Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutenda Kwako Kwakasimba Sei?

Kutenda Kwako Kwakasimba Sei?

Kutenda Kwako Kwakasimba Sei?

“Makamira nokutenda kwenyu.”—2 VAKORINDE 1:24.

1, 2. Nei tichifanira kuva nokutenda, uye kungasimba sei?

VASHUMIRI vaJehovha vanoziva kuti vanofanira kuva nokutenda. Chokwadi ndechokuti ‘pasina kutenda hazvibviri kunyatsofadza Mwari.’ (VaHebheru 11:6) Naizvozvo, nokuchenjera tinonyengetera tichikumbira kupiwa mudzimu mutsvene uye kutenda, uko kuri rutivi rwechibereko chawo chakanaka kwazvo. (Ruka 11:13; VaGaratiya 5:22, 23) Kutevedzera kutenda kwevamwe vatinonamata navo kunogonawo kusimbisa kutenda uku matiri.—2 Timoti 1:5; VaHebheru 13:7.

2 Kutenda kwedu kunova kwakasimba kana tikaramba tichitevera nzira inoratidzwa neShoko raMwari nokuda kwevaKristu vose. Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva nokushingaira kudzidza Magwaro tichibatsirwa nemabhuku anogoverwa kuburikidza no“mutariri akatendeka” ndiko kunowedzera kutenda. (Ruka 12:42-44; Joshua 1:7, 8) Tinokurudzirana nokutenda kwedu nokuva kwedu pamisangano yechiKristu, magungano, nekokorodzano nguva dzose. (VaRoma 1:11, 12; VaHebheru 10:24, 25) Uye kutenda kwedu kunosimbiswa patinotaura nevamwe muushumiri.—Pisarema 145:10-13; VaRoma 10:11-15.

3. Vakuru vechiKristu vane rudo vanotibatsira sei pakutenda?

3 Vakuru vechiKristu vane rudo vanotibatsira kuvaka kutenda kwedu nokutipa zano nekurudziro zvomuMagwaro. Mafungiro avo akafanana neomuapostora Pauro, uyo akataurira vaKorinde kuti: “Tiri vashandi pamwe nemi kuti mufare, nokuti makamira nokutenda kwenyu.” (2 VaKorinde 1:23, 24) Imwe shanduro inoti: “Tiri kushanda nemi kuti tikufadzei, nokuti kutenda kwenyu kwakasimba.” (Contemporary English Version) Vakarurama vanorarama nokutenda. Ichokwadi kuti hapana mumwe munhu angaratidza kutenda nokuda kwedu kana kutiita vanhu vakavimbika vanochengeta kuperera. Apa ndipo ‘patinofanira kutakura mutoro wedu toga.’—VaGaratiya 3:11; 6:5.

4. Nhoroondo dzeMagwaro dzevashumiri vakatendeka vaMwari dzingabatsira sei kusimbisa kutenda kwedu?

4 Magwaro azere nenhoroondo dzevaya vaiva nokutenda. Tingave tichiziva zvakawanda zvezvinhu zvinoshamisa zvavakaita, asi zvakadini nokutenda kwavairatidza mazuva ose, zvichida muupenyu hwose hurefu? Kufungisisa iye zvino maratidziro avakaita kutenda uku mumamiriro ezvinhu akafanana needu kunogona kubatsira kusimbisa kutenda kwedu.

Kutenda Kunotipa Ushingi

5. Uchapupui hweMagwaro huripo hwokuti kutenda kunotisimbisa kuti tizivise shoko raMwari noushingi?

5 Kutenda kunotisimbisa kuti tizivise shoko raMwari noushingi. Enoki akafanotaura noushingi nezvokutonga kwaizoitwa naMwari. “Tarirai!” akadaro, “Jehovha akauya nemakumi ezviuru ake matsvene, kuti atonge vose, uye kuti ape mhosva vose vasingadi Mwari pamusoro pezviito zvavo zvose zvokusada Mwari zvavakaita nenzira yokusada Mwari, uye pamusoro pezvinhu zvose zvinoshamisa kwazvo izvo vanhu vanoita zvivi vasingadi Mwari vakataura pamusoro pake.” (Judha 14, 15) Pavakanzwa mashoko akadaro, vavengi vaEnoki vakanga vasingadi Mwari, chokwadi vaida kumuuraya. Kunyange zvakadaro, akataura asingatyi nokutenda, uye Mwari “akamutora” kuburikidza nokumuradzika murufu, zvichida asingamubvumiri kunzwa marwadzo arwo. (Genesi 5:24; VaHebheru 11:5) Isu hatiitirwi zvishamiso zvakadaro, asi Jehovha anopindura minyengetero yedu zvokuti tinogona kuzivisa shoko rake mukutenda noushingi.—Mabasa 4:24-31.

6. Kutenda noushingi izvo Noa akapiwa naMwari zvakamubatsira sei?

6 Nokutenda Noa “akavaka areka kuti aponese imba yake.” (VaHebheru 11:7; Genesi 6:13-22) Noa aivawo “muparidzi wokururama” aizivisa noushingi nyevero yaMwari kune vanhu vepanguva yake. (2 Petro 2:5) Vanofanira kuva vakaseka shoko rake raaitaura reMafashamo aiuya, kunyange sokuseka kunoita vamwe patinopa chipupuriro chomuMagwaro chokuti nyika iripo nhasi ichaparadzwa munguva pfupi iri kutevera. (2 Petro 3:3-12) Zvisinei, kufanana naEnoki naNoa, tinogona kuzivisa shoko rakadaro nokuti tine kutenda noushingi zvatakapiwa naMwari.

Kutenda Kunoita Kuti Tishivirire

7. Abrahamu nevamwe vakaratidza sei kutenda uye kushivirira?

7 Tinoda kutenda nokushivirira, kunyanya sezvatinomirira kuguma kwenyika ino yakaipa. Abrahamu tateguru vaitya Mwari, ari pakati pevaya ‘vachagara nhaka yezvipikirwa nokutenda nokushivirira.’ (VaHebheru 6:11, 12) Nokutenda akasiya guta reUri, nezvose zvakanaka zvaraiva nazvo, akava mueni munyika yokumwe yaakapikirwa naMwari. Isaka naJakobho vaiva vadyi venhaka yechipikirwa ichocho zvakare. Zvisinei, “ivava vose vakafa vachitenda, kunyange vasina kuwana kuzadzika kwezvipikirwa.” Nokutenda ‘vakavavarira nzvimbo iri nani, iyo yokudenga.’ Naizvozvo, Mwari “akavagadzirira guta.” (VaHebheru 11:8-16) Hungu, Abrahamu, Isaka, naJakobho—nemadzimai avo aida Mwari—vakamirira nokushivirira Umambo hwaMwari hwokudenga, mavachamutsirwa kuupenyu pasi pano.

8. Abrahamu, Isaka, naJakobho vakaratidza kushivirira nokutenda pasinei nechii?

8 Abrahamu, Isaka, naJakobho havana kurasa kutenda. Nyika Yakapikirwa haina kuva pasi pavo, uye havana kuona marudzi ose achizvikomborera nembeu yaAbrahamu. (Genesi 15:5-7; 22:15-18) Kunyange ‘guta rakavakwa naMwari’ raisazovapo kutozosvikira mazana emakore apfuura, varume ava vakaramba vachiratidza kutenda nokushivirira muupenyu hwavo hwose. Chokwadi ndizvo zvatinofanira kuitawo sezvo Umambo hwaMesiya hwavako kudenga.—Pisarema 42:5, 11; 43:5.

Kutenda Kunoita Kuti Tive Nevavariro Dzakakwirira Kupfuura Dzose

9. Kutenda kune simba rei pavavariro nezvinangwa?

9 Madzitateguru akatendeka haana kumbova nemararamiro akashata evaKanani, nokuti aiva nevavariro nezvinangwa zvakakwirira kwazvo. Saizvozvowo kutenda kunotipa vavariro dzomudzimu dzinoita kuti tikwanise kuramba kuitwa venyika ino iri musimba rowakaipa, Satani Dhiyabhorosi.—1 Johani 2:15-17; 5:19.

10. Tinoziva sei kuti Josefa akatsvaka vavariro yakakwirira kwazvo kudarika iya yokukurumbira munyika?

10 Nokutungamirira kwaMwari, mwanakomana waJakobho Josefa akashanda somutarisiri wezvokudya weIjipiti, asi yakanga isiri vavariro yake kuva munhu mukuru wenyika ino. Achitenda kuti zvipikirwa zvaJehovha zvichazadzika, Josefa akanga ava nemakore 110 akaudza vakoma vake kuti: “Ndofa, asi Mwari uchakumutsai zvirokwazvo, nokukubudisai panyika ino, muende kunyika yaakapikira Abrahamu, naIsaka, naJakobho.” Josefa akakumbira kuvigwa munyika yakapikirwa. Paakafa, akaomeswa ndokuiswa mubhokisi muIjipiti. Asi vaIsraeri pavakasunungurwa muusungwa hwomuIjipiti, muprofita Mosesi akaita kuti mapfupa aJosefa aendwe nawo kunovigwa kuNyika Yakapikirwa. (Genesi 50:22-26; Eksodho 13:19) Kutenda kwakaita sokwaJosefa kunofanira kutiita kuti titsvake vavariro dzakakwirira kwazvo kudarika mukurumbira womunyika.—1 VaKorinde 7:29-31.

11. Mosesi akapa uchapupu hwokuti aiva nevavariro dzomudzimu munzira ipi?

11 Mosesi ‘akasarudza kuitirwa zvakaipa pamwe nevanhu vaMwari panzvimbo pokufadzwa nechivi kwenguva duku’ senhengo yakadzidza chaizvo yemhuri youmambo yeIjipiti. (VaHebheru 11:23-26; Mabasa 7:20-22) Izvi zvakaita kuti arasikirwe nomukurumbira wenyika uye zvichida kuvigwa zvine ruremekedzo rukuru kwazvo ari mubhokisi rakashongedzwa nezvinhu zvinodhura pane imwe nzvimbo ine mukurumbira kwazvo muIjipiti. Asi izvozvo zvaizova zvoukoshi hwakadini zvichienzaniswa neropafadzo yokuva “munhu waMwari,” murevereri wesungano yoMutemo, muprofita waJehovha, uye munyori weBhaibheri? (Ezra 3:2) Kufambira mberi munyika zvine mukurumbira ndiko kwaunoda here, kana kuti kutenda kwakakupa vavariro dzomudzimu dzakakwirira kwazvo?

Kutenda Kunoguma Noupenyu Hunogutsa

12. Kutenda kwakaitei paupenyu hwaRakabhi?

12 Kutenda kunopa vanhu zvose vavariro dzakakwirira noupenyu hunogutsa. Rakabhi wokuJeriko anofanira kunge akaona upenyu hwake sepfambi husingagutsi. Asi izvozvo zvakachinja sei paakava nokutenda! ‘Akanzi akarurama nemabasa okutenda, pashure pokunge agamuchira nhume dzechiIsraeri zvakanaka akadzibudisa neimwe nzira,’ zvokuti vakanzvenga vavengi vavo vomuKanani. (Jakobho 2:24-26) Achiona kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi, Rakabhi akaratidzawo kutenda nokurega upenyu hwake hwechipfambi. (Joshua 2:9-11; VaHebheru 11:30, 31) Akaroorwa nomumwe mushumiri waJehovha, kwete muKanani asingatendi. (Dheuteronomio 7:3, 4; 1 VaKorinde 7:39) Rakabhi akava neropafadzo huru yokuva mukadzi akabereka tateguru vaMesiya. (1 Makoronike 2:3-15; Rute 4:20-22; Mateu 1:5, 6) Kufanana nevamwe, vamwe vacho vakasiya upenyu hwounzenza, achawana mumwezve mubayiro—rumuko muparadhiso yepasi pano.

13. Dhavhidhi akatadza sei naBhatishebha, asi akaratidza pfungwa dzakadini?

13 Arega upenyu hwake hwezvivi, Rakabhi anofanira kuve akaramba achirarama upenyu hwakarurama. Zvisinei, vamwe vave vakazvitsaurira kuna Mwari kwenguva refu vakatadza zvakakomba. Mambo Dhavhidhi akaita upombwe naBhatishebha, akaurayisa murume wake muhondo, ndokubva atora Bhatishebha somudzimai wake. (2 Samueri 11:1-27) Achipfidza nokuzvidemba kukuru, Dhavhidhi akakumbira Jehovha kuti: “Musabvisa [“mudzimu,” NW] wenyu mutsvene kwandiri.” Dhavhidhi haana kubvisirwa mudzimu waMwari. Aitenda kuti Jehovha, nengoni dzake, haaizoshora “mwoyo wakaputsika nowakapwanyika” nemhaka yechivi. (Pisarema 51:11, 17; 103:10-14) Pamusana pokutenda kwavo, Dhavhidhi naBhatishebha vakava nenzvimbo yakakomborerwa mumutsara wedzinza raMesiya.—1 Makoronike 3:5; Mateu 1:6, 16; Ruka 3:23, 31.

Kutenda Kwakasimbiswa Nevimbiso

14. Ivimbisoi dzakagamuchirwa naGidhiyoni, uye nhoroondo iyi ingasimbisa sei kutenda kwedu?

14 Kunyange zvazvo tichifamba nokutenda, dzimwe nguva tingada vimbiso yokuti Mwari achatibatsira. Izvozvo ndizvo zvakaitika kuMutongi Gidhiyoni, mumwe wevaya “vakakunda umambo pakurwa nokutenda.” (VaHebheru 11:32, 33) Apo vaMidhiyani nevakanga vakabatana navo vakapinda munyika yeIsraeri, mudzimu waMwari wakazadza Gidhiyoni. Achida vimbiso yokuti Jehovha aiva naye, akakumbira kuedza nedehwe remvere raakasiya akabhedhenura pachipuriro usiku hwose. Mumuedzo wokutanga, dehwe racho chete ndiro rakaita dova, asi pasi pakaramba pakaoma. Mumuedzo wechipiri, dehwe ndiro rakaramba rakaoma asi pasi paine dova. Asimbiswa nevimbiso mbiri idzi, Gidhiyoni akanga akangwarira akaratidza kutenda ndokukunda vavengi vevaIsraeri. (Vatongi 6:33-40; 7:19-25) Kana tichitsvaka vimbiso patinenge tichifanira kuita chisarudzo, hazvirevi kuti hatina kutenda. Tinotoratidza kutenda nokuverenga Bhaibheri nemabhuku echiKristu uye nokunyengetera tichikumbira nhungamiro yomudzimu mutsvene patinoita zvisarudzo.—VaRoma 8:26, 27.

15. Tingabatsirwa sei nokufungisisa pamusoro pokutenda kwaBharaki?

15 Kutenda kwoMutongi Bharaki kwakasimbiswa nevimbiso yaakawana paakakurudzirwa. Muprofitakadzi Dhebhora akamukurudzira kuti aronge kusunungura vaIsraeri muudzvinyiriri hwaMambo weKanani Jabhini. Mukutenda uye nevimbiso yokutsigirwa naMwari, Bharaki akatungamirira varume 10 000 vakanga vasina kunyatsoshongedzerwa muhondo ndokukunda mauto aJabhini akanga akawanda kupfuura ake nokure aitungamirirwa naSisera. Rukundo irworwo rwakapembererwa murwiyo runonakidza kwazvo rwaDhebhora naBharaki. (Vatongi 4:1–5:31) Dhebhora akakurudzira Bharaki kuita somutungamiriri wevaIsraeri akagadzwa naMwari, uye Bharaki aiva mumwe wevashumiri vaJehovha avo nokutenda “vakakunda mauto evanhu vokune dzimwe nyika.” (VaHebheru 11:34) Kufungisisa pamusoro penzira iyo Mwari akakomborera nayo Bharaki nokuda kwokuita zvinhu mukutenda kungatotibatsira kuita chiito kana tichiti ityei kuita basa rakaoma mukunamatwa kwaJehovha.

Kutenda Kunosimudzira Rugare

16. Abrahamu akaratidza muenzanisoi wakaisvonaka wokutsvaka rugare naRoti?

16 Sokutibatsira kunoita kutenda kuti tiite zvinhu zvakaoma mubasa raMwari, kunosimudzirawo rugare norunyararo. Abrahamu akanga akwegura akabvumira Roti, mwana womukoma wake, uyo aiva muduku kwaari kuti asarudze mafuro akanakisisa apo vafudzi vavo vakapopotedzana zvikaita kuti vafanire kuparadzana. (Genesi 13:7-12) Abrahamu anofanira kuve akanyengetera nokutenda kuti Mwari amubatsire kugadzirisa chinetso ichi. Pane kuisa zvaaida iye pakutanga, akagadzirisa zvinhu murugare. Kana tikaona kuti tiri kukakavadzana nehama yedu yechiKristu, ngatinyengeterei nokutenda ‘totsvaka rugare,’ tichifunga nezvomuenzaniso waAbrahamu wokufunga vamwe norudo.—1 Petro 3:10-12.

17. Nei tichigona kutaura kuti kusawirirana kwakavapo pakati paPauro, naBhanabhasi, naMako kwakagadziriswa zvine rugare?

17 Funga kuti kushandisa nheyo dzemitemo yechiKristu nokutenda kunogona kutibatsira sei kusimudzira rugare. Pauro paakanga ava kuda kutanga rwendo rwake rwechipiri rwoumishinari, Bhanabhasi akabvuma pfungwa yokuti vashanyirezve ungano dzaiva kuKupro nokuAsia Minor. Zvisinei, Bhanabhasi aida kuenda nomuzukuru wake Mako. Pauro haana kubvumirana nazvo nokuti Mako akanga avasiya muPamfiriya. “Pakatsamwiranwa kwazvo,” uye bopoto iri rakavaparadzanisa. Bhanabhasi akaenda naMako kuKupro, nepo Pauro akasarudza kuenda naSirasi ndoku“pfuura nokuSiriya nokuKirikiya, achisimbisa ungano.” (Mabasa 15:36-41) Nokufamba kwenguva, kusawirirana uku kwakagadziriswa, nokuti Mako aiva naPauro muRoma, uye muapostora wacho akataura zvakanaka nezvake. (VaKorose 4:10; Firimoni 23, 24) Pauro paaiva musungwa muRoma munenge muna 65 C.E., akaudza Timoti kuti: “Tora Mako uuye naye, nokuti anondibetsera pakushumira.” (2 Timoti 4:11) Pauro anofanira kunge aiva anyengetera nokutenda nezvoukama hwake naBhanabhasi naMako, uye izvi zvakaguma norunyararo rwakabatana no“rugare rwaMwari.”—VaFiripi 4:6, 7.

18. Chii chingangodaro chakaitika panyaya yaYuodhiya naSindike?

18 Chokwadi, sezvo tisina kukwana, “tose tinokanganisa kakawanda.” (Jakobho 3:2) Pane zvinetso zvakamuka pakati pevakadzi vaviri vechiKristu, avo Pauro akanyora nezvavo kuti: “Ndinorayira Yuodhiya uye ndinorayira Sindike kuti vave nokufunga kwakafanana munaShe. . . . Ramba uchibetsera vakadzi ava vakabishaira neni pamashoko akanaka.” (VaFiripi 4:1-3) Vakadzi vaida Mwari ava vanofanira kuve vakagadzirisa chinetso chavo nenzira ine rugare nokushandisa zano rakadai serakanyorwa pana Mateu 5:23, 24. Kushandiswa kwenheyo dzemitemo dzomuMagwaro nokutenda kuchaita zvakawanda kusimudzira rugare nhasi.

Kutenda Kunoita Kuti Tikwanise Kutsungirira

19. Muedzoi usina kumboparadza kutenda kwaIsaka naRibheka?

19 Nokutenda tinogonawo kutsungirira nhamo. Zvimwe tiri kunetseka nokuti imwe nhengo yemhuri yedu yakarega kuteerera Mwari nokuroora munhu asingatendi. (1 VaKorinde 7:39) Isaka naRibheka vakatambura nokuroora kwomwanakomana wavo Isau vakadzi vakanga vasingadi Mwari. Vakadzi vake vechiHeti “vakarwadza mwoyo” wavo—zviya zvokuti Ribheka akati: “Ndanetswa noupenyu hwangu nokuda kwavakunda vaHeti; kana Jakobho akawanawo mukadzi kuvakunda vaHeti, wakaita saivava, kuvakunda venyika ino, upenyu hwangu hungandibatsirei?” (Genesi 26:34, 35; 27:46) Asi, muedzo uyu hauna kumboparadza kutenda kwaIsaka naRibheka. Ngatirambe tine kutenda kwakasimba kana zvinhu zvakaoma zvikatiedza.

20. Tine mienzanisoi yokutenda yatinowana pana Naomi naRute?

20 Chirikadzi yakanga yakwegura Naomi yaiva muJudha uye yaiziva kuti vamwe vakadzi vomurudzi rwaJudha vaigona kubereka vanakomana vaizova madzitateguru aMesiya. Zvisinei, sezvo vanakomana vake vakanga vafa vasina vana uye iye akanga atopfuura zera rokubereka, mukana wokuti mhuri yake yaigona kuvawo rutivi rwomutsara wedzinza raMesiya wakanga wava muduku-duku chaizvo. Kunyange zvakadaro, muroora wake Rute akanga afirwa nomurume akava mudzimai waBhoazi akanga akwegura, akamuberekera mwanakomana, ndokuva mukadzi akabereka tateguru waJesu, Mesiya! (Genesi 49:10, 33; Rute 1:3-5; 4:13-22; Mateu 1:1, 5) Kutenda kwaNaomi naRute kwakatsungirira nhamo kukavaunzira mufaro. Tichavawo nomufaro mukuru kana tikaramba tiine kutenda patinotarisana nenhamo.

21. Kutenda kunotiitirei, uye tinofanira kutsunga kuitei?

21 Kunyange zvazvo tisingagoni kutaura kuti zuva richatiunzirei somunhu oga oga, nokutenda tinogona kukunda chinetso chipi nechipi. Kutenda kunotishingisa nokutiita vanoshivirira. Kunotipa vavariro dzakakwirira kupfuura dzose noupenyu hunogutsa. Kutenda kunobatsira ukama hwedu nevamwe uye kunotsungirira nhamo. Saka ngative “vaya vane kutenda kunochengeta mweya uri mupenyu.” (VaHebheru 10:39) Nesimba raMwari wedu ane rudo, Jehovha, uye kuti arumbidzwe, ngatirambei tichiratidza kutenda kwakasimba.

Ungapindura Sei?

• Uchapupui hwomuMagwaro huripo hwokuti kutenda kunogona kutishingisa?

• Nei tingati kutenda kunotipa upenyu hunogutsa?

• Kutenda kunosimudzira rugare sei?

• Uchapupui huripo hwokuti kutenda kunoita kuti tikwanise kutsungirira nhamo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 16]

Kutenda kwakapa Noa naEnoki ushingi hwokuzivisa mashoko aJehovha

[Mifananidzo iri papeji 17]

Kutenda kwakaita sokwaMosesi kunotiita kuti titsvake vavariro dzomudzimu

[Mifananidzo iri papeji 18]

Kuvimbiswa kubatsirwa naMwari kwakasimbisa kutenda kwaBharaki, Dhebhora, naGidhiyoni