Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Mucherechedzo unotaurwa pana 2 VaTesaronika 3:14 unoiswa nevakuru here kana kuti nevaparidzi muungano?
Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vekuTesaronika kuti: “Kana paine asingateereri mashoko edu ari mutsamba ino, rambai makamuisa mucherechedzo.” (2 VaT. 3:14) Kare, taimboti mashoko aya akanyorerwa vakuru. Kana munhu akaramba asingateereri mazano eBhaibheri pasinei nekubatsirwa nevakuru kakawanda, vakuru vaipa hurukuro yekunyevera ungano. Kana hurukuro yacho yapiwa, vaparidzi vaisazotandara nemunhu wacho anenge aiswa mucherechedzo.
Asi manzwisisiro atinoita rugwaro urwu anofanira kugadziriswa. Tava kunzwisisa kuti Pauro aitaura nezvechisarudzo chekuti muKristu anozviitira ega mune mamwe mamiriro ezvinhu. Saka hapana chikonzero chekuti vakuru vape hurukuro yekunyevera. Nei tagadzirisa manzwisisiro edu? Ngatimboongororai zvimwe zvakataurwa naPauro mutsamba iyi yaakanyorera ungano yevaTesaronika.
Pauro akataura kuti vamwe vaiva muungano yacho ‘vaifamba zvisina kukodzera.’ Vakanga vasiri kuteerera mazano avainge vaudzwa naPauro aiva muShoko raMwari. Paakanga ambovashanyira akanga avaudza kuti: “Kana munhu asingadi kushanda, ngaaregewo kudya.” Asi vamwe vakanga vachiri kuramba kushanda kunyange zvazvo vaikwanisa. Uyewo, vamwe vaipindira munyaya dzevamwe. VaKristu vaifanira kubata sei vanhu vakadaro vaifamba zvisina kukodzera?—2 VaT. 3:6, 10-12.
Pauro akati: “Rambai makamuisa mucherechedzo.” Shoko racho rechiGiriki rinoreva kungwarira mumwe munhu kuti usakanganiswa naye. Pauro akapa murayiro uyu kuvaparidzi vese vemuungano, kwete kuvakuru chete. (2 VaT. 1:1; 3:6) Saka vaparidzi vanenge vaona kuti mumwe muKristu haasi kuteerera zvinotaurwa neShoko raMwari vanogona kusarudza ‘kusawadzana’ nemunhu iyeye anenge achifamba zvisina kukodzera.
Izvi zvinoreva here kuti vaparidzi vanenge vava kubata munhu wacho sezvavanoita munhu akabviswa muungano? Aiwa, nekuti Pauro akazowedzera kuti: “Rambai muchimurayira sehama.” Saka vaparidzi vanenge vachiri kuwadzana naye pamisangano nemuushumiri, asi vanosarudza kusatandara naye. Nei vachidaro? Pauro akati: “Kuti anyare.” Kuisa mucherechedzo uku kunobatsira kuti muKristu uya ari kufamba zvisina kukodzera anyare nemaitiro ake, ochinja nzira dzake.—2 VaT. 3:14, 15.
VaKristu vangashandisa sei zano iri? Tinofanira kutanga tava nechokwadi chekuti maitiro emunhu wacho haana “kukodzera,” sezvakataurwa naPauro. Pauro akanga asiri kutaura nezvevanhu vanosarudza zvinhu zvakasiyana nesu panyaya dzehana. Uye akanga asiri kutaura nezvevanhu vanofarira zvinhu zvakasiyana nezvatinofarira. Akanga asiri kurevawo vaya vanenge vatirwadzisa. Asi aifunga nezvevaya vakanga vari kuramba kuteerera mazano anobva muBhaibheri avaipiwa.
Mazuva ano kana tikaona kuti hama kana hanzvadzi iri kuramba kuteerera mazano eBhaibheri airi kupiwa, a tichasarudza kusatandara nayo. Sezvo ichi chiri chisarudzo chekuti munhu anozviitira ega, hatikurukuri nezvazvo nevamwe vasiri vemumhuri medu. Asi tinoramba tichiwadzana nemunhu wacho pamisangano uye muushumiri. Kana akagadzirisa maitiro ake, tinotangazve kutandara uye kuwadzana naye sezvataimboita.
a Semuenzaniso, muKristu anogona kuramba kushanda kuti azviriritire kunyange zvazvo achikwanisa, anogona kuramba achidanana nemunhu asingatendi, kana kuti anogona kuparadzira mashoko anopesanisa ungano kana kuita makuhwa. (1 VaK. 7:39; 2 VaK. 6:14; 2 VaT. 3:11, 12; 1 Tim. 5:13) Vaya vanoramba vachiita izvi vasingachinji vanenge ‘vachifamba zvisina kukodzera.’