenyika inoruramisira. Achabvisa chivi nokusakwana oparadza Satani Dhiyabhorosi nevanhu vose vanotevera nzira yake yokupandukira. (Zvakazarurwa 19:19, 20; 20:1-3, 10) Marwadzo nokutambura zvakambobvumirwa naMwari ‘hazvizomukizve kechipiri.’ (Nahumi 1:9) Ndizvo zvaifungwa naJesu paakatidzidzisa kunyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye uye kuti kuda kwaMwari “kuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.”—Mateu 6:10.
Ungati, ‘Asi Jesu pachake haana here kutaura kuti ‘varombo tichagara tiinavo’? Izvozvo hazvirevi here kuti pachagara paine kusaruramisira uye urombo?’ (Mateu 26:11) Chokwadi, Jesu akataura kuti varombo vachagara varipo. Zvisinei, mashoko aaitaura nezvawo pamwe chete nezvipikirwa zveShoko raMwari zvinoratidza kuti varombo vachagara varipo chero bedzi mamiriro ezvinhu enguva ino aripo. Aiziva kuti hakuna munhu achagona kubvisa urombo nokusaruramisira kuri munyika. Aizivawo kuti aizochinja zvose izvozvo. Achakurumidza kuita kuti pave nemamiriro ezvinhu matsva—“matenga matsva nenyika itsva” muchange musisina marwadzo, kurwara, urombo, uye rufu.—2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:1.
“Musakanganwa Kuita Zvakanaka”
Izvi zvinoreva here kuti hazvina musoro kuita chero zvatinogona kuti tibatsire vamwe vanhu? Kwete. Bhaibheri rinotikurudzira kuti tibatsire vamwe pavanosangana nemiedzo uye mamiriro ezvinhu anoodza mwoyo. “Usarega kuitira zvakanaka vaya vanofanira kuitirwa zvakanaka, kana ruoko rwako ruine simba rokuzviita,” anonyora kudaro Mambo Soromoni wekare. (Zvirevo 3:27) “Musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana zvinhu nevamwe,” anokurudzira kudaro muapostora Pauro.—VaHebheru 13:16.
Jesu Kristu pachake akatikurudzira kuita chero zvipi zvatinogona kuti tibatsire vamwe. Akataura nezvomuenzaniso womuSamariya akaona murume akanga arohwa uye abirwa. Jesu akati murume iyeye muSamariya, “akasiririswa” akashandisa zvinhu zvake kusunga maronda omurume uyu akanga arohwa ndokumubatsira kuti apore pakurohwa kwaakanga aitwa. (Ruka 10:29-37) MuSamariya iyeye ane tsitsi haana kuchinja nyika, asi akachinja chaizvo upenyu hwomumwe munhu. Tinogonawo kuita saizvozvo.
Zvisinei, Jesu Kristu anogona kuita zvakawanda kudarika kungobatsira vanhu. Ndiye anonyatsogona kuchinja zvinhu, uye achazviita nokukurumidza zvikuru. Paachazviita, vanhu vasiri kururamisirwa munyika ino vachakwanisa kunatsiridza upenyu hwavo vowana rugare rwechokwadi nokuchengeteka.—Pisarema 4:8; 37:10, 11.
Takamirira izvozvo kuti zviitike, ngatirege kuzeza kuita zvose zvatinogona mune zvokunamata nezvokunyama, “kuita zvakanaka” kune vose vasiri kururamisirwa nenyika ino isingaruramisiri.—VaGaratiya 6:10.
[Mifananidzo iri papeji 5]
Florence Nightingale akaita kuti basa roukoti richinje chaizvo
[Kwazvakatorwa]
Courtesy National Library of Medicine
[Mifananidzo iri papeji 7]
Vateveri vaKristu vanoitira vamwe zvakanaka
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]
The Star, Johannesburg, S.A.