Usapinda Munzvimbo ine Ngozi!
Usapinda Munzvimbo ine Ngozi!
IBASA renyanzvi dzezvokuputika kwemakomo kucherechedza nokuyera zviratidzo dzobva dzanyevera nezvokuputika kuchaitika. (Pakanga pangoputika Gomo reFugen, mapurisa aifanira kuita kuti vanhu vasapinda munzvimbo yaiva nengozi.) Zvakangofanana, vadzidzi veBhaibheri vanocherechedza chiratidzo cho“kuguma kwegadziriro yezvinhu” voita kuti vamwe vazive nezvengozi yava kuda kuitika.—Mateu 24:3.
Muchitsauko cheBhaibheri ichocho chinonyevera nezvengwavaira yenyika yose yava kuda kuitika, tinogona kurava rondedzero iyi yezvinhu zvichatanga kuitika: “Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo, uye kuchava nokuperevedza kwezvokudya nokudengenyeka kwepasi munzvimbo nenzvimbo. . . . Vaprofita venhema vakawanda vachamuka votsausa vakawanda; uye nemhaka yokuwedzera kwokusateerera mutemo rudo rwevakawanda zvikuru ruchatonhora. . . . Uye aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.”—Mateu 24:7-14.
Hatifaniri hedu kuva vaongorori venhau kuti tinzwisise kuzadzika kwouprofita uhwu kuri kuitika iye zvino. Taona huchizadzika, kunyanya kubva muna 1914. Zana rino remakore raona hondo mbiri dzenyika, hondo dzevagari vemo dzakawanda zvikuru, hondo dzomunharaunda, uye kurwisana kwemadzinza uye kwezvitendero. Vanhu vatambura nokuperevedza kwezvokudya pamusana pehondo dzakadaro, kuwedzera kune kushayiwa kunokonzerwa nengwavaira dzinongoitika dzoga. Upenyu hwakawanda hwakaparadzwa nokudengenyeka kwapasi. Mapoka ezvitendero ane vatungamiriri vasingavimbiki uye vateveri vanonyanyisa amuka. “Kuwedzera kwokusateerera mutemo” kwaita kuti vanhu vasaratidza rudo, uye kuda muvakidzani hakuchisina kujairwa.
Basa rokuparidza romunyika yose, chimwe chinhu chechiratidzo, riri kuitwa zvechokwadi. Ingodzoka kubutiro remagazini ino, uye uchaona kuti mashoko okuti “Inozivisa Umambo hwaJehovha” anowanikawo pamusoro wayo. Nharireyomurindi, inobudiswa mumitauro 132 uye ine na2 Timoti 3:1-5; 2 Petro 3:3, 4; Zvakazarurwa 6:1-8.
makopi anopfuura mamiriyoni 22, chishandiso chikuru chevaya vanozivisa “aya mashoko akanaka oumambo” mupasi rose rinogarwa. Mashoko akanaka iwayo anosanganisira shoko rokuti Musiki wezvose, Jehovha Mwari, akagadza Umambo mudenga huchaparadza gadziriro yose yezvinhu yakaipa ndokuunza paradhiso pasi pano. Chokwadi, chiratidzo chokuti Mwari achakurumidza kuita chiito chinogona kuoneka iye zvino, kuratidza kuti upenyu hwevanhu vari mugadziriro ino yezvinhu huri mungozi.—EnzanisaZuva raJehovha Rinotyisa
Chii chichaitika kana nguva yokutonga kwaJehovha yakwana? Teerera kurondedzera kwake pachake kwakajeka kwezvichaitika: “Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, zvinoti: Ropa nomoto neshongwe dzoutsi. Zuva richashanduka rima, mwedzi uchashanduka ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.”—Joere 2:30, 31.
Zuva iroro, rinotyisa zvikuru uye rinoparadza kupfuura kuputika chero kupi zvakwo kwegomo kana kuti kudengenyeka kwapasi kwomunharaunda yedu, rava pedyo. Muprofita Zefania anoti: “Zuva guru raJehovha rava pedyo, rava pedyo, rinokurumidza kwazvo. . . . Nyika yose ichapedzwa nomoto wegodo rake; nokuti uchapedza, zvirokwazvo uchapedza zvinotyisa, vose vagere panyika.” Kunyange zvazvo “sirivha yavo kunyange ndarama yavo [isi]ngagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha,” pane nzira yokupukunyuka nayo zuva iroro rinotyisa.—Zefania 1:14-18.
Achiratidza kuti sei, Zefania anoti: “Kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rokutsamwa kwaJehovha risati rauya pamusoro penyu. Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika, . . . tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.” (Zefania 2:2, 3) Tinogona kuvanda no‘kutsvaka Jehovha, kutsvaka kururama, uye kutsvaka unyoro.’ Ndivanaani nhasi vari kutsvaka Jehovha?
Pasina mubvunzo unobatanidza shoko rokuti “Jehovha” neZvapupu zvaJehovha nokuda kwebasa razvo rokuparidza. Ungave wakagamuchira magazini iyi kubva kune mumwe wazvo. Zvinozivikanwa sevagari vomunyika vane tsika vanorarama upenyu hwakarurama. Zviri kuedza kupfeka “unhu hutsva,” hunosanganisira kuva nounyoro. (VaKorose 3:8-10) Zvinobvuma kuti izvi zvinobva pakudzidziswa nesangano raJehovha rinooneka, rinomiririrwa munyika yose neungano dzeZvapupu zvaJehovha dzomunharaunda. Hungu, ungavanda pamwe ne“sangano rose rehama” dziri pakati peZvapupu zvaJehovha munyika yose.—1 Petro 5:9.
Vanda Iye Zvino
Kuti tivande nokutsvaka Jehovha, tinofanira kuva shamwari dzake. Izvozvo zvinobatanidzei? Bhaibheri rinopindura richiti: “Hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kuvengana naMwari? Naizvozvo, munhu wose anoda kuva shamwari yenyika anozviita muvengi waMwari.” (Jakobho 4:4) Kuti tive shamwari dzaMwari, tinofanira kurega kubatanidzwa mupfungwa kupi nokupi nenyika yanhasi yakaipa, inozivikanwa nokupandukira Mwari.
Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Musada nyika kana zvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, kuda Baba hakusi maari; nokuti zvinhu zvose zviri munyika—kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokuratidzwa kwokushamisira kwezvinhu zvoupenyu zvomunhu—hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika. Uyezve, nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Johani 2:15-17) Vanhu vakawanda nhasi vanokurudzirwa nokuchiva kwenyama—kuda kurara nevanhu kusingadzorwi, kutsvaka mari nemakaro, uye kushandisa simba zvisina kunaka. Asi kuti munhu ave kudivi raJehovha, anofanira kukurira kuchiva kwakadaro.—VaKorose 3:5-8.
Ungave wakarava magazini iyi nguva nenguva, uye ungabvuma kushandisa kwainoita uprofita hweBhaibheri. Asi, ungatya kutora danho rinotevera rokusonganirana neZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, kana tanangana nengwavaira, zvakaringana here kungonzwa nyevero chete? Sezvatinogona kuona muchiitiko chokuputika
kweGomo reFugen, tinofanira kuita chiito kunyevero yacho. Yeuka, vatori venhau uye vatori vemifananidzo vanenge 15 vaida kuwana mashoko ezvakanga zvichiitika vakafa. Zvakatoitika ndezvokuti, mumwe mutori wemifananidzo akafa munwe wake uri pabhatani rekamera yake rinodzvanywa kuti mufananidzo utoreke. Imwe nyanzvi yezvokuputika kwemakomo—yakanga yataura kuti, “Kana rimwe zuva ndichizofanira kufa, ndinoda kuti ndifire pamucheto pegomo rinoputika”—yakafa sezvayakanga ichida chaizvo. Vose vakanga vakazvipira kubasa ravo nezvavaitsvaka. Asi, vakabhadhara noupenyu hwavo—mubayiro wokusanzwa nyevero.Vakawanda nhasi vanonzwa shoko pamusoro pechisarudzo chaMwari chokuparadza gadziriro ino yakaipa yezvinhu ndokunzwisisa, kusvikira pamwero wakati, kukosha kwenyevero yacho. ‘Kungazouya,’ vangafunga kudaro, ‘asi kwete nhasi.’ Vangasundira havo zuva raJehovha kune imwe nguva iri mberi kuitira kuti vasatsauswa pane zvinoita sokuti ndizvo zvinonyanya kukosha mumaziso avo panguva ino.
Bharuki aiva nedambudziko rakadaro. Zvaaiva munyori womuprofita wekare Jeremia, Bharuki akanyevera vaIsraeri noushingi nezvokuparadzwa kweJerusarema kwakanga kwava pedyo. Asi, pane imwe nguva akambonzwa aneta pabasa rake. Ipapo, Jehovha akamururamisa achiti: “Iwe unozvitsvakira zvinhu zvikuru. . . . Usazvitsvaka.” Ingava pfuma, mukurumbira, kana kuti kudzivirirwa mune zvokunyama, Bharuki aisafanira ‘kuzvitsvakira zvinhu zvikuru.’ Aifanira kufarira chinhu chimwe, kuita kuda kwaMwari kuti abatsire vanhu kumira kudivi Rake. Somugumisiro, aizopiwa ‘upenyu hwake sechinhu chakapambwa.’ (Jeremia 45:1-5) Zvichienzaniswa, pane ‘kuzvitsvakira zvinhu zvikuru,’ tinofanira kutsvaka Jehovha, zvinogona kuita kuti upenyu hwedu huponeswe.
PaGomo reFugen, mapurisa nevanodzimura moto vakanga vakazvipira vanopfuura gumi nevaviri vaiva pabasa pavakaputikirwa nemabota aipisa zvokuti. Vakanga vachiedza kubatsira uye kudzivirira vanhu vakanga vari mungozi. Vakanga vakaita sevarume nevakadzi vane vavariro dzakanaka vakaperera mukuvandudza nyika ino. Kunyange zvazvo vangava nevavariro dzakanaka, “chakakombama hachibviri kururamiswa.” (Muparidzi 1:15) Gadziriro yezvinhu yakakombama haigoni kururamiswa. Zvine musoro here kuzviita “shamwari yenyika” nokuedza kuponesa gadziriro yenyika yose iyo Mwari ari kuda kuparadza?
Kana Watotiza, Usadzoka
Kutiza mugadziriro iri mungozi ndiko, asi kuramba uchidzivirirwa ne“sangano rose rehama” ndeimwewo nyaya. (1 Petro 2:17) Ngatirege kukanganwa varimi avo, pashure pokubviswa munzvimbo, vakadzoka kundoongorora minda yavo pedyo neGomo reFugen. Pamwe vaida zvikuru kudzoka kumararamire “enguva dzose” avakanga vajaira. Asi unoona kuti chisarudzo chavo chokudzoka chakanga chisiri chokuchenjera. Zvimwe kwakanga kusiri kutanga kwavo kuedza kupinda munzvimbo yacho yaiva nengozi. Vangava vakapinda munzvimbo yacho yaiva nengozi kwekanguva chete uye hapana chakaitika. Kechipiri, vangava vakagara kwenguva yakati rebei, uye hapanazve chakaitika. Zvimwe, nenguva isipi vakajaira kudarika muganhu unodzivirira uye vakaita chivindi chokurambira munzvimbo yaiva nengozi.
Jesu Kristu akataura nezvemamiriro ezvinhu akafanana achazovapo pa“kuguma kwegadziriro yezvinhu.” Akati: “Sezvavakanga vakaita mumazuva iwayo mafashamo asati auya, vakanga vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka; uye havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavakukura vose, ndizvo zvichaita kuvapo kwoMwanakomana womunhu.”—Mateu 24:3, 38, 39.
Cherechedza kuti Jesu akadudza kudya, kunwa, uye kuroorana. Hapana chimwe chezvinhu izvozvo pachazvo chisina kururama mumaziso aJehovha. Saka chii chakanga chisina kururama? Vanhu vomuzuva raNoa “havana kuziva,” vachirarama upenyu hwakavakirwa pamaitiro avo enguva dzose. Munguva yokukurumidzira, munhu haangagoni kurarama upenyu “hwenguva 1 VaKorinde 7:31) Ungakwanisa kubuda munzvimbo yakachengeteka yomudzimu ndokudzoka usina kana nekavanga zvako pasina anombozviona. Zvisinei, izvozvo zvingakupa chivindi ndokukuita kuti udzokezve kunyika, uchirambira mairi kwenguva yakati rebei. Nokukurumidza pfungwa yokuti: “Mugumo hausviki nhasi” ingatanga.
dzose.” Kana wangotiza, kana kuzvitsaura, munyika yanhasi iri kuda kuparadzwa, unofanira kurwisa chido chipi nechipi chokudzoka kuti ushandise chose chose chingawanika mairi. (Uyezve, funga nezvevatyairi vatatu vetekisi vakafa vachimirira vatori venhau nevatori vemifananidzo pakayerera mabota akaputika achidzika nemateru. Vamwe nhasi vangaenda nevamwe vanoita chivindi chokudzoka munyika. Chero chingava chikonzero chacho, zviri pachena kuti kukurudzirwa kudzoka kunzvimbo ine ngozi hakuna zvakunobatsira.
Vose vakaurayiwa kana kukuvadzwa nokuputika kweGomo reFugen vakadarika muganhu ndokupinda munzvimbo yaiva nengozi. Kunyange zvazvo vaitarisira kuti gomo racho raizoputika rimwe zuva, hapana aifunga kuti zvaizoitika zuva iroro. Nokucherechedza chiratidzo chokuguma kwegadziriro yezvinhu, vakawanda vanotarisira zuva raJehovha kuuya imwe nguva asi zvimwe kwete nokukurumidza. Vamwe vanotofunga kuti zuva racho harigoni kumbova “nhasi.” Mafungiro akadaro chokwadi ane ngozi.
“Zuva raJehovha richauya sembavha,” muapostora Petro akanyevera kudaro. Tinofanira kuva vakamuka, ‘tichimirira uye tichiramba tichinyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha,’ tichiita ‘nepatinogona napo kuti tiwanike naye pakupedzisira tisina ruvara uye tisina gwapa tiri murugare.’ (2 Petro 3:10-14) Kana gadziriro yakaipa yezvinhu iripo zvino yaparadzwa, pasi riri paradhiso rinodzorwa noUmambo hwaMwari rakamirira. Ngatisamboedzwa kuti tipinde munzvimbo ine ngozi nokuda kwechikonzero chipi nechipi chatingafunga, sezvo zuva ratinodarika muganhu tichidzoka munyika ringava iro zuva raJehovha.
Vanda nevanhu vaJehovha uye ramba unavo.
[Mifananidzo iri papeji 7]
Vanda nevanhu vaJehovha uye ramba unavo
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]
Iwasa/Sipa Press