Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Urombo Huchazombopera Here?

Urombo Huchazombopera Here?

Urombo Huchazombopera Here?

“TARIRA, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishayiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashayiwa munyaradzi,” akadaro Mambo Soromoni akachenjera weIsraeri yekare. (Muparidzi 4:1) Pasina mubvunzo, vakawanda vaimanikidzwa vaaifunga nezvavo vaiva varombowo.

Urombo hahugoni kuyerwa nouwandu hwemari chete. Maererano nemashoko anobva kuBhengi reNyika Dzose muna June 2002, “zvinofungidzirwa kuti muna 1998 vanhu vanosvika mabhiriyoni 1,2 munyika yose vaitenga zvinovararamisa nemari yaiva pasi peUS$1 (Zb$55) pazuva . . . uye 2,8 bhiriyoni vairarama nemari iri pasi peUS$2 (Zb$110) pazuva.” Zvakacherechedzwa kuti kunyange zvazvo nhamba dzakadaro dzaiva pasi kudarika zvakambofungidzirwa, “dzichiri dzakakwirira panyaya yokutambura kwevanhu.”

Urombo huchazombopera here? Jesu Kristu akaudza vadzidzi vake kuti: “Varombo munogara munavo.” (Johani 12:8) Asi izvi zvinoreva here kuti urombo nemigumisiro yahwo inorwadza zvicharamba zviripo? Kwete, nokuti kunyange zvazvo Jesu asina kuvimbisa vateveri vake kuti vose vaizova vapfumi muzvinhu, hatifaniri kugumisa kubva mumashoko aya kuti varombo havana tariro.

Pasinei nezvinoitwa nevanhu uye kuti vimbiso dzavo dzokugumisa urombo dzinowanzokundikana, Shoko raMwari, Bhaibheri, rinotivimbisa kuti nokukurumidza pachange pasisina vanhu vanoshayiwa. Kutaura zvazviri, Jesu akazivisa “mashoko akanaka kuvarombo.” (Ruka 4:18) Mashoko akanaka aya anosanganisira chipikirwa chokuti urombo huchabviswa. Izvi zvichaitika apo Umambo hwaMwari huchaunza kururama pasi pano.

Ichava nyika yakasiyana kwazvo! Mambo Jesu Kristu wokudenga “achanzwira nyasha murombo nomushayiwi, achaponesa mweya yavashayiwi.” Zvechokwadi, “achadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa.”—Pisarema 72:13, 14.

Ichitaura nezvenguva iyoyo, Mika 4:4 inoti: “Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna angazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.” Umambo hwaMwari huchapedza zvinetso zvose zviri kutambudza vanhu, kunyange kutogumisa urwere norufu. Mwari ‘achaparadza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha achapisika misodzi pazviso zvose.’—Isaya 25:8.

Unogona kuvimba nezvipikirwa izvi nokuti zvakafuridzirwa naMwari pachake. Wadii waongorora uchapupu hunoratidza kuti uprofita hweBhaibheri hwakavimbika?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

FAO photo/M. Marzot