Bhaibheri Rinotii?
Tiri kurarama “mumazuva okupedzisira” here?
Ungati kudii?
Ehe
Aiwa
Pamwe
Zvinotaurwa neBhaibheri
“Mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika.” (2 Timoti 3:1) Kana tikatarisa zvakataurwa neBhaibheri nezviri kuitika munyika, tinonyatsoona kuti tatova “mumazuva okupedzisira.”
Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?
Mazuva okupedzisira aizova nehondo, nzara, kudengenyeka kwenyika uye zvirwere zvinouraya.
—Mateu 24:3, 7; Ruka 21:11. Mumazuva okupedzisira, vanhu vaizowedzera kuita zvinhu zvakashata uye vasingachadi zvekunamata.
—2 Timoti 3:2-5.
Ramangwana rakamira sei?
Vamwe vanoti . . . nyika ichaparara uye vanhu vose vachapararawo, asi vamwe vanoti zvinhu zvichanaka. Unotiwo kudii?
Zvinotaurwa neBhaibheri
“Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”
Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?
Mazuva okupedzisira paachaguma, zvinhu zvose zvakaipa zvichabva zvapera.
—1 Johani 2:17. Nyika ichava paradhiso.
—Isaya 35:1, 6.