Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pavanenge Vachikura

Pavanenge Vachikura

Pavanenge Vachikura

“Ini nomurume wangu pataiva vana, tainakidzwa chaizvo neBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Iye zvino tava nemwana wedu Joshua, ane gore nemwedzi mina. Bhuku iri rakazonaka chaizvo pakudzidzisa mwana wedu. Kunyange pazera raari, Joshua anokwanisa kudoma nemazita vanhu vanopfuura 35 vomuBhaibheri vanotaurwa mubhuku iri. Pakutaura kwake anoshandisawo mazita evanhu ava.”—Timothy naAnn.

“Mwana wangu wemakore mashanu anofarira kutarira zviri mubhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru, uye ava kutoziva mifananidzo yakawanda irimo. Rakandibatsira kuti ndikwanise kukurukura naye kuti angakurira sei matambudziko aanosangana nawo, kungava kuchikoro kana kuti ari kune imwewo nzvimbo. Handifungi kuti pane rimwe bhuku rinobatsira vana kupfuura iri!”—Jennifer.

“Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, ibhuku rinotaura zvakawanda nezvoupenyu hwevari kuyaruka. Ndine makore 19. Bhuku iri randibatsira kuti ndive nezvinangwa, ndiite zvisarudzo zvakanaka panyaya dzokudanana, uye kuti ndirambe ndichivandudza ukama hwangu naMwari. Ndinokurudzira munhu wose, ari kuyaruka neakura kuti averenge bhuku iri.”—Courtney.

□ Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri

Dzidza Kumudzidzisi Mukuru

□ Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2

□ Pasina chandinovimbisa, ndinokumbirawo mabhuku aya. Shandisa kero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.

□ Ndapota ndionei nezvokudzidza Bhaibheri ndisingabhadhari.