Ndiani Mambo weUmambo hwaMwari?
Mwari ane vamwe vanyori veBhaibheri vaakaudza kuti vataure mazivire atingaita munhu aizova Mutongi weUmambo hwaMwari. Mutongi wacho:
-
Aizosarudzwa naMwari. “Ini pachangu ndakagadza mambo wangu . . . Ndichakupa marudzi kuti ave nhaka yako uye migumo yenyika kuti ive yako.”—Pisarema 2:6, 8.
-
Aizova wedzinza raMambo Dhavhidhi. “Taberekerwa mwana, tapiwa mwanakomana . . . Utongi hwake huchangoramba huchikura uye kana ruri rugare ruchangoramba ruripo pachigaro cheumambo chaDhavhidhi nepaumambo hwake, kuti ahusimbise.”—Isaya 9:6, 7.
-
Aizoberekerwa muBhetrehema. “Iwe Bhetrehema . . . , kwauri kuchabva munhu achava mutongi achindimiririra . . . Ukuru hwake huchazivikanwa kumigumo yenyika.”—Mika 5:2, 4.
-
Aizorambwa nevanhu ourayiwa. “Akazvidzwa, uye takamuona seasingakoshi. . . . Iye akabayiwa nekuda kwekudarika kwedu; akapwanyiwa nekuda kwekukanganisa kwedu.”—Isaya 53:3, 5.
-
Aizomutswa kubva kuvakafa uye okwidziridzwa. “Hamuzondisiyi muGuva. Hamuzoregi munhu wenyu akavimbika achiona gomba. . . . Kuruoko rwenyu rwerudyi kune mufaro nekusingaperi.”—Pisarema 16:10, 11.
Jesu Kristu Ndiye Mambo Anonyatsokodzera
Hakuna mumwe munhu anonyatsoenderana nezvataurwa apa kunze kwaJesu Kristu. Amai vake Mariya, vakanga vatoudzwa nengirozi kuti: “Mwari achamupa chigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi, . . . uye Umambo hwake hauzogumi.”—Ruka 1:31-33.
Jesu haana kumbotonga vanhu paaiva panyika. Asi achazotonga vanhu ari kudenga saMambo weUmambo hwaMwari. Chii chinoita kuti anyatsokodzera kutonga? Chimbofunga zvaakaita paaiva panyika.
-
Mateu 9:36; Mako 10:16) Mumwe murume aiva nemaperembudzi paakamukumbira achiti: “Kana muchida henyu, munogona kundichenesa,” Jesu akasiririswa naye, achibva amuporesa.—Mako 1:40-42.
Jesu aida vanhu. Jesu akabatsira varume nevakadzi, vakuru nevadiki pasinei nekuti vaiva vanhu vakaita sei. ( -
Jesu akatidzidzisa zvatinofanira kuita kuti tifadze Mwari. Akati: “Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.” Akatiwo: “Zvinhu zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo izvozvo.” Akaratidza kuti Mwari haagumiri pakutarisa zvatinoita asi anotarisawo zviri mupfungwa nemwoyo. Saka kana tichida kufadza Mwari tinofanira kudzora zvatinofunga mumwoyo. (Mateu 5:28; 6:24; 7:12) Akatiwo kana tichida kunyatsofara zvechokwadi, tinofanira kudzidza zvinodiwa naMwari tozviita—Ruka 11:28.
-
Jesu akatidzidzisa chinonzi rudo. Mashoko nezviito zvaJesu zvaiva nesimba uye zvaisvika pamwoyo yevateereri vake. “Vanhu vakashamiswa nemadzidzisiro ake, nekuti akanga achivadzidzisa semunhu ane chiremera.” (Mateu 7:28, 29) Akavaudza kuti: ‘Idai vavengi venyu.’ Akatonyengetererawo vamwe vakanga vakonzera kuti afe achiti: “Baba, varegererei, nekuti havazivi zvavari kuita.”—Mateu 5:44; Ruka 23:34.
Jesu ndiye anonyatsokwanisa kutonga pasi rese zvakanaka nekuti anoda vanhu. Saka achatanga kutonga riini?