Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anoona Zvaunoita Here?

Jehovha Anoona Zvaunoita Here?

Jehovha Anoona Zvaunoita Here?

UNGAPINDURA sei mubvunzo iwoyo? Vakawanda vangati: ‘Ndinofunga kuti Mwari akaona zvakaitwa nevarume vakaita saMosesi, Gidhiyoni, naDhavhidhi, asi handifungi kuti anofarira chinhu chandingaitawo zvangu ini. Handina kumboita saMosesi, Gidhiyoni, kana Dhavhidhi.’

Ichokwadi kuti vamwe varume vakatendeka munguva inotaurwa muBhaibheri vakaita mabasa okutenda anoshamisa. ‘Vakakunda umambo, vakadzivisa miromo yeshumba, vakadzivisa simba remoto, vakapukunyuka muromo webakatwa.’ (VaHebheru 11:33, 34) Kunyange zvakadaro, vamwe vakaratidza kutenda kwavo munzira dzisinganyanyi kushamisa, uye Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari akaonawo zviito zvavo zvokutenda. Kuenzanisira, funga mienzaniso yeMagwaro yomufudzi, muprofita, uye chirikadzi.

Mufudzi Anopa Chibayiro

Unoyeukei nezvaAbheri, mwanakomana wechipiri waAdhamu naEvha? Ungayeuka kuti akafira kutenda kwake, zvimwe chimwe chinhu chingaitika kune vashomanana vedu. Asi Mwari akatanga kucherechedza Abheri nokuda kwechimwe chikonzero.

Rimwe zuva, Abheri akatora dzimwe dzemhuka dzakanakisisa paboka rake ndokupa Mwari chibayiro. Nhasi chipo chake chinganzi chiduku, asi Jehovha akachiona ndokuchifarira. Zvisinei, handizvo zvoga. Anoda kusvika makore zviuru zvina gare gare, Jehovha akafuridzira muapostora Pauro kunyora nezvazvo mubhuku raVaHebheru. Pashure pemakore akawanda kudaro, Mwari akanga asina kukanganwa chibayiro ichocho chakanaka!—VaHebheru 6:10; 11:4.

Abheri akasarudza sei rudzi rwechibayiro chokupa? Bhaibheri haritauri, asi anofanira kuva akafungisisa nhau yacho. Aiva mufudzi, saka zvinotarisirwa kuti akapa mamwe emakwai ake. Kunyange zvakadaro, ona kuti akapa akanakisisa—“namafuta awo.” (Genesi 4:4) Zvingangoitawo kuti akafungisisa mashoko aJehovha kunyoka mubindu reEdheni anoti: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake; irwo ruchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.” (Genesi 3:15; Zvakazarurwa 12:9) Kunyange akanga asinganzwisisi kuti “mukadzi” no“rudzi” rwake vaiva vanaani, Abheri angave akaziva kuti ‘kupwanya chitsitsinho’ chorudzi rwomukadzi kwaizobatanidza kudeurwa kweropa. Aiziva zvechokwadi kuti hapana chaikosha zvikuru kupfuura chisikwa chipenyu, chinofema. Chero zvakaitika, chibayiro chaakapa chakanga chakakodzera zvechokwadi.

SaAbheri, nhasi vaKristu vanopa Mwari zvibayiro. Havapi makwai avo akanakisisa, asi “chibayiro chokurumbidza, icho chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zita [raMwari].” (VaHebheru 13:15) Miromo yedu inozivisa pachena patinoudza vamwe kutenda kwedu.

Ungada kunatsiridza kunaka kwechibayiro chako here? Ipapo fungisisa zvinodiwa nevanhu mundima mako. Zvii zvinovanetsa? Zvavanofarira? Zvikamu zvipi zveshoko reBhaibheri zvingavanakidza? Panguva imwe neimwe yaunenge uchipupurira, ongorora kushanya kwawakaita nechinangwa chokuvandudza kubudirira kwako. Uye paunotaura nezvaJehovha, ita izvozvo nechivimbo, zvichibva pamwoyo. Ita kuti chibayiro chako chive “chibayiro chokurumbidza” chaicho.

Muprofita Anoparidzira Vavakidzani Vasingagamuchiri

Zvino funga nezvomuprofita Enoki. Angave akanga ari oga chete chapupu chaJehovha Mwari. Ndiwe nhengo chete yemhuri yenyu iri kushumira Jehovha nokutendeka here, saEnoki? Ndiwe woga mudzidzi mukirasi menyu kana kuti mushandi bedzi kubasa kwenyu anoomerera kumitemo yeBhaibheri here? Kana zvakadaro, ungatarisana nezvinetso. Shamwari, voukama, vaunodzidza navo mukirasi, kana vaunoshanda navo vangakukurudzira kudarika mitemo yaMwari. “Hapana achazomboziva zvawaita,” vangadaro. “Hatimbotauri.” Vangaramba vachiti ufuza kunetseka pamusoro petsika dzinodiwa neBhaibheri nokuti Mwari haana basa nezvaunoita. Vatsamwa kuti haufungi nokuita saivo, vangaita zvose zvavanogona kushayisa simba kuramba kwako.

Chokwadi, hazvisi nyore kutarisana nokudzvinyirira kwakadaro, asi kwete kuti hazvigoni kuitika. Funga nezvaEnoki, munhu wechinomwe mumutsara kubva kuna Adhamu. (Judha 14) Pakazoberekwa Enoki, vanhu vakawanda vakanga vasisina kana nepfungwa yose zvayo yokuzvibata. Kutaura kwavo kwainyadzisa; mufambiro wavo wai“shamisa.” (Judha 15) Vaiita sezvinongoitwa nevanhu vakawanda nhasi.

Enoki akabudirira sei? Mhinduro yomubvunzo iwoyo inotifadza nhasi. Kunyange zvazvo Enoki panguva iyoyo angave ari munhu bedzi pasi pano ainamata Jehovha, chaizvoizvo akanga asiri oga. Enoki akafamba naMwari.—Genesi 5:22.

Upenyu hwaEnoki hwaiva hwokufadza Mwari. Aiziva kuti kufamba naMwari kwaireva zvinopfuura kungorarama upenyu hwakachena, hune tsika. Jehovha aimutarisira kuti aparidze. (Judha 14, 15) Vanhu vaida kunyeverwa kuti zviito zvavo zvokusada Mwari zvakanga zviri kuonekwa. Enoki akaramba achifamba naMwari kweanodarika makore 300—nguva yakareba kudarika yakatsungirirwa chero noupi wedu zvake. Kusvikira afa, akaramba achifamba naMwari.—Genesi 5:23, 24.

SaEnoki, isuwo takapiwa basa rokuparidza. (Mateu 24:14) Kuwedzera kupupurira pamba nemba, tinoedza kutaurira mashoko akanaka kune voukama, vatinozivana navo mune zvemabhizimisi, uye vatinodzidza navo mukirasi. Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva tingazengurira kutaura. Ndozvaunoita here? Usaora mwoyo. Tevedzera vaKristu vekare, uye nyengeterera ushingi kuna Mwari. (Mabasa 4:29) Usambokanganwa kuti chero bedzi uri kufamba naMwari, chaizvoizvo hausi woga.

Chirikadzi Inogadzira Zvokudya

Fungidzira, chirikadzi isina kutaurwa zita yakawana zvikomborero zviviri pamusana pokuti yakagadzira zvokudya zvakanaka! Yakanga isiri muIsraeri, asi munhu wokune imwe nyika akararama muzana remakore rechigumi B.C.E. muguta reZarefati. Pedyo nokuguma kwenguva yakareba yokusanaya kwemvura neyenzara, zvokudya zvechirikadzi yacho zvakanga zvava kupera. Yakanga yangosara netsama imwe youpfu uye mafuta anokwana kudya kumwe kwokupedzisira kwayo nomwanakomana wayo.

Panguva ino, mueni akasvika. Aiva muprofita waMwari Eriya, uyo akakumbira kudyawo zvokudya zvishomanana zvechirikadzi yacho. Paingova nezvishomanana zvaikwana chirikadzi iyi nomwanakomana wayo, uye zvechokwadi yakanga isina kana zvokupa mueni. Asi Eriya akaivimbisa, neshoko raJehovha, kuti kana yaizomupawo zvokudya zvayo, iyo nomwanakomana wayo havaizofa nenzara. Zvaida kutenda kudavira kuti Mwari waIsraeri aizoitarisira, chirikadzi yokune imwe nyika. Asi yakatenda Eriya, uye Jehovha akaipa mubayiro. “Upfu hwakanga huri mudende hahuna kupera, namafuta akanga ari muchinu haana kushayikwa, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waEria.” Mukadzi wacho nomwanakomana wake vakava nezvokudya nguva dzose kusvikira nzara yapera.—1 Madzimambo 17:8-16.

Zvisinei, chimwe chikomborero chakanga chakamirira chirikadzi yacho. Pane imwe nguva chishamiso ichocho chaitika, mwanakomana wayo wayaida akarwara ndokufa. Asiririswa, Eriya akakumbira Jehovha kumutsa mwanakomana wacho. (1 Madzimambo 17:17-24) Izvozvo zvaizoda chishamiso chisina kumboitika. Hapana pakanyorwa kuti pane akanga ambomutswa! Jehovha aizoratidzazve ngoni chirikadzi iyi yokune imwe nyika here? Akadaro. Jehovha akapa Eriya simba rokumutsa mukomana wacho. Gare gare Jesu akati nezvomukadzi akaropafadzwa uyu: ‘Kwaiva nechirikadzi dzakawanda muIsraeri asi Eriya akatumwa kuchirikadzi yeZarefati munyika yeSidhoni.’—Ruka 4:25, 26.

Mamiriro ezvemari mazuva ano haana kugadzikana, kunyange munyika dzakapfuma. Mamwe makambani makuru akabudisa basa vashandi vave vachishanda nokuvimbika kwemakumi emakore. Atarisana nokushayikwa kwemabasa, muKristu angaedzwa kupedzera nguva yakapfuuridza ari kubasa, achitarisira kuti kambani yake icharega kumudzinga basa. Kuita kudaro kungamusiyira nguva shomanana yokupinda misangano yechiKristu, kuitawo ushumiri hwomumunda, kana kuti kutarisira zvinodiwa nemhuri yake pakushamwaridzana nayo uye pakunamata. Zvisinei, angafunga kuti anofanira kuchengetedza basa iroro pasinei nezvinoguma zvaitika.

MuKristu ari mumamiriro akaoma kudaro mune zvemari ane chikonzero chokunetseka. Zvakaoma kuwana basa mazuva ano. Vakawanda vedu hatisi kuvavarira kupfuma, asi sechirikadzi yeZarefati, tinoda kuwana zvokurarama nazvo. Zvisinei, muapostora Pauro anotiyeuchidza kuti Mwari akati: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.” Tinogona kutaura nechivimbo kuti: “Jehovha ndiye mubetseri wangu; handingatyi. Munhu angandiitei?” (VaHebheru 13:5, 6) Pauro akaisa pangozi upenyu hwake chaihwo pamusana pechipikirwa ichocho, uye Jehovha akaramba achimutarisira. Mwari achatiitira zvakadaro kana tisingamusiyi.

Tingafunga kuti hatimbogoni kuita mabasa akaenzana neevanhu vakakura muzivo yezvokunamata vakadai saMosesi, Gidhiyoni, naDhavhidhi, asi tinogona kutevedzera kutenda kwavo. Uye tinogona kuyeuka zviito zvokutenda zvakanaka zvakaitwa naAbheri, Enoki, nechirikadzi yeZarefati. Jehovha anofarira zviito zvose zvokutenda—kunyange zviduku. Mudzidzi anotya Mwari paanoramba kutambira zvinodhaka kubva kune wezera rake, mushandi wechiKristu paanoramba kuita unzenza kubasa, kana kuti Chapupu chakura pachinopinda misangano yechiKristu nokutendeka pasinei nokuneta uye utano husina kutsarukana, Jehovha anozviona. Uye anofara!—Zvirevo 27:11.

Unoona Zvinoitwa Nevamwe Here?

Chokwadi, Jehovha anoona zvatinoita. Saka, sevatevedzeri vaMwari, tinofanira kuva vanongwarira kuona zvinoitwa nevamwe. (VaEfeso 5:1) Wadii kunyatsotarira zvinetso zvinotarisana nevamwe vaKristu kuti vapinde misangano yeungano, vaite ushumiri hwomumunda, kunyange kuti vararame upenyu hwezuva nezuva?

Ipapo, ita kuti vaunonamata navo Jehovha vazive kuti unokoshesa zvavanoita. Vachafara kuti unoona, uye kuva nehanya kwako kuchabatsira kuvavimbisa kuti Jehovha anoonawo.