Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinorevei Kuva Munhu Ane Mafungiro aMwari?

Zvinorevei Kuva Munhu Ane Mafungiro aMwari?

“[Mwari] ngaabvumire kuti pakati penyu muve nemafungiro akafanana neaiva naKristu Jesu.”​—VAR. 15:5.

NZIYO: 17, 13

1, 2. (a) Vanhu vakawanda vanoona sei nyaya yekuva nemafungiro aMwari? (b) Mibvunzo ipi inokosha yatichakurukura munyaya ino?

“KUVA munhu ane mafungiro aMwari kwakaita kuti ndiwedzere kufara, uye kuri kundibatsira kugadzirisa matambudziko muupenyu hwangu,” inodaro imwe hanzvadzi yekuCanada. Imwe hama yekuBrazil inoti, “Kwemakore 23 atange tiri muwanano tiri kufara chaizvo nemhaka yekuti tinoedza kuva nemafungiro aMwari.” Uye imwe hama yekuPhilippines inoti, “Kuva nemafungiro aMwari kuri kuita kuti ndive nepfungwa dzakagadzikana, uye kuri kundibatsira kuti ndiwedzere kubata zvakanaka hama dzinobva kwakasiyana-siyana.”

2 Mashoko akaita seaya anoratidza kubatsira kwazvinoita kana pfungwa dzedu dziri pazvinhu zvekunamata. Izvi zvinoita kuti tide kuzvibvunza kuti, ‘Ndingava sei nemafungiro aMwari, ndonyatsobatsirwa nekuva nemafungiro iwayo?’ Asi tisati tapindura mubvunzo iwoyo, tinofanira kunyatsonzwisisa zvinotaurwa neBhaibheri nezvemunhu ane mafungiro aMwari. Munyaya ino, tichapindura mibvunzo mitatu inokosha. (1) Zvinorevei kuva nemafungiro aMwari? (2) Mienzaniso ipi ichatibatsira kuti tiwedzere kuva nemafungiro aMwari? (3) Zvatinoedza kuita kuti tive ‘nepfungwa dzaKristu’ zvichatibatsira sei kuti tive nemafungiro aMwari?

MUNHU ANE MAFUNGIRO AMWARI AKAITA SEI?

3. Bhaibheri rinosiyanisa sei munhu wenyama nemunhu ane mafungiro aMwari?

3 Muapostora Pauro anotibatsira kunzwisisa munhu ane mafungiro aMwari kuburikidza nekuratidza musiyano uri pakati pemunhu ane mafungiro aMwari kana kuti ‘munhu wemweya’ ‘nemunhu wenyama.’ (Verenga 1 VaKorinde 2:14-16.) Vakasiyana papi? “Munhu wenyama” anorondedzerwa semunhu asingagamuchiri “zvinhu [zvemweya] waMwari, nokuti upenzi kwaari; uye haagoni kusvika pakuzviziva.” Asi munhu ane mafungiro aMwari ndeuya “anoongorora zvinhu zvose” uye ane “pfungwa dzaKristu.” Pauro anotikurudzira kuti tive vanhu vane mafungiro aMwari. Ndezvipi zvimwe zvinosiyanisa vanhu venyama nevanhu vane mafungiro aMwari?

4, 5. Zvinhu zvipi zvinoitwa nemunhu wenyama?

4 Munhu wenyama anofunga sei? Ane mafungiro enyika ayo anongova pakufadza nyama. Muapostora Pauro anorondedzera mafungiro akadaro achiati “mafungiro anoshanda zvino muvanakomana vasingateereri.” (VaEf. 2:2) Mafungiro iwayo anoita kuti vanhu vakawanda vade kutevedzera vanhu vakavapoteredza. Vanongoisa pfungwa pazvinhu zvenyama. Izvozvo zvinobva zvaita kuti vakawanda vavo vaite zvavanofunga kuti ndizvo zvakanaka uye havana kana basa nezvinodiwa naMwari. Munhu wenyama kana kuti ane mafungiro enyama anofunga kuti chinzvimbo chake, mari, kana kuti kudzivirira kodzero dzake ndizvo zvinonyanya kukosha.

5 Zvii zvimwe zvinoitwa nemunhu wenyama? Anoita “mabasa enyama.” (VaG. 5:19-21) Tsamba yaPauro yekutanga kuungano yeKorinde inotaura zvinhu zvinoitwa nevaya vane mafungiro enyama. Zvinhu zvacho zvinosanganisira: kupesanisa vanhu, kutsigira divi rimwe chete vanhu pavanonetsana, kuita kuti pave nekukakavadzana, kuendesana kumatare, kusakoshesa urongwa hwekuti pave nemusoro, uye kudyisa nekunwisa. Paanosangana nemuedzo, munhu wenyama anopera simba, okundwa nemuedzo wacho. (Zvir. 7:21, 22) Judha akataura nezvevaya vanonyanya kuva vanhu venyama zvekutosvika pakuva vanhu “vasina [mweya] waMwari.”​—Jud. 18, 19.

6. Munhu ane mafungiro aMwari anoita zvinhu zvipi?

6 Saka zvinorevei kuva munhu ane mafungiro aMwari? Munhu ane mafungiro aMwari anofunga nezveushamwari hwake naMwari, kusiyana nemunhu wenyama. Vanhu vane mafungiro aMwari vanoedza chaizvo kuva “vatevedzeri vaMwari.” (VaEf. 5:1) Izvi zvinoreva kuti vanoshanda nesimba kuti vazive mafungiro aJehovha uye kuti vaone zvinhu semaonero aanoita. Mwari munhu chaiye kwavari. Kusiyana nezvinoitwa nevanhu vane mafungiro enyama, ivo vanoedza kuita kuti nzira dzavo dzese dzienderane nemitemo yaJehovha. (Pis. 119:33; 143:10) Panzvimbo pekuisa pfungwa pamabasa enyama, munhu ane mafungiro aMwari anoedza chaizvo kuratidza “chibereko [chemweya].” (VaG. 5:22, 23) Kuti tiwedzere kujekesa zvinorehwa nemashoko ekuti ‘kuva nemafungiro aMwari,’ funga nezvemuenzaniso uyu: Munhu anogona zvekutengeserana anonzi ane pfungwa dzebhizinesi. Saizvozvowo, munhu anokoshesa chaizvo zvinhu zvine chekuita nekunamata ane mafungiro aMwari.

7. Bhaibheri rinotii nezvevanhu vane mafungiro aMwari?

7 Jesu akati vanhu vane mafungiro aMwari vanofara. Mateu 5:3 inoti: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo [zvemweya], nokuti umambo hwokumatenga ndohwavo.” VaRoma 8:6 inoratidza zvakanakira kuva nemafungiro aMwari, ichiti: “Nokuti kufunga kwenyama kunoreva rufu, asi kufunga [kwemweya] kunoreva upenyu norugare.” Patinoisa pfungwa pazvinhu zvekunamata, tinova nerugare naMwari uye rugare mupfungwa iye zvino uye tariro yekurarama upenyu husingaperi mune ramangwana.

8. Nei zvichida kushanda nesimba kuti tive nemafungiro aMwari uye kuti tirambe tiinawo?

8 Zvisinei, tiri kurarama munyika ine ngozi. Sezvo takapoteredzwa nevanhu vane mafungiro enyama, tinofanira kushanda nesimba kuti tive nemafungiro aMwari, toachengetedza. Kana tikasava nemafungiro aJehovha, nyika inozadza pfungwa dzedu nemafungiro enyama. Chii chingatibatsira kuti izvozvo zvisaitika? Tingawedzera sei kuva nemafungiro aMwari?

TEVEDZERA MIENZANISO YAKANAKA

9. (a) Chii chingatibatsira kuti tiwedzere kuva nemafungiro aMwari? (b) Mienzaniso ipi yevanhu vaiva nemafungiro aMwari yatichakurukura?

9 Mwana anogona kuva nemafungiro echikuru nekucherechedza uye kutevedzera mubereki wake. Isuwo tinogona kukura pakunamata nekucherechedza uye kutevedzera vanhu vakasimba pakunamata. Asi tikacherechedza vanhu vane mafungiro enyama tinobva taona zvinhu zvatisingafaniri kuita. (1 VaK. 3:1-4) Bhaibheri rine mienzaniso yakanaka neyakaipa. Asi sezvo chinangwa chedu chiri chekuti tiwedzere kuva nemafungiro aMwari, ngatitarisei mienzaniso yakanaka yevanhu vatinogona kutevedzera. Tichaongorora muenzaniso waJakobho, Mariya, naJesu.

Tingadzidzei kubva pamuenzaniso waJakobho? (Ona ndima 10)

10. Jakobho akaratidza sei kuti aiva nemafungiro aMwari?

10 Ngatitangei kutaura nezvaJakobho. Ainge akaomerwa neupenyu sezvakangoita vakawanda vedu mazuva ano. Aida kuurayiwa nemukoma wake Isau, uyo aiva nemafungiro enyama. Kuwedzera ipapo, tezvara vake vairamba vachiedza kumubiridzira. Pasinei nekuti ainge akapoteredzwa nevanhu ‘venyama,’ Jakobho aiva nemafungiro aMwari. Aiva nekutenda muvimbiso yakapiwa Abrahamu uye akazvipira kuti achengete mhuri yaizoita basa rinokosha pakuzadziswa kwechinangwa chaMwari. (Gen. 28:10-15) Zvakataurwa naJakobho uye zvaakaita zvinoratidza kuti mitemo uye kuda kwaMwari ndizvo zvaiva mupfungwa dzake. Semuenzaniso, paaitya Isau, Jakobho akaudza Mwari kuti: “Ndinunurei, ndinokutetererai . . . Imi makati, ‘Chokwadi ndichakuitira zvakanaka, ndichaita kuti vana vako vave sejecha regungwa.’” (Gen. 32:6-12) Zviri pachena kuti aiva nekutenda mune zvakavimbiswa naJehovha kwaari uye kumadzitateguru ake uye aida kuita zvinoenderana nekuda kwaMwari uye chinangwa chake.

Tingadzidzei kubva pamuenzaniso waMariya? (Ona ndima 11)

11. Chii chinoratidza kuti Mariya aiva munhu ane mafungiro aMwari?

11 Iye zvino ngationei muenzaniso waMariya. Nei Jehovha akasarudza Mariya kuti ave amai vaJesu? Hapana mubvunzo kuti aiva munhu ane mafungiro aMwari. Tinozviziva sei izvozvo? Akaratidza pachena mafungiro aMwari mumashoko ekurumbidza aakataura paakashanyira hama dzake Zekariya naErizabheti. (Verenga Ruka 1:46-55.) Mashoko aMariya anoratidza kuti aida Shoko raMwari zvakadzama uye ainyatsoziva Magwaro echiHebheru. (Gen. 30:13; 1 Sam. 2:1-10; Mar. 3:12) Onawo kuti kunyange zvazvo Mariya naJosefa vainge vachangobva kuwanana, havana kusangana pabonde kusvikira Jesu azvarwa. Izvozvo zvinoratidzei? Zvinoratidza kuti vese vari vaviri vainyanya kufunga zvinodiwa naJehovha kupfuura kugutsa zvido zvavo. (Mat. 1:25) Nekufamba kwenguva, Mariya akanyatsocherechedza zvaiitika muupenyu hwaJesu uye akanyatsoteerera mashoko euchenjeri aaitaura. Uyewo, ‘akachengeta mashoko aya ose mumwoyo make.’ (Ruka 2:51) Zviri pachena kuti aifarira zvainge zvavimbiswa naMwari nezvaMesiya. Muenzaniso waMariya unotibatsira kufunga zvatingaita kuti tiise kuda kwaMwari pekutanga muupenyu hwedu.

12. (a) Jesu aiita saBaba vake pakudini? (b) Tingatevedzera sei muenzaniso waJesu? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

12 Asi pavanhu vese, ndiani muenzaniso mukuru pakuva nemafungiro aMwari? NdiJesu. Paakararama pano panyika achiita ushumiri hwake, akaratidza kuti aida kutevedzera Baba vake, Jehovha. Mafungiro, manzwiro uye maitiro ake ainge akafanana neaJehovha uye airarama maererano nezvinodiwa naMwari. (Joh. 8:29; 14:9; 15:10) Semuenzaniso, ona kuti tsitsi dzaJehovha dzinorondedzerwa sei nemuprofita Isaya, woenzanisa nekurondedzerwa kunoitwa manzwiro aJesu nemunyori weEvhangeri Mako. (Verenga Isaya 63:9; Mako 6:34.) Tinoita saJesu here, tichigara takagadzirira kuratidza tsitsi patinosangana nevanhu vanoda kubatsirwa? Jesu akashanda nesimba pabasa rekuparidza nekudzidzisa mashoko akanaka. (Ruka 4:43) Zvese izvi zvaakaita zvinoratidza maitiro emunhu ane mafungiro aMwari.

13, 14. (a) Tingadzidzei pamienzaniso yemazuva ano yevanhu vane mafungiro aMwari? (b) Taura muenzaniso.

13 Kuwedzera pamienzaniso iri muMagwaro, kune mimwe yemazuva ano yevanhu vane mafungiro aMwari vakafambira mberi chaizvo pakuratidza unhu hwakafanana nehwaKristu. Zvimwe wakaona kushingaira kwavo muushumiri, kugamuchira kwavanoita vaeni, tsitsi dzavo, kana kuti humwe unhu hwavo hwakanaka. Kungofanana nesu, vanorwisanawo nechivi, panguva imwe chete vachiedza kuva neunhu ihwohwo hunodiwa naMwari. Rachel, hanzvadzi yekuBrazil, anoti: “Ndaida chaizvo kutevera mafashoni enyika. Saka ndaisapfeka zvine mwero. Asi kudzidza chokwadi kwakaita kuti ndishande nesimba kuti ndive nemafungiro aMwari. Kuchinja kwaisava nyore, asi ndakawedzera kufara uye upenyu hwangu hwakava nechinangwa.”

14 Reylene, wekuPhilippines, aiva nerakewo dambudziko. Aiisa pfungwa pakuva nedzidzo yepamusoro uye basa rakanaka kuitira kuti abudirire muupenyu. Anoti: “Ndakanga ndisingachakoshesi zvinangwa zvangu zvekunamata. Asi ndakatanga kuona kuti pane chaishaikwa muupenyu hwangu, chinhu chinonyanya kukosha kupfuura basa rangu. Saka ndakatanga kuisazve pfungwa dzangu pakushumira Jehovha.” Kubva ipapo, Reylene ari kuratidza muenzaniso wakanaka wekutenda vimbiso iri pana Mateu 6:33, 34 yekuti Jehovha achamuchengeta. Anoti: “Ndinonyatsoziva kuti Jehovha achandichengeta!” Zvimwe unoziva vamwe vanhu vari muungano menyu vanoratidza muenzaniso wakadaro. Patinoona vanhu ivavo vachitevedzera Kristu, tinonzwa tichida kuvatevedzerawo.​—1 VaK. 11:1; 2 VaT. 3:7.

IVA ‘NEPFUNGWA DZAKRISTU’

15, 16. (a) Kuti tive saKristu, tinofanira kuitei? (b) Tingaita sei kuti tizive “pfungwa dzaKristu”?

15 Tingatevedzera sei Kristu? Pana 1 VaKorinde 2:16, Bhaibheri rinotaura nezvekuva ‘nepfungwa dzaKristu.’ Uye VaRoma 15:5 inotaura nezvekuva “nemafungiro akafanana neaiva naKristu Jesu.” Saka kuti tive saKristu, tinofanira kuziva mafungiro ake uye unhu hwake hwese. Tinofanira kubva tatevera tsoka dzake. Pfungwa dzaJesu dziri paushamwari hwake naMwari. Saka tikava saJesu tinoswedera pedyo naJehovha. Ndosaka zvichikosha chaizvo kuti tidzidze kuva nemafungiro aJesu.

16 Tingazviita sei? Vadzidzi vaJesu vakaona zvishamiso zvake, vakanzwa mharidzo dzake, vakaona mabatiro aaiita vanhu vemarudzi ese, uye vakacherechedza mashandisiro aaiita pfungwa dzinokosha dziri muMutemo. Vakati: “Tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita.” (Mab. 10:39) Asi mazuva ano isu hatigoni kuona Jesu. Kunyange zvakadaro, Jehovha akaratidza rudo nekutipa nhoroondo dzeEvhangeri dzinotibatsira kunyatsoziva Jesu zviri nani. Tinodzidza zvakawanda nezvemafungiro anoita Jesu patinoverenga uye kufungisisa zviri muBhaibheri muna Mateu, Mako, Ruka uye Johani. Saka tinogona ‘kunyatsotevera tsoka dzake,’ uye ‘tova nemafungiro akafanana’ neaiva naKristu.​—1 Pet. 2:21; 4:1.

17. Kuva nemafungiro aKristu kuchatibatsira sei?

17 Kudzidza kufunga saKristu kuchatibatsira sei? Sezvinongoitawo kudya zvekudya zvine utano izvo zvinosimbisa muviri, kuzadza pfungwa dzedu nemafungiro aKristu kunotisimbisa pakunamata. Zvishoma nezvishoma tinosvika pakuziva zvaizoitwa naKristu mumamiriro ezvinhu chero api zvawo. Izvi zvichatibatsira kuita zvisarudzo zvinotisiya tiine hana yakachena uye tichifarirwa naMwari. Haubvumirani nazvo here kuti izvi zvinoita kuti ‘tipfeke Ishe Jesu Kristu’?​—VaR. 13:14.

18. Wadzidzei pakukurukura kwataita nyaya yekuva nemafungiro aMwari?

18 Taona kuti zvinorevei kuva nemafungiro aMwari. Taonawo kuti tinogona kudzidza kubva pamienzaniso yakanaka yevamwe vakatungamirirwa nemafungiro aMwari. Chekupedzisira, tadzidza kuti kuva ‘nepfungwa dzaKristu’ kunotibatsira sei kuti tiwedzere kuva nemafungiro aMwari. Zvisinei, pane zvimwe zvatinofanira kufunga nezvazvo panyaya yekuva nemafungiro aMwari. Semuenzaniso, tingaongorora sei kuti ushamwari hwedu naJehovha hwakasimba zvakadini? Zvii zvimwe zvatingaita kuti tihusimbise? Uye kuva nemafungiro aMwari kuchatibatsira sei muupenyu hwezuva nezuva? Nyaya inotevera ichatibatsira kupindura mibvunzo iyoyo.