Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsvaka Umambo, Kwete Zvinhu

Tsvaka Umambo, Kwete Zvinhu

“Rambai muchitsvaka Umambo [hwaMwari], uye zvinhu izvi zvichawedzerwa kwamuri.”—RUKA 12:31.

NZIYO: 40, 98

1. Musiyano upi uri pakati pezvinhu zvinokosha pakurarama nezvinhu zvatinongodawo hedu?

ZVINHU zvinokosha zvinodiwa pakurarama kwemunhu zvishoma, asi zvaanongodawo hake hazviperi. Zvinoita sekuti vakawanda havaoni musiyano uri pakati pezvinhu zvinokosha pakurarama nezvinhu zvinongodiwawo hazvo. Zvakasiyana papi? “Zvinhu zvinokosha pakurarama” ndezviya zvekuti haugoni kurarama usina. Zvinhu zvakadai sezvekudya, zvekupfeka, uye pekugara zvinokosha muupenyu. “Zvinhu zvinongodiwawo hazvo” ndezviya zvekuti unofarira kuva nazvo asi zvisingakoshi pakurarama kwezuva nezuva.

2. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinongodiwawo hazvo nevanhu?

2 Zvinhu zvinongodiwawo hazvo nevanhu zvinosiyana-siyana chaizvo zvichienderana nekwavanogara. Mune dzimwe nyika vakawanda vanongodawo havo kuwana mari inokwana kutenga foni, mudhudhudhu, kana kuti sitendi. Munyika dzakabudirira, vanhu vangava nechishuwo chekuva nehembe dzemaoresa, imba yakakura, kana kuti motokari inodhura. Chero zvazvingava, ngozi iripo ndeyekuti tinopedzisira tava kunyanya kuda zvinhu, tichida kuramba tichiwedzera zvinhu zvatiinazvo pasinei nekuti zvinokosha here pakurarama kana kuti kwete uye kuti tinokwanisa kuzvitenga here kana kuti hatikwanisi.

NGWARIRA MUSUNGO WEKUNYANYA KUDA PFUMA

3. Kunyanya kuda pfuma kuita sei?

3 Kunyanya kuda pfuma kuita sei? Kunoreva kunyanya kubatikana nekutsvaga pfuma pane kubatikana nezvinhu zvekunamata. Kunokonzerwa nezvido zvemunhu uye zvaanokoshesa muupenyu. Kunoita kuti tide kuva nezvinhu zvakawanda. Munhu anonyanya kuda pfuma angasava nemari yakawanda uye angasatenga zvinhu zvinodhura. Kunyange varombo vanogona kunyanya kuda pfuma uye vanogona kurega kuisa Umambo pekutanga.—VaH. 13:5.

4. Satani anoshandisa sei “kuchiva kwemaziso”?

4 Satani anoshandisa vezvekutengeserana pakutinyengera kuti tifunge kuti kuva nezvinhu zvakawanda kupfuura zvinokosha zvatinoda pakurarama kunoita kuti tinakidzwe neupenyu. Inyanzvi pakushandisa “kuchiva kwemaziso” achiita kuti vanhu vatorwe mwoyo nezvinhu zvavanoona. (1 Joh. 2:15-17; Gen. 3:6; Zvir. 27:20) Tinogara tichiona uye tichinzwa kushambadzirwa kwezvinhu kunoitwa nechinangwa chekuti tide kutenga zvinhu zvitsva. Wakambotenga chimwe chinhu here, kwete nemhaka yekuti waitofanira kuva nacho, asi nekuti chakakutora mwoyo pawakaona chichishambadzirwa kana kuti chiri muchitoro? Wakazoona here pave paya kuti waigona kurarama upenyu hwako hwese usina chinhu chacho? Zvinhu zvakadaro zvisingakoshi pakurarama kwedu zvinongoomesa upenyu hwedu uye zvinotiremedza. Zvinogona kutibvisa papurogiramu yedu yekuita zvinhu zvekunamata zvakadai sekudzidza Bhaibheri, kugadzirira nekupinda misangano, uye kugara tichiita ushumiri. Ngatiyeukei zvatakanyeverwa nemuapostora Johani kuti: “Nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo.”

5. Chii chinogona kuitika kune vaya vanoshandisa simba rakawanda pakuwedzera zvinhu zvavainazvo?

5 Satani anoda kuti tishandire Pfuma pane kuti tishandire Jehovha. (Mat. 6:24) Vaya vanopedzera simba ravo pakuunganidza pfuma vanopedzisira vava neupenyu husina maturo, kana kuti vanopedzisira vasisina ukama hwakanaka naMwari uye vachirwadziwa nekushungurudzika. (1 Tim. 6:9, 10; Zvak. 3:17) Izvi zvakafanana nezvakataura naJesu mumufananidzo wemudyari. Kana shoko reUmambo ‘rikadyarwa pakati peminzwa . . . , ruchiva rwezvimwe zvinhu zvose runopinda, rwovhunga shoko racho, uye haribereki zvibereko.’—Mako 4:14, 18, 19.

6. Chidzidzo chipi chatinowana kubva kuna Bharuki?

6 Funga nezvemurume ainzi Bharuki, munyori wemuprofita Jeremiya. Jerusarema parainge rava pedyo nekuparadzwa, Bharuki akatanga ‘kuzvitsvakira zvinhu zvikuru.’ Asi chinhu chimwe chete chaaifanira kutarisira kwaiva kuwana upenyu hwake sezvaakanga avimbiswa naJehovha. (Jer. 45:1-5) Mwari akanga asiri kuzochengetedza zvinhu zvaiva nemunhu chero upi zvake muguta iroro raizoparadzwa. (Jer. 20:5) Sezvatinoswedera pedyo nemugumo wenyika, ino haisi nguva yekuzviunganidzira zvinhu zvakawanda. Hatifaniri kutarisira kuti chero chii zvacho chatingava nacho, pasinei nekuti chinokosha zvakadii, chichapukunyukawo nesu pakutambudzika kukuru.—Zvir. 11:4; Mat. 24:21, 22; Ruka 12:15.

7. Chii chatichaongorora, uye kuita izvozvo kuchatibatsira sei?

7 Jesu akatipa zano rakanaka chaizvo pamusoro pezvatingaita kuti tizviriritire asi tisingatsauswi, tisingapedzisiri tava kunyanya kuda pfuma kana kuita zvinhu zvinoita kuti tizvidye mwoyo. Akataura zano iri muMharidzo yepaGomo. (Mat. 6:19-21) Ngativerengei, toongorora chikamu chiri pana Mateu 6:25-34. Kuita izvi kuchatibatsira kuti tinyatsogutsikana kuti tinofanira ‘kuramba tichitsvaka Umambo,’ kwete zvinhu.Ruka 12:31.

JEHOVHA ANOTIPA ZVINOKOSHA PAKURARAMA

8, 9. (a) Nei tisingafaniri kunyanya kuzvidya mwoyo pamusoro pezvinhu zvekurarama nazvo? (b) Jesu aizivei nezvevanhu uye zvinokosha pakurarama kwavo?

8 Verenga Mateu 6:25. Jesu paakaudza vateereri vake kuti ‘varege kuzvidya mwoyo pamusoro pemweya yavo,’ zvakanga zvakangofanana nekuvaudza kuti “varege kunetseka.” Vaizvidya mwoyo pamusoro pezvinhu zvavaisatombofanira kuzvidya mwoyo nezvazvo. Jesu aiva nechikonzero chakanaka paakati varege kuzvidya mwoyo. Kunetseka kana kuti kuzvidya mwoyo pamusoro pezvimwe zvinhu, kunyange zvinhu zvacho zvichikosha muupenyu, kunogona kuvhiringidza munhu mupfungwa, zvoita kuti asafunga nezvezvinhu zvinokosha zvekunamata. Jesu aiva nehanya nevadzidzi vake zvekuti akavanyevera zvakare ka4 mumharidzo iyoyo nezvenyaya yekuzvidya mwoyo.—Mat. 6:27, 28, 31, 34.

9 Nei Jesu akatiudza kuti tisanetseka pamusoro pezvatichadya, zvatichanwa, kana kuti zvatichapfeka? Zvinhu izvozvo handizvo here zvimwe zvezvinhu zvinokosha pakurarama kwemunhu? Zvechokwadi, zvinhu izvozvo zvinokosha! Kana tikashaya zvinhu izvi, tinototi tizvidye mwoyo, uye Jesu aizviziva izvozvo. Ainyatsoziva kuti vanhu vanodei zuva nezuva kuti vararame. Aizivawo kuti “mumazuva okupedzisira,” vadzidzi vake vaizoomerwa neupenyu sezvo vaizorarama munguva dzakaoma. (2 Tim. 3:1) Kuoma kwezvinhu uku kunosanganisira kushayikwa kwemabasa, kukwira kwemitengo yezvinhu, kushomeka kwezvokudya, urombo, izvo zviri kuitika mumazuva ano ekupedzisira. Kunyange zvakadaro, Jesu aizivawo kuti ‘upenyu hunoreva zvinopfuura zvokudya uye muviri kupfuura zvipfeko.’

10. Jesu paakadzidzisa vateereri vake kuti vanganyengetera sei, akati vaifanira kunyanya kukoshesei muupenyu hwavo?

10 Mumharidzo yake, Jesu akanga ambodzidzisa vateereri vake kuti vakumbire zvinhu zvinokosha zvavanoda pakurarama kuna Baba vavo vekudenga, paakataura kuti vaigona kunyengetera vachiti: “Tipei nhasi zvokudya zvedu zvanhasi.” (Mat. 6:11) Kana kuti, sezvaakazotaura pane imwe nguva, vaigona kunyengetera vachiti: “Tipeiwo zvokudya zvedu zvanhasi maererano nezvinodiwa zvezuva racho.” (Ruka 11:3) Asi zvakataurwa naJesu hazvirevi kuti tinofanira kungofunga chete nezvezvinhu zvatinoda pakurarama. Mumunyengetero iwoyo wekuenzanisira, Jesu akanyanya kukoshesa kuuya kweUmambo hwaMwari. (Mat. 6:10; Ruka 11:2) Kuti abatsire vateereri vake kuti vasanetseka, Jesu akavayeuchidza kuti Jehovha anochengeta sei zvinhu zvaakasika.

11, 12. Tinodzidzei pakuchengeta kunoita Jehovha shiri dzokudenga? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

11 Verenga Mateu 6:26. Tinofanira ‘kunyatsocherechedza shiri dzokudenga.’ Kunyange zvazvo shiri dziri zvisikwa zvidikidiki, dzinodya chaizvo michero, mhodzi, tupukanana kana kuti makonye. Kudai shiri dzaiva nemiviri yakakura seyevanhu, dzaizodya chikafu chakawanda kupfuura chinodyiwa nevanhu. Asi shiri hadzirimi uye hadzidyari kuti dzizowana chikafu. Jehovha anodzipa zvese zvadzinoda. (Pis. 147:9) Kunyange zvakadaro, haaisi chikafu chacho mumiromo yadzo! Dzinotofanira kuenda kunochitsvaga, uye chikafu chacho chiripo chakawanda.

12 Jesu aiziva kuti kana Baba vake vekudenga vachipa shiri chikafu, havangatadzi kupa vanhu zvinhu zvinokosha zvavanoda pakurarama. [1] (1 Pet. 5:6, 7) Havazoisi chikafu mumiromo yedu, asi vanogona kukomborera zvatinoita pakurima zvekudya zvatinoda kana kuti zvatinoita kuti tiwane mari yekutenga zvatinoda kushandisa zuva nezuva. Patinoshaya zvatinoda, Mwari anogona kuita kuti vamwe vatipewo zvavanenge vainazvo. Kunyange zvazvo Jesu asina kutaura kuti shiri dzokudenga dzinopiwa pekugara, Jehovha akadzipa unyanzvi uye zvinhu zvinodiwa kuti dzivake matendere adzo. Saizvozvowo, Jehovha anogona kutibatsira kuti tiwane pekugara nemhuri dzedu.

13. Chii chinoratidza kuti tinokosha kupfuura shiri dzokudenga?

13 Jesu akabvunza vateereri vake kuti: “Hamukoshi kupfuura [shiri dzokudenga] here?” Hapana mubvunzo kuti Jesu anofanira kunge aifunga nezvekupa kwaaizoita upenyu hwake achiitira vanhu. (Enzanisa naRuka 12:6, 7.) Chibayiro cherudzikinuro chaKristu hachina kupiwa kuti chibatsire zvimwe zvisikwa. Jesu haana kufira shiri dzokudenga, asi akafira isu kuti tizowana upenyu husingaperi.—Mat. 20:28.

14. Munhu anozvidya mwoyo haambokwanisi kuita sei?

14 Verenga Mateu 6:27. Nei Jesu akataura kuti munhu anozvidya mwoyo haakwanisi kuwedzera kunyange kubhiti rimwe chete paupenyu hwake? Akadaro nekuti kungozvidya mwoyo pamusoro pezvatinoda zuva nezuva hakutibatsiri kuti tirarame makore akawanda. Kuzvidya mwoyo zvakanyanya kunogona kutoderedza makore atichararama.

15, 16. (a) Tinodzidzei kubva pakuchengetwa kunoitwa maruva emusango naJehovha? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Mibvunzo ipi yatingazvibvunza, uye nei?

15 Verenga Mateu 6:28-30. Ndiani asingadi kupfeka hembe dzakanaka, kunyanya patinenge tichiita zvinhu zvekunamata zvakadai seushumiri kana kupinda misangano nemagungano? Kunyange zvakadaro, tinofanira ‘kuzvidya mwoyo pamusoro penyaya yezvokupfeka’ here? Jesu akaitazve kuti tifunge nezvezvinhu zvakasikwa naJehovha. Panyaya iyi, tinogona kudzidza zvakawanda kubva “kumaruva omusango.” Maruva haagadziri shinda uye haaruki kana kusona mbatya dzekuti apfeke. Asi kana atumbuka, anofadza chaizvo kutarisa. Ndosaka Jesu akati ‘kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose haana kushonga serimwe rawo.’

16 Funga zvakabva zvazotaurwa naJesu: “Kana Mwari achipfekedza zvinomera zvomusango . . . , haangatokupfekedzei kwazvo here, imi vane kutenda kuduku?” Chokwadi achatipfekedza. Kunyange zvakadaro, vadzidzi vaJesu vakanga vasina kutenda kwakasimba. (Mat. 8:26; 14:31; 16:8; 17:20) Vaifanira kusimbisa kutenda kwavo uye kuvimba kwavaiita naJehovha. Zvakadini nesu? Tinotenda zvakadii kuti Jehovha anoda uye anokwanisa kutipa zvatinoda pakurarama?

17. Chii chinogona kukanganisa ukama hwedu naJehovha?

17 Verenga Mateu 6:31, 32. Hatifaniri kutevedzera vanhu ‘vemamwe marudzi’ vasina kutenda kwechokwadi muna Baba vedu vekudenga avo vane hanya nevose vanoisa Umambo pekutanga muupenyu hwavo. Kuedza kuunganidza “zvinhu [zvose] zvinotsvakwa nemamwe marudzi nomwoyo wose” kunokanganisa ukama hwedu naJehovha. Pane kudaro, tinogona kuva nechivimbo chekuti kana tikaisa zvinhu zvine chekuita nekunamata pekutanga muupenyu hwedu, Jehovha haazoregi kutiitira zvakanaka. ‘Kuzvipira kwedu kuna Mwari’ kunofanira kuita kuti tigutsikane ‘nezvokudya nezvokupfeka.’—1 Tim. 6:6-8.

UMAMBO HWAMWARI HURI PEKUTANGA MUUPENYU HWAKO HERE?

18. Jehovha anoziva chii nezvemumwe nemumwe wedu, uye chii chaachatiitira?

18 Verenga Mateu 6:33. Vadzidzi vaKristu vanofanira kuramba vachiita kuti Umambo huve pekutanga muupenyu hwavo. Kana tikadaro, “izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa” kwatiri sezvakataurwa naJesu. Nei akataura kudaro? Akatsanangura muvhesi 32 kuti: “Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi,” kureva zvinhu zvinodiwa pakurarama. Jehovha anokwanisa kuziva zvinodiwa nemumwe nemumwe wedu pakurarama zvakadai sezvekudya, zvekupfeka uye pekugara, kunyange tisati tazviziva. (VaF. 4:19) Anoziva patinofanira kuva nedzimwe mbatya dzekupfeka. Anoziva chikafu chatinokwana uye kuti tinoda pekugara pakakura sei zvichienderana nekukura kwemhuri yedu. Jehovha achava nechokwadi chekuti tawana zvinonyatsokosha pakurarama.

19. Nei tisingafaniri kunetseka pamusoro pezvingangoitika mune ramangwana?

19 Verenga Mateu 6:34. Ona kuti Jesu akataura kechipiri kuti: “Musambozvidya mwoyo.” Haadi kuti tinetseke nezveupenyu hwamangwana. Kana munhu achinyanya kuzvidya mwoyo pamusoro pezvingangoitika mune ramangwana, anogona kuedza kuzvivimba pane kuvimba naMwari, uye izvozvo zvinogona kukanganisa ukama hwake naJehovha.—Zvir. 3:5, 6; VaF. 4:6, 7.

TANGA KUTSVAKA UMAMBO, UYE JEHOVHA ACHAWEDZERA ZVIMWE ZVOSE

Unogona here kuita kuti usava nezvakawanda muupenyu hwako kuitira kuti uwedzere kuita mabasa eUmambo?(Ona ndima 20)

20. (a) Ungava nechinangwa chipi pakushumira Jehovha? (b) Ungaita sei kuti uite kuti usava nezvakawanda muupenyu hwako?

20 Hazvibatsiri kuti tirege kuita zvinhu zvine chekuita neUmambo tichiitira kuti tirambe tiine upenyu hwepamusoro. Pane kudaro, tinofanira kuva nezvinangwa zvine chekuita nekunamata. Semuenzaniso, unogona here kutamira kuungano inodiwa vaparidzi veUmambo vakawanda? Unokwanisa here kupayona? Kana uchipayona, wakambofunga here kunyorera kuti upinde Chikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo? Unogona here kuva mushandi anobatsira paBheteri kana paHofisi Yeshanduro kwezuva rimwe chete kana maviri pavhiki? Unogona here kushanda saLocal Design/Construction volunteer, uchishanda kwemazuva mashoma pakuvaka Dzimba dzeUmambo? Funga nezvekuti ungaita sei kuti usava nezvakawanda muupenyu hwako, kuitira kuti ukwanise kuwedzera zvaunoita pamabasa eUmambo. Nyengetera uye fungisisa zvinotaurwa nebhokisi rakanzi “ Zvaungaita Kuti Usava Nezvakawanda Muupenyu Hwako,” wotanga kutora matanho anodiwa kuti uzadzise chinangwa chako.

21. Chii chichakubatsira kuswedera pedyo naJehovha?

21 Jesu akatidzidzisa kuti titange kutsvaka Umambo, kwete zvinhu. Kana tikaita izvozvo, hatizombozvidyi mwoyo pamusoro pezvatinoda pakurarama. Tinoswedera pedyo naJehovha kuburikidza nekuvimba naye uye nekusaedza kuwana zvose zvatinoshuwa kana kutenga zvinhu zvose zvinopiwa nenyika, kunyange tichikwanisa kuzvitenga. Kuita kuti tisava nezvakawanda muupenyu hwedu iye zvino kuchatibatsira kuti ‘tibatisise upenyu chaihwo’ huri kuuya.—1 Tim. 6:19.

^ [1] (ndima 12) Kuti unzwisise kuti nei dzimwe nguva Jehovha angabvumira kuti muKristu ashaye zvekudya zvakakwana, ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaSeptember 15, 2014, peji 22.