Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinhu Zvinokosheswa Pakunamata—Zviri Kunangepi?

Zvinhu Zvinokosheswa Pakunamata—Zviri Kunangepi?

Zvinhu Zvinokosheswa Pakunamata—Zviri Kunangepi?

“Vakomana 15 nevasikana vavo vakapinda mumwe musangano wemanheru [wechechi yeKaturike] wokupa mazano vanenge vava kuda kuroorana. Pavanhu 30 vaivapo, vatatu chete ndivo vanoti vanotenda.”—La Croix, Pepanhau reKaturike rokuFrance rinobuda mazuva ose.

ZVINHU zvokunamata hazvichakosheswi. Magazini yeNewsweek yaJuly 12, 1999, yakabvunza pabutiro rayo repamberi kuti: “Mwari Akafa Here?” Ichitaura nezvokumadokero kweEurope, mhinduro yemagazini yacho yaiva yokuti zvinoratidzika sezvakadaro chaizvo. Richitaura zvakaitika pamusangano wedare revafundisi veChechi yeKaturike wakaitirwa muRome muna October wegore iroro, pepanhau rokuFrance rinonzi Le Monde rakati: “Chechi iri kuona zvakaoma kupfuura kare kusvitsa shoko rayo kuvanhu ‘vasingacharifariri.’ . . . KuItaly, vaKaturike havasisina kubatana. . . . KuGermany, kukakavadzirana nzvimbo dzinotsvakwa mazano okubvisa pamuviri kuri kuwedzera kusawirirana kwapapa nevanhu vanoda rusununguko rwokuzvisarudzira vasingabvumi kurayirwa zvokuita. Chiito chokushinga kwazvo chakatorwa [neNetherlands] panyaya yetsika neyokuurayiwa kwevanenge varwarisa chava kutonzi nevamwe ndicho chakaita kuti ingoerekana yarasikirwa nevaKristu.”

Ndizvo zvazvakangoitawo kune dzimwe nzvimbo. Muna 1999 Bhishopu Mukuru weCanterbury, George Carey, akanyevera kuti Chechi yeAnglican yakanga “yasarirwa nechizvarwa chimwe chete kuti iparare.” Munyaya yaiva nomusoro unoti “Kuguma kwechiKristu muEurope,” pepanhau rokuFrance Le Figaro rakati: “Maitiro akadaro anogona kuonekwa kwose kwose. . . . Vanhu vari kuramba vachiratidza kusagutsikana nokuita zvinhu maererano netsika nedzidziso.”

Kusabatanidzwa Zvakanyanya Kwechitendero

MuEurope, vanopinda chechi vari kuderera zvikuru. Isingasviki 10 muzana yevaKaturike vokuFrance ndivo vanopinda Misa misi yeSvondo yoga yoga, asi 3 kusvikira ku4 muzana chete yevagari vomuParis ndivo vanopinda chechi nguva dzose. Vanhu vane uwandu hwakafanana nouhwu kana kuti hwakatoderera vakaonekwa vachipinda chechi muUnited Kingdom, Germany, nenyika dzeScandinavia.

Chiri kunetsa vakuru vakuru vechitendero kushayikwa kwevanhu vakakwana vanoda kuva vapristi. Mune risingasviki zana rimwe remakore, nhamba yevapristi vari muFrance yadzikira zvinotyisa, kubva pavapristi 14 pavagari 10 000 voga voga kusvika paasingasviki mumwe pavagari 10 000 voga voga nhasi. MuEurope yose, avhareji yezera revapristi iri kuwedzera, uye munyika dzakadai seIreland neBelgium vari kutoshomekawo. Panguva iyoyi, nhamba yevana vanonyoresa mumakirasi ekatekisimo iri kuderera, zvichiita kuti pave nokusagutsikana kwakakura kana Chechi yeKaturike ichakwanisa kuzvimutsidzira.

Kana chiri chitendero, zvinoratidzika sokuti vanhu havachavimbi nacho. Vanhu vokuFrance vane 6 muzana chete ndivo vanodavira kuti “chokwadi chinogona kuwanikwa muchitendero chimwe chete,” zvichienzaniswa ne15 muzana muna 1981 uye 50 muzana muna 1952. Kushaya hanya nechitendero kuri kupararira. Uwandu hwevanhu vanoti havana chitendero chavanopinda nacho hwakakwira kubva pa26 muzana muna 1980 kusvika ku42 muzana muna 2000—Les valeurs des Français—Évolutions de 1980 à 2000 (French Values—Development From 1980 to 2000).

Kuchinja Kukuru Kwetsika

Kutadza kukoshesa zvinhu kunoonekwawo panyaya yetsika. Sezvambotaurwa, vakawanda vanoenda kuchechi vanoramba kugamuchira tsika dzinorayirwa nechechi yavo. Havabvumirani nepfungwa yokuti vatungamiriri vechitendero vane kodzero yokuisa mitemo yokuzvibata. Boka rakabvumirana nokutsigira kwapapa kodzero dzevanhu ndirozve rinoramba kumutevera paanotaura nezvoupenyu hwavo hwomunhu oga. Somuenzaniso, kutsigira kwake kudzivirira kubata pamuviri hakuteererwi nevakawanda, kunyange nevaKaturike vakawanda vakaroorana.

Mafungiro aya anoitwa nevanhu vanonamata nevasinganamati zvakafanana, munzanga dzose. Miitiro inonyatsoshorwa neMagwaro Matsvene inoregererwa. Makore makumi maviri akapfuura, ungochani hwaishorwa ne45 muzana yevagari vokuFrance. Nhasi, 80 muzana haioni paine chakashata nahwo. Kunyange zvazvo ruzhinji ruchitsigira kutendeseka pakati pevakaroorana, 36 muzana chete ndiyo inoshora kurara nowausina kuroorana naye sechinhu chisina kumbonaka.—VaRoma 1:26, 27; 1 VaKorinde 6:9, 10; VaHebheru 13:4.

Musanganiswa Wezvitendero

Kunzanga yokuMadokero kuri kutanga chitendero chokuzviitira zvaunoda umo munhu wose anova nekodzero yokuzvisarudzira zvaanoda kutenda. Dzimwe dzidziso dzinogamuchirwa, asi dzimwe dzinorambwa. Vamwe vanozviti vaKristu asi vachidavira kuberekwazve, uye vamwe havazezi kutevera dzidziso dzechitendero dzakasiyana-siyana panguva imwe chete. (Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4, 20; Mateu 7:21; VaEfeso 4:5, 6) Bhuku rinonzi Les valeurs des Français rakaratidza zvakajeka kuti vatendi vakawanda nhasi vari kutsauka zvisingabatsiriki kubva munzira dzakarongwa nechechi.

Zvisinei, kamuitiro aka kachaguma nokuti munhu oga oga azvinamatire nenzira yake kane ngozi. Jean Delumeau, munyori wenhau dzechitendero uye nhengo yeInstitut de France, anodavira zvakasimba kuti hazviiti kuti munhu azviitire chitendero chake oga chisina kubatana nourongwa hwagara huripo. “Kutenda hakugoni kurarama kana kusina kuvakirwa muchitendero chaicho chakasimba.” Zvinhu zvakanaka zvinokosheswa pakunamata uye muitiro wechitendero zvinofanira kuva zvinopindirana. Kupindirana kwakadaro kungawanikwepi munzanga inongogara ichichinja-chinja?

Mumapeji aro ose, Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti ndiMwari anotaura mufambiro uye tsika dzinogamuchirika, kunyange achibvumira vanhu rusununguko rwokudzitevera kana kuti kwete. Mamiriyoni pasi pose anoziva kuti bhuku iri rave richiremekedzwa kwenguva refu rinokosha chaizvo nhasi uye ‘mwenje wetsoka dzavo uye chiedza panzira yavo.’ (Pisarema 119:105) Vakasvika sei pakufunga izvozvo? Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.