Bhaibheri Rinotii?
Mwari ane zita here?
VAMWE VANOTI haana zita,vamwe vanoti zita rake nderokuti Mwari kana kuti Ishe, uye vamwewo vanoti ane mazita akawanda. Unotiwo chii?
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI
“Imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.”—Pisarema 83:18.
NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINODZIDZA MUBHAIBHERI?
Kunyange zvazvo Mwari aine mazita akawanda ekuremekedza, ane zita rimwe chete raakazvipa.—Eksodho 3:15.
Hatigoni kuti Mwari haanzwisisiki nekuti iye anotoda kuti timuzive.—Mabasa 17:27.
Kuziva zita raMwari ndiro danho rekutanga rekuti tive shamwari dzake.—Jakobho 4:8.
Zvakaipa here kutaura zita raMwari?
UNGATI KUDII?
Ehe
Aiwa
Zvinosiyana munhu nemunhu
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI
“Usashandisa zita raJehovha Mwari wako pasina.” (Eksodho 20:7) Chakaipa chete kushandisa zita raMwari zvisina ruremekedzo.—Jeremiya 29:9.
NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINODZIDZA MUBHAIBHERI?
Jesu aiziva zita raMwari uye airishandisa.—Johani 17:25, 26.
Mwari anoda kuti timudane nezita rake.—Pisarema 105:1.
Vavengi vaMwari vanoedza kuita kuti vanhu vakanganwe zita rake.—Jeremiya 23:27.