Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unombobvunza Kuti ‘Jehovha Ari Kupi’ Here?

Unombobvunza Kuti ‘Jehovha Ari Kupi’ Here?

Unombobvunza Kuti ‘Jehovha Ari Kupi’ Here?

“Vakaenda kure neni . . . Uye havana kureva, vachiti: Uripiko Jehovha?”—JEREMIA 2:5, 6.

1. Vanhu pavanobvunza kuti “Mwari ari kupi?,” vangave vachifunga nezvei?

“MWARI ari kupi?” Mubvunzo iwoyo wakabvunzwa nevanhu vakawanda. Vamwe vavo vaingoedza zvavo kunzwisisa chimwe chinhu chinokosha pamusoro poMusiki, kureva kuti, anogarepi? Vamwe vakabvunza mubvunzo wacho paitika njodzi yakakura kana kuti pavakanzwa vatambura kwazvo uye vasinganzwisisi chikonzero nei Mwari asina chaakaita. Asi vamwe havatombobvunzi nokuti havambobvumi kuti Mwari wacho ariko.—Pisarema 10:4.

2. Ndivanaani vanobudirira pakutsvaka kwavo Mwari?

2 Asi kunewo vakawanda vanoziva kuti pane uchapupu hwakakura hwokuti kuna Mwari. (Pisarema 19:1; 104:24) Vamwe vavo vanogutsikana nokungova nechitendero chakati. Asi kuda chokwadi zvikuru kwakaita kuti mamwe mamiriyoni, munyika dzose, atsvake Mwari wechokwadi. Izvi havana kuzviitira pasina nokuti ha“asiri kure nomumwe nomumwe wedu.”—Mabasa 17:26-28.

3. (a) Nzvimbo inogarwa naMwari iri kupi? (b) Mubvunzo uri muMagwaro wokuti ‘Jehovha ari kupi,’ unorevei?

3 Munhu paanowana Jehovha zvechokwadi, anoziva kuti “Mwari Mudzimu,” usingaoneki nemaziso evanhu. (Johani 4:24) Jesu akataura nezvaMwari wechokwadi sa“Baba vangu vari kudenga.” Izvozvo zvinorevei? Kuti, tichitaura nezvokunamata, nzvimbo inogarwa naBaba vedu vokudenga yakakwirira, sezvakangoita matenga chaiwo ayo ari kumusorosoro kwepasi. (Mateu 12:50; Isaya 63:15) Zvisinei, kunyange zvazvo tisingagoni kuona Mwari nemaziso edu chaiwo, anoita kuti tikwanise kumuziva uye tidzidze zvakawanda pamusoro pezvinangwa zvake. (Eksodho 33:20; 34:6, 7) Anopindura mibvunzo inobvunzwa nevanhu vepachokwadi vanotsvaka chinangwa choupenyu. Pazvinhu zvine chokuita noupenyu hwedu, anopa zvikonzero zvakanaka zvokuti tizive pfungwa dzake, kureva kuti, maonero aanoita zvinhu zvakadaro uye kana zvatinoda zvichipindirana nezvinangwa zvake. Anoda kuti tibvunze mibvunzo maererano nezvinhu zvakadaro uye kuedza zvikuru kuwana mhinduro dzacho. Achishandisa muprofita Jeremia, Jehovha akatsiura vaIsraeri vekare nokuti vakatadza kuita izvi. Vaiziva zita raMwari, asi havana kubvunza kuti, “Uripiko Jehovha?” (Jeremia 2:6) Chinangwa chaJehovha chakanga chisiri chinhu chikuru muupenyu hwavo. Vakanga vasingatsvaki kutungamirirwa naye. Paunofanira kuita zvisarudzo, zvikuru nezviduku, unobvunza here kuti, ‘Jehovha ari kupi?’

Vaya Vakabvunza Mwari

4. Tingabatsirwa sei nomuenzaniso waDhavhidhi wokubvunza Jehovha?

4 Paakanga achiri jaya, Dhavhidhi, mwanakomana waJese, akava nokutenda kwakasimba muna Jehovha. Aiziva Jehovha sa“Mwari mupenyu.” Dhavhidhi akanga azvionera kudzivirira kwaJehovha. Achikurudzirwa nokutenda uye nokuda “zita raJehovha,” Dhavhidhi akauraya hofori yechiFiristia yakanga yakapakata zvombo yainzi Goriati. (1 Samueri 17:26, 34-51) Zvisinei, kubudirira kwaDhavhidhi hakuna kuita kuti azvivimbe. Haana kufunga kuti chero chaaizoita zvino, Jehovha aizomukomborera. Kakawanda mumakore akazotevera, Dhavhidhi akabvunza Jehovha paaifanira kuita zvisarudzo. (1 Samueri 23:2; 30:8; 2 Samueri 2:1; 5:19) Akaramba achinyengetera kuti: “Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; ndidzidzisei nzira dzenyu. Ndiperekedzei muzvokwadi yenyu, mundidzidzise; nokuti ndimi Mwari muponesi wangu; ndinokutarirai zuva rose.” (Pisarema 25:4, 5) Uyu muenzaniso wakanaka kwazvo wokuti titevedzere!

5, 6. Jehoshafati akatsvaka sei Jehovha panguva dzakasiyana muupenyu hwake?

5 Mumazuva aMambo Jehoshafati, mambo wechishanu mumutsara wemadzimambo kubvira pana Dhavhidhi, mauto akabatana emarudzi matatu akauya kuzorwisa Judha. Atarisana nemamiriro ezvinhu aya okukurumidzira munyika, Jehoshafati “akashingaira kundobvunza Jehovha.” (2 Makoronike 20:1-3) Aka kakanga kasiri kokutanga kuti Jehoshafati atsvake Jehovha. Mambo uyu akanga asina kunamata Bhaari sezvaiitwa norudzi rwoumambo hwokumusoro rweIsraeri rwakaramba kutenda, uye akanga asarudza kufamba munzira dzaJehovha. (2 Makoronike 17:3, 4) Saka zvino paakatarisana nechinetso, Jehoshafati ‘akabvunza Jehovha’ sei?

6 Mumunyengetero wepachena waakaita muJerusarema panguva iyi yakaoma, Jehoshafati akaratidza kuti akanga afunga nezvesimba guru raJehovha. Akanga afungisisa nezvechinangwa chaJehovha chakaratidzwa nokudzinga Kwake mamwe marudzi uye kupa nyika yakati kuna Israeri senhaka. Mambo akabvuma kuti aida kubatsirwa naJehovha. (2 Makoronike 20:6-12) Jehovha akaita kuti awanikwe here panguva iyoyo? Hungu, zvechokwadi. Achishandisa Jahazieri, muRevhi, Jehovha akarayira zvinhu chaizvo zvaifanira kuitwa, uye zuva rakatevera racho Akaita kuti vanhu Vake vakunde. (2 Makoronike 20:14-28) Ungava sei nechokwadi chokuti Jehovha achaita kuti awanikwewo newe paunomukumbira kuti akutungamirire?

7. Mwari anonzwa minyengetero yaani?

7 Jehovha haasaruri. Anokurudzira vanhu vemarudzi ose kuti vamutsvake mumunyengetero. (Pisarema 65:2; Mabasa 10:34, 35) Anocherechedza zviri mumwoyo yevaya vanoteterera kwaari. Anotivimbisa kuti anonzwa minyengetero yevakarurama. (Zvirevo 15:29) Anozviita kuti awanikwe nevamwe vaisambomufarira asi iye zvino vava kutsvaka nokuzvininipisa kutungamirirwa naye. (Isaya 65:1) Anotonzwa minyengetero yevaya vakambokundikana kuchengeta mutemo wake asi avo zvino vanopfidza nokuzvininipisa. (Pisarema 32:5, 6; Mabasa 3:19) Asi, apo mwoyo womunhu unenge usingazviisi pasi paMwari, minyengetero yomunhu iyeye haina zvainoshanda. (Mako 7:6, 7) Funga nezvemimwe mienzaniso.

Vakakumbira asi Havana Kupindurwa

8. Chii chakaita kuti minyengetero yaMambo Sauro isagamuchirwe naJehovha?

8 Pashure pokunge muprofita Samueri audza Mambo Sauro kuti akanga arambwa naMwari nemhosva yokusateerera kwake, Sauro akakotamira kuna Jehovha. (1 Samueri 15:30, 31) Asi zvakanga zvisingabvi pamwoyo. Chido chaSauro chakanga chisiri chokuteerera Mwari, asi chokukudzwa pamberi pevanhu. Gare gare, VaFiristiya pavakanga vachirwisana neIsraeri, Sauro akangobvunzawo Jehovha zvechirango. Zvisinei, paasina kupindurwa, akanobvunza svikiro, kunyange aiziva kuti izvi zvairambidzwa naJehovha. (Dheuteronomio 18:10-12; 1 Samueri 28:6, 7) Ichitaura nyaya yacho muchidimbu, 1 Makoronike 10:14 inoti nezvaSauro: ‘Haana kubvunza Jehovha.’ Nei? Nokuti minyengetero yaSauro yakanga isina kuvakirwa pakutenda. Saka, zvakanga zvakaita sokuti akanga asina kumbonyengetera zvake.

9. Chii chakanga chisina kururama nechikumbiro chaZedhekia chokutungamirirwa naJehovha?

9 Saizvozvowo, sezvo mugumo woumambo hweJudha wakanga wava pedyo, kwakapiwa minyengetero yakawanda uye vaprofita vaJehovha vakabvunzwa. Zvisinei, vanhu vakanga vachisanganisa kunamatwa kwezvidhori nokuremekedza Jehovha kwokunyepedzera. (Zefania 1:4-6) Kunyange zvazvo vakaita miitiro yokubvunza Mwari, havana kugadzirira mwoyo yavo kuti izviise pasi pokuda kwake. Mambo Zedhekia akateterera Jeremia kuti amubvunzire Jehovha. Jehovha akanga atoudza mambo wacho zvaaifanira kuita. Asi asina kutenda uye achitya vanhu, mambo haana kuteerera inzwi raJehovha, uye Jehovha haana kumupa imwe mhinduro yaifarirwa namambo wacho.—Jeremia 21:1-12; 38:14-19.

10. Chii chakanga chisina kururama nematsvakiro akaita Johanani nhungamiro yaJehovha, uye tinodzidzei muchikanganiso chake?

10 Pashure pokuparadzwa kweJerusarema uye uto reBhabhironi raenda nevatapwa vechiJudha, Johanani akagadzirira kuenda kuIjipiti neboka duku revaJudha vakanga vasara muJudha. Vakaita urongwa hwavo, asi vasati vasimuka vakakumbira Jeremia kuti avanyengeterere achitsvaka nhungamiro yaJehovha. Zvisinei, pavasina kuwana mhinduro yavaida, vakaenderera mberi nezvavakanga varonga. (Jeremia 41:16–43:7) Unoona zvidzidzo zvinogona kukubatsira here muzviitiko izvi zvokuti paunotsvaka kubatsirwa naJehovha, achazviita kuti awanikwe newe?

“Rambai Muchiva Nechokwadi”

11. Nei tichifanira kushandisa VaEfeso 5:10?

11 Kunamata kwechokwadi haisiri nyaya yokungoratidza kuzvitsaurira kwedu nokunyudzwa mumvura, kupinda misangano yeungano, nokubuda muushumiri hwepachena. Kunosanganisira mararamiro edu ose. Zuva nezuva tinomanikidzwa nezvimwe zvinhu—zvimwe zvisiri pachena, zvimwe zvinonyatsooneka—zvinogona kutitsausa panzira inowirirana nokuzvipira kuna Mwari. Tichaita sei nezvazvo? Paainyorera vaKristu vakatendeka muEfeso, muapostora Pauro akavakurudzira kuti: “Rambai muchiva nechokwadi chezvakanaka kunaShe.” (VaEfeso 5:10) Uchenjeri hwokuita izvozvo hunoratidzwa nezviitiko zvakawanda zvinotaurwa muMagwaro.

12. Nei Jehovha asina kufara apo Dhavhidhi akaita kuti areka yesungano iendeswe kuJerusarema?

12 Areka yesungano yadzorerwa kuIsraeri uye yachengetwa kwemakore akawanda kuKiriati-jearimi, Mambo Dhavhidhi akanzwa achida kuiendesa kuJerusarema. Akabvunza vakuru vakuru vevanhu akati Areka yacho yaizoendeswa ‘kana zvaiva zvakanaka kwavari uye zvaigamuchirwa naJehovha.’ Asi haana kunyatsotsvaka zvakakwana kuti azive zvaidiwa naJehovha panyaya yacho. Kudai akanga aita kudaro, Areka yacho yaizodai isina kumboiswa pangoro. Ingadai yakatakurwa nevaRevhi vechiKohati pamapfudzi avo, sezvakanga zvanyatsorayirwa naMwari. Kunyange Dhavhidhi aiwanzobvunza Jehovha, akatadza kuita kudaro zvakarurama pachiitiko ichi. Zvakaguma zvaitika zvairwadza. Dhavhidhi akazobvuma kuti: “Jehovha Mwari wedu wakatirova, nokuti hatina kumutsvaka sezvatakarayirwa.”—1 Makoronike 13:1-3; 15:11-13; Numeri 4:4-6, 15; 7:1-9.

13. Murwiyo rwakaimbwa apo Areka yakanga yabudirira kutamiswa, chiyeuchidzoi chaivamo?

13 Pakazotakurwa Areka yacho nevaRevhi kubva kumba kwaObhedhi-edhomi kuenda kuJerusarema, pakaimbwa rwiyo rwakanyorwa naDhavhidhi. Rwaisanganisira chiyeuchidzo chinobva pamwoyo chokuti: “Tsvakai Jehovha nesimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose. Rangarirai mabasa ake anoshamisa, aakaita; zvishamiso zvake, nezvaakatonga nomuromo wake.”—1 Makoronike 16:11, 12.

14. Tingabatsirwa sei nomuenzaniso waSoromoni wakanaka uye zvikanganiso zvaakaita akwegura?

14 Asati afa, Dhavhidhi akarayira Soromoni kuti: ‘Kana ukatsvaka Jehovha, iye uchawanikwa newe.’ (1 Makoronike 28:9) Paakagara pachigaro, Soromoni akaenda kuGibhiyoni, kwakanga kune tende rokusonganira, akabayira chibayiro kuna Jehovha. Ikoko Jehovha akaudza Soromoni kuti: “Kumbira chaunoda kuti ndikupe.” Achipindura chikumbiro chaSoromoni, Jehovha akamupa uchenjeri nezivo zvakawanda kuti atonge Israeri, uye pamusoro pazvo Akamupa pfuma nokukudzwa. (2 Makoronike 1:3-12) Achishandisa purani yokuvaka iyo Dhavhidhi akanga apiwa naJehovha, Soromoni akavaka temberi yakanaka kwazvo. Asi panyaya dzake dzezvinhu zvomumhuri yake pachake, Soromoni akatadza kutsvaka Jehovha. Soromoni akaroora vakadzi vakanga vasinganamati Jehovha. Akwegura, vakatsausa mwoyo wake pana Jehovha. (1 Madzimambo 11:1-10) Pasinei nokuti tingaratidzika setakakurumbira, takachenjera, kana kuti tinoziva zvakadini, zvinokosha kuti ‘tirambe tichiva nechokwadi chezvakanaka kunaShe’!

15. Pakauya Zera muEtiopiya kuzorwisa Judha, nei Asa aigona kunyengetera nechivimbo kuti Jehovha aponese Judha?

15 Kudiwa kweizvi kunosimbiswa nechinyorwa chokutonga kwaAsa, muzukuru chibvi waSoromoni. Makore gumi nerimwe pashure pokunge Asa ava mambo, Zera muEtiopiya akatungamirira uto revarume miriyoni kuzorwisa Judha. Jehovha aizoponesa Judha here? Makore 500 izvi zvisati zvaitika Jehovha akanga anyatsotaura zvakajeka zvaigona kutarisirwa nevanhu vake kana vaimuteerera vochengeta mirayiro yake uye zvavaigona kutarisira kana vaisadaro. (Dheuteronomio 28:1, 7, 15, 25) Paakatanga kutonga, Asa akanga abvisa munyika yake atari nematanda aishandiswa mukunamata kwenhema. Akanga akurudzira vanhu kuti “vatsvake Jehovha.” Asa akanga asina kumirira kusvikira atarisana nedambudziko kuti azoita kudaro. Saka aine kutenda muna Jehovha, Asa aigona kunyengetera kwaari kuti avanunure. Zvakaguma nei? Judha yakapiwa rukundo rukuru.—2 Makoronike 14:2-12.

16, 17. (a) Kunyange zvazvo Asa akakunda, Jehovha akamuyeuchidza kuti chii? (b) Asa paakaita nokusachenjera, akabatsirwa sei, asi akaita sei nezvazvo? (c) Tingabatsirwa sei nokufunga zvakaitwa naAsa?

16 Kunyange zvakadaro, apo Asa akadzoka akunda, Jehovha akatuma Azaria kunosangana namambo wacho uye oti: “Nditeererei imi, Asa navaJudha navaBenjamini mose; Jehovha unemi, kana imi munaye; kana mukamutsvaka, uchawanikwa nemi; asi kana mukamurasha, iye uchakurashaiwo.” (2 Makoronike 15:2) Nokushingaira kutsva, Asa akasimudzira kunamata kwechokwadi. Asi makore 24 gare gare, apo akatarisanazve nehondo, Asa akakundikana kutsvaka Jehovha. Haana kuverenga Shoko raMwari, uye haana kuyeuka zvakanga zvaitwa naJehovha apo uto reEtiopiya rakapinda muJudha nechisimba. Noupenzi akabatana neSiriya.—2 Makoronike 16:1-6.

17 Nokuda kweizvi, Jehovha akaita kuti muoni Hanani atsiure Asa. Kunyange panguva iyoyo, apo maonero aiita Jehovha nyaya yacho akatsanangurwa, Asa angadai akabatsirwa. Pane kudaro, akagumbuka ndokuisa Hanani muchitokisi. (2 Makoronike 16:7-10) Zvinosuwisa sei! Zvakadii nesu? Tinotsvaka Mwari asi tozoramba kugamuchira zano rake here? Apo mukuru ane hanya anoshandisa Bhaibheri kutipa zano nokuti tiri kupingirishwa nenyika, tinoratidza kuonga kubatsira kworudo kwatinopiwa here kuti tizive “zvakanaka kunaShe”?

Usakanganwa Kubvunza

18. Tingabatsirwa sei nemashoko aErihu kuna Jobho?

18 Paanenge achinetseka mupfungwa, kunyange munhu ane mukurumbira wakanaka mubasa raJehovha angakundikana. Jobho paakarohwa nechirwere chinosemesa, paakarasikirwa nevana nezvinhu zvake, uye paakapomerwa zvenhema neshamwari dzake, pfungwa dzake dzakabatikana zvachose nokuzvifunga iye. Erihu akamuyeuchidza kuti: “Hapana unoti: Mwari Muiti wangu uripiko?” (Jobho 35:10) Jobho aifanira kuita kuti pfungwa dzake dzifunge nezvaJehovha uye kufunga kuti Iye aiona sei zvinhu zvacho. Jobho akagamuchira chiyeuchidzo ichocho nokuzvininipisa, uye muenzaniso wake unogona kutibatsira kuita izvozvowo.

19. Vanhu veIsraeri vaiwanzokundikana kuitei?

19 Vanhu veIsraeri vaiziva nezvokubata kwaiita Mwari norudzi rwavo. Asi kakawanda kwazvo havana kuzvirangarira pavaibata nemamwe mamiriro ezvinhu muupenyu hwavo. (Jeremia 2:5, 6, 8) Pavaifanira kuita zvisarudzo muupenyu, vaitsvaka mafaro avo pachavo pane kubvunza kuti “uripiko Jehovha?”—Isaya 5:11, 12.

Ramba Uchibvunza Kuti ‘Jehovha Ari Kupi?’

20, 21. (a) Nhasi ndivanaani vakaratidza pfungwa dzaErisha mukutsvaka nhungamiro yaJehovha? (b) Tingatevedzera uye tingabatsirwa sei nomuenzaniso wavo wokutenda?

20 Pakaguma ushumiri hwepachena hwaEriya, muranda wake Erisha akatora jasi rake rebasa rakanga radonha kubva kuna Eriya, akaenda kuJodhani, ndokurova mvura, akabvunza kuti: “Jehovha Mwari waEriya uripiko?” (2 Madzimambo 2:14) Jehovha akapindura nokuratidza kuti mudzimu wake wakanga wava pana Erisha zvino. Tingadzidzei pane izvi?

21 Chimwe chinhu chakafanana chakaitika mumazuva ano. Vamwe vaKristu vakazodzwa vakanga vachitungamirira mubasa rokuparidza vakafa panyika pano. Vaya vakazopiwa basa rokutarisira vakaongorora Magwaro vakanyengetera kuna Jehovha kuti vatungamirirwe. Havana kutadza kubvunza kuti ‘Jehovha ari kupi?’ Somugumisiro, Jehovha ave achingotungamirira vanhu vake uye kuita kuti basa ravo ribudirire. Tinotevedzera kutenda kwavo here? (VaHebheru 13:7) Kana zvakadaro, ticharambira pedyo nesangano raJehovha, toteerera zvarinoti tiite, uye toita zvizere basa riri kuitwa nesangano iri mukutungamirira kwaJesu Kristu.—Zekaria 8:23.

Ungapindura Sei?

• Tinofanira kubvunza kuti ‘Jehovha ari kupi’ nechinangwa chei?

• Isu nhasi tingawana sei mhinduro yomubvunzo wokuti, ‘Jehovha ari kupi?’

• Nei mimwe minyengetero yokukumbira kutungamirirwa naMwari isingapindurwi?

• Mienzaniso ipi yomuBhaibheri inoratidza kudiwa kwoku‘ramba tichiva nechokwadi chezvinhu zvakanaka kunaShe’?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Mambo Jehoshafati akatsvaka sei Jehovha?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Nei Sauro akabvunza svikiro?

[Mifananidzo iri papeji 12]

Nyengetera, dzidza, uye fungisisa kuti uzive kuti ‘Jehovha ari kupi’