Kupa Shoko Rokunyaradza muItaly
Tiri Rudzi Rwune Kutenda
Kupa Shoko Rokunyaradza muItaly
JEHOVHA ndiye “Mwari wokunyaradza kwose.” Nokudzidza kumutevedzera, vashumiri vake vano“kwanis[a] kunyaradza vari pakutambudzika kworudzi rupi norupi.” (2 VaKorinde 1:3, 4; VaEfeso 5:1) Ichi ndicho chimwe chezvinangwa zvikuru zvebasa rokuparidza rinoitwa neZvapupu zvaJehovha.
Kubatsira Mukadzi Aida Kubatsirwa
Zvikurukuru mumakore mashoma apfuura, urombo, hondo, nokuda kutsvaka upenyu huri nani zvakakonzera vakawanda kuti vatamire kunyika dzakanyanya kubudirira. Asi hazvisi nyore kuchinja kuti uwirirane nemhoteredzo itsva. Manjola aigara navamwe vake vokuAlbania muBorgomanero. Sezvo aigara muItaly zvisiri pamutemo, akazengurira kutaura naWanda, ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvakadaro, pakupedzisira Wanda akaronga kuti aonane naManjola, uyo akabva akurumidza kuratidza kufarira kukuru kudzidza Shoko raMwari, kunyange zvazvo kusiyana kwomutauro kwakaita kuti zviome. Zvisinei, angomushanyira zvishomanene, Wanda akanga asisaoni munhu upi noupi pamusha. Chii chakanga chaitika? Wanda akaziva kuti vanhu vose vaigara pamusha iwoyo vakanga vatiza nokuti mumwe wavo—mukomana waManjola—aitsvakirwa mhosva yokuponda!
Mwedzi mina gare gare, Wanda akasangana naManjola zvakare. “Ave ndonda uye aonda, akanga ava kutarisika somumwe munhu ari panguva yakaoma zvechokwadi,” anoyeuka kudaro Wanda. Manjola akatsanangura kuti aichimbova mukomana wake akanga ava mujeri uye kuti shamwari dzaakanga aenda kwadziri kuti dzimubatsire dzakanga dzamuodza mwoyo zvinorwadza. Apererwa nezano rose, akanyengetera kuna Mwari kuti abatsirwe. Ipapo akafunga Wanda, akanga ambotaura nezveBhaibheri. Manjola akafara zvakadini paakamuona zvakare!
Fundo yeBhaibheri yakatangwazve, uye pasina nguva refu Manjola akatanga kupinda misangano yechiKristu. Akabudirira kuwana mvumo yapamutemo yokuramba ari muItaly. Papera gore rimwe, Manjola akava chapupu chakabhabhatidzwa. Anyaradzwa nezvakapikirwa naMwari, akadzokera kuAlbania kunoudzawo vanhu vomunyika yake mashoko eBhaibheri anonyaradza.
Kupupura Munzvimbo Inogara Vanhu Vanotama Vachibva Kune Dzimwe Nyika
Ungano zhinji dzomuItaly dzakaita gadziriro yokuti dzipupurire vanhu vanotama vachibva kune dzimwe nyika vakaita saManjola. Somuenzaniso, imwe ungano iri muFlorence yakaita gadziriro dzokushanyira
nzvimbo inogara vanhu vanotama vachibva kune dzimwe nyika nguva dzose. Vagari vomunzvimbo yacho—vazhinji vaibva kuEastern Europe, Macedonia, neKosovo—vakanga vane zvinetso zvakasiyana-siyana. Vamwe vakanga vaine zvinetso zvokushandisa zvinodhaka nedoro. Vazhinji vaizvitsigira nokuba kuduku.Kuparidza munzanga iyi chaiva chinhu chakaoma. Zvisinei, mumwe mushumiri wenguva yakazara anonzi Paola pakupedzisira akasangana naJaklina, mumwe mukadzi wokuMacedonia. Vangova nehurukuro shoma dzavakaita, Jaklina akakurudzira shamwari yake Susanna kunzvera Bhaibheri. Susanna akabva ataurawo nedzimwe hama. Pasina nguva refu, vanhu vashanu vomumhuri yacho vakanga vave kudzidza Bhaibheri, kupinda misangano yechiKristu, uye kushandisa zvavaidzidza nguva dzose. Pasinei zvapo nezvinetso zvavaizofanira kutarisana nazvo, vakanyaradzwa naJehovha neShoko rake.
Mukadzi Akapikira Usisita Anobvuma Kunyaradzwa naJehovha
Mutaundi reFormia, mumwe mushumiri wenguva yakazara anonzi Assunta akataura kune mumwe mukadzi aitadza kunyatsofamba. Mukadzi wacho akanga akapikira usisita kune chimwe chitendero chinobatsira vanorwara nendonda muzvipatara nomudzimba.
Assunta akati kune mukadzi wacho: “Uri kurwarawo, handizvo here? Zvinosuruvarisa kuti tose tine zvinetso zvatinofanira kutsungirira.” Pakarepo mukadzi wacho akatanga kuchema uye akatsanangura kuti akanga ane zvinetso zvakakomba zvoutano. Assunta akamukurudzira, achitaura kuti Mwari weBhaibheri anogona kumunyaradza. Mukadzi wacho akabvuma magazini akavakirwa paBhaibheri aakapiwa naAssunta.
Mukukurukurirana kwavo kwechipiri, mukadzi wacho, ainzi Palmira, akabvuma kuti aitambura zvakanyanya. Akanga agara musangano raitungamirirwa navakadzi vakapikira usisita kwenguva yakareba. Paakanga achida kumbobva kwenguva duku nezvikonzero zvoutano, akarambidzwa kudzokazve. Kunyange zvakanga zvakadaro, Palmira akanzwa akasungwa nemhiko dzaakanga aita kuna Mwari dzokupikira usisita. Akaenda kuvarapi kuti ano“rapwa” asi zvakaitika zvacho zvakamutambudza mupfungwa. Palmira akabvuma kufunda Bhaibheri, uye akapinda misangano yechiKristu kwegore. Ipapo akaenda kune imwe nzvimbo yakasiyana, uye Chapupu chacho hachina kuzoonana naye. Makore maviri akapfuura Assunta asati amuwana zvakare. Palmira akashorwa zvikuru nemhuri yake navafundisi. Kunyange zvakanga zvakadaro, akapfuurira nokudzidza kwake Bhaibheri, akafambira mberi mumudzimu, uye akabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha.
Hungu, vazhinji vanokurudzirwa neshoko ra‘Mwari anogovera nyaradzo.’ (VaRoma 15:4, 5) Nokudaro, Zvapupu zvaJehovha zvokuItaly zvakatsunga kupfuurira kutevedzera Mwari nokugovera vamwe mashoko ake anoshamisa anonyaradza.