Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Anovimbisa Kuti Acharamba Achikuchengeta

Mwari Anovimbisa Kuti Acharamba Achikuchengeta
  • Unodawo here kurarama munyika isina hondo, kurwisana, uye kuvengana?

  • Wakambozvifunga here kuti vanhu vanogona kurarama pasina kurwara, kutambura, uye rufu?

  • Unoda here kurarama usingazvidyi mwoyo?

  • Ungada here kurarama munzvimbo isingaitiki zvinhu zvakadai semafashamo?

Mwari wedu ane rudo, Musiki wenyika, anovimbisa vanhu upenyu hwakanaka husina matambudziko. Uku hakusi kungorotawo zvako.

Mumagazini ino, tichaongorora zvinhu zvinotevera:

  • Tinoziva sei kuti Musiki wedu anotida?

  • Mwari anoda kuti tizivei?

  • Zvii zvakataurwa nevaprofita vaMwari nezveramangwana?

  • Tingaita sei kuti tifare iye zvino uye kuti tizowana makomborero atinovimbiswa naMwari?

Ngatitangei nekuongorora zvinhu zvinoratidza kuti Mwari anoda vanhu.