Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vari “Kunzwa” Shoko roUmambo muBrazil

Vari “Kunzwa” Shoko roUmambo muBrazil

Mushumo Wevazivisi Voumambo

Vari “Kunzwa” Shoko roUmambo muBrazil

KUTI vazivise mashoko akanaka oUmambo munzanga yeMatsi, vakawanda veZvapupu zvaJehovha vokuBrazil vakabvuma basa rakaoma rokudzidza Mutauro Wemasaini wokuBrazil. Kuedza kwavo kuri kuva nezvibereko zvakaisvonaka, sezvinoratidzwa nezvakaitika zvinotevera.

Eva, * mumwe mukadzi ari matsi muSão Paulo, akatanga kudzidza mutauro wemasaini pashure pokunge iye nevana vake vatatu vava kugara nomumwe murume ari matsi. Pane imwe nzvimbo yezvitoro, Eva nechikomba chake vakasangana neboka reZvapupu zviri matsi ndokubva vakokwa kumusangano paImba yoUmambo. Vakabvuma, vachifunga kuti kwaiva kunotandara.

Nemhaka yokuti aiziva mutauro wemasaini zvishoma, Eva akanzwisisa zvishomanana pane zvakataurwa pamusangano wacho. Pashure pacho, Zvapupu zvinoverengeka zvakamukoka kunodya kumba kwazvo. Vachishandisa mifananidzo iri mubhurocha raFarikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, vakatsanangura chipikirwa chaMwari cheparadhiso yepasi yomunguva yemberi. Eva akafarira zvaakadzidza ndokutanga kupinda misangano nguva dzose.

Pasina nguva refu, Eva akasiya chikomba chake achiitira kuti ararame maererano nezvinodiwa neBhaibheri. Pasinei nokushorwa zvakasimba nemhuri yake, akaramba achifambira mberi mune zvokunamata uye akabhabhatidzwa muna 1995. Mwedzi mitanhatu gare gare, Eva akanyoresa sapiyona, kana kuti muzivisi woUmambo wenguva yakazara. Kubvira ipapo abatsira matsi ina kusvika pakuzvitsaurira ndokubhabhatidzwa.

Carlos akaberekwa ari matsi. Kubvira pauduku akatanga kushandisa zvinodhaka, kuita unzenza, uye kuba. Atyisidzirwa nenhengo dzechikwata chaikwikwidza, akatizira kuSão Paulo ndokugara naJoão kwenguva yakati. João aivawo matsi saCarlos, uye airarama upenyu hwounzenza.

Makore akati gare gare, Carlos akadzidza shoko roUmambo, rakamuita kuti achenese upenyu hwake ndokunyoresa muchato wake. Asvitsa zvinodiwa neMagwaro, Carlos akabhabhatidzwa kuratidza kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha. Munguva iyoyo, Carlos asingazivi, João akanga adzidzawo mashoko akanaka ndokuchinjawo zvinhu zvakawanda muupenyu hwake. Paakaziva kuti Jehovha haatenderi kushandiswa kwezvidhori, João akarasa “zvidhori [zvake] zvevasande.” Asiya aimbova mararamiro ake, João akabhabhatidzwawo.

Carlos naJoão vakafara kwazvo pavakasangana paImba yoUmambo ndokuona kuchinja kwavakanga vaita vose! Iye zvino vose misoro yemhuri yakavimbika uye vanoshanda sevazivisi voUmambo vanoshingaira.

MuBrazil, panguva ino mune ungano dzomutauro wemasaini 30 uye mapoka 154, vaparidzi vanodarika 2 500, vamwe 1 500 vari matsi. MuBrazil paKokorodzano Dzoruwa dze“Vadzidzisi veShoko raMwari” dza2001 dzematsi, vanopfuura 3 000 vakapinda, uye 36 vakabhabhatidzwa. Nechikomborero chaJehovha, tinotarisira kuti dzimwe matsi dzakawanda dzichagamuchira shoko roUmambo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Mazita akachinjwa.