Raiva Zana Remakore raSatani Here?
Raiva Zana Remakore raSatani Here?
“IRI rave riri zana remakore raSatani rakaipisisa. Hapana imwe nguva yakaratidza vanhu chido uye havi yokuuraya mamiriyoni evamwe vanhu pamusana pedzinza, chitendero, kana mamiriro ezvoupfumi.”
Musi wegore negore wechi50 wokusunungurwa kwevanhu vasina mhosva vaiva mumisasa yorufu yeNazi wakaita kuti mashoko ambotaurwa aiva mupepanhau reThe New York Times yaJanuary 26, 1995 anyorwe. Kuparadza kukuru uku—kumwe kwokuuraya rudzi kunozivikanwa zvikuru munhau yevanhu—kwakaurayisa vaJudha vanosvika mamiriyoni matanhatu. Anoda kusvika mamiriyoni matatu evagari vokuPoland vaisava vaJudha vakafa mune kwave kuchinzi “Kuparadza Kukuru Kwakakanganwika.”
“Kunofungidzirwa kuti hondo yakauraya vanhu mamiriyoni 86 kubva muna 1900 kusvika muna 1989,” anodaro Jonathan Glover mubhuku rake rinonzi Humanity—A Moral History of the Twentieth Century. Anotizve: “Muzana remakore rechimakumi maviri, rufu rwave ruri pamwero wakaoma kunzwisisa. Kuedza kutaura avhareji yenhamba yevanhu vakafa kunongova kufungidzira, sezvo zvinenge zvikamu zviviri kubva muzvitatu (mamiriyoni 58) zvakaurayiwa muhondo mbiri dzenyika. Asi, kudai nzufu idzi dzakanga dzichiitika zvakaenzana munguva yacho yose, hondo ingadai yakauraya vanhu vanenge 2 500 zuva nezuva, Kureva kuti vanhu vanodarika 100 paawa, pasina kumira, kwemakore makumi mapfumbamwe.”
Somugumisiro, zana remakore rechi20 rakanzi ndiro rimwe remazana emakore rakateurwa ropa zvisina akamboona. MuHope Against Hope, Nadezhda Mandelstam anonyora kuti: “Takaona kukurira kwouipi pashure pokunge mararamiro evanhu ashatiswa uye aparadzwa.” Mukuparapatika kwokuita zvakanaka pane zvakaipa, uipi hwakunda chaizvoizvo here?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]
BUTIRO: Amai nomwanasikana: J.R. Ripper/SocialPhotos
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
U.S. Department of Energy photograph