Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubatsirwa Pakuchengeta Utsvene Hweropa

Kubatsirwa Pakuchengeta Utsvene Hweropa

Mushumo Wevazivisi Voumambo

Kubatsirwa Pakuchengeta Utsvene Hweropa

PASI pose vashumiri vaJehovha vakaratidza kuvimbika kuna Mwari panyaya youtsvene hweropa. (Mabasa 15:28, 29) Hama dzechiKristu dzakabatsirwa neboka romuranda akatendeka, akangwara. (Mateu 24:45-47) Ngationei kuti izvi zvakaguma nei muPhilippines.

Bazi rokuPhilippines rinoshuma kuti: “Muna 1990 takaudzwa kuti vamiririri veBheteri rokuBrooklyn vaizova nomusangano muno muPhilippines. Hama dzakakokwa kubva kumapazi akasiyana-siyana okuAsia, kusanganisira Korea, Taiwan, neHong Kong. Chinangwa chaiva chokubatsira kuronga Dhipatimendi Remashoko Echipatara mumapazi avo uyewo kuronga Matare Okubata Nezvipatara. MuPhilippines matare acho akatanga kurongwa mumaguta makuru mana.” Matare acho aizoedza kutsvaka vanachiremba vanoda kushandira pamwe nesu maererano nechisarudzo chechiKristu paropa. Aizoyamurawo hama paimuka zvinetso zvine chokuita neropa.

Remegio akasarudzwa kuti ashande muDare Rokubata Nechipatara muBaguio. Nguva sezvayakafamba, vanachiremba vakatanga kucherechedza basa iri. Remegio anoyeuka imwe nguva apo vanachiremba vanoverengeka vakanga vachiita musangano neDare Rokubata Nechipatara vaida kuziva marapiro avangaita Zvapupu zvairwara zvairamba ropa. Remegio akati: “Vanachiremba vakatanga kubvunza mibvunzo, asi ndakaona ndagumirwa nokuti mibvunzo yacho yakanga yakaoma.” Akanyengetera kuna Jehovha kuti abatsirwe kubata nechinetso ichi. Remegio akaenderera mberi achiti: “Pashure pomubvunzo mumwe nomumwe, vamwe vanachiremba vaisimudza maoko avo votaura mabatiro avakaita nemamiriro ezvinhu akafanana.” Remegio akafara nokuda kwokubatsirwa uku, kunyanya sezvo nguva yemibvunzo nemhinduro iyi yakatora maawa maviri.

Iye zvino munyika yacho yose mava nematare 21, nehama dzinokwana 77 dziri kushanda maari. Danilo, Chapupu chinodzidzisa vanachiremba, anoti: “Vanachiremba vanoona kuti varwere vavo vari Zvapupu vanotsigirwa nesangano rinovatarisira norudo.” Mumwe chiremba pakutanga akanga asingadi kuvhiya imwe hama pasina kuwedzera ropa. Zvisinei, hama yacho yakanga yakasimba chaizvo pachisarudzo chayo. Yakavhiyiwa uye zvakabudirira. Dhipatimendi Remashoko Echipatara rinoshuma kuti: “Chiremba wacho akashamiswa kwazvo nokupora kwakaita hama iyi. Akati: ‘Ndichitorera pane zvaitika pano, kana ani naani wenyu achida kuva norudzi rwakadai rwokuvhiya pasina ropa, ndichafara kukuita.’”