Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Satani Dhiyabhorosi anokwanisa kuziva zviri mupfungwa dzomunhu here?

Kunyange zvazvo tisingagoni kuomesa musoro, kunenge kuti Satani kana madhimoni ake havakwanisi kuziva zviri mupfungwa dzedu.

Funga nezvemazita anorondedzera anopiwa Satani. Anonzi Satani (Mudzivisi), Dhiyabhorosi (Mucheri), Nyoka (rakafanana nerokuti Munyengeri), Muedzi, uye Murevi wenhema. (Jobho 1:6; Mateu 4:3; Johani 8:44; 2 VaKorinde 11:3; Zvakazarurwa 12:9) Hapana rimwe remazita aya rinoratidza kuti Satani anokwanisa kuziva zviri mupfungwa.

Zvisinei, kusiyana neizvi Jehovha Mwari anorondedzerwa sea“noidza mwoyo.” (Zvirevo 17:3; 1 Samueri 16:7; 1 Makoronike 29:17) “Hapana chisikwa chaasingaoni [Jehovha],” inotaura kudaro VaHebheru 4:13, “asi zvinhu zvose zvakafukuka uye zviri pachena mumaziso ake iye watinozvidavirira kwaari.” Hazvishamisi kuti Jehovha akapa mano okuongorora zviri pamwoyo kuMwanakomana wake, Jesu. Jesu akamutswa akazivisa kuti: “Ndini iye anonzvera itsvo nemwoyo, uye ndichakupai somunhu mumwe nomumwe maererano nezviito zvenyu.”—Zvakazarurwa 2:23.

Bhaibheri harimbotauri kuti Satani anokwanisa kuongorora zviri mumwoyo nepfungwa dzevanhu. Izvi zvinokosha, sokutivimbisa kwakaita muapostora Pauro kuti vaKristu ‘vanoziva mazano aSatani.’ (2 VaKorinde 2:11) Saka hatifaniri kutya kuti Satani ane mano anopfuura okusikwa kwake atisingatombozivi nezvawo.

Zvisinei, izvi hazvirevi kuti Muvengi wedu haagoni kuziva patakaneta kana kuti zvatisingakwanisi kuita. Satani ave ane mazana emakore okudzidza maitiro evanhu. Hazvidi kuti azive zviri mupfungwa kuti azonzwisise mufambiro watinoratidza, kuti aone varaidzo yatinotsvaka, kana kuti ateerere zvinhu zvatinotaura nezvazvo, zvichingodaro. Zvatinoita pachiso chedu uye mamiriro edu zvingaratidzawo zvatiri kufunga kana kunzwa.

Zvisinei, kakawanda Satani anoshandisa nzira dzaakashandisa mubindu reEdheni—nhema, unyengeri, uye mashoko asiriwo. (Genesi 3:1-5) Kunyange vaKristu vasingafaniri kutya kuti Satani achaziva zviri mupfungwa dzavo, vane chikonzero chokunetseka nokuti Satani achaedza kuisa pfungwa dzipi mundangariro dzavo. Anoda kuti vaKristu vave vanhu vane “pfungwa dzakaora uye vakatorerwa chokwadi.” (1 Timoti 6:5) Hazvishamisi kuti nyika yaSatani yakabudisa mashoko nevaraidzo zvinoshatisa zvakawanda kwazvo. Kuti vakunde izvi, vaKristu vanofanira kudzivirira pfungwa dzavo nokupfeka “ngowani yoruponeso.” (VaEfeso 6:17) Vanoita izvi nokuzadza pfungwa dzavo nechokwadi cheBhaibheri uye nokudzivisa kubatanidzwa nezvinhu zvakaipa zvenyika yaSatani.

Satani muvengi anotyisa kwazvo. Asi hatifaniri kumudedera iye kana madhimoni ake. Jakobho 4:7 inotivimbisa kuti: “Dzivisai Dhiyabhorosi, uye achakutizai.” Kana tikatevera zano iri, tichakwanisa kutaura, sezvakaita Jesu, kuti Satani haana simba patiri.—Johani 14:30.