Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Gadzirira Kurwisana Nezvipingamupinyi

Gadzirira Kurwisana Nezvipingamupinyi

Gadzirira Kurwisana Nezvipingamupinyi

“Ndakasarudza kurega kusvuta ndichiitira utano hwemwana wedu akanga achangozvarwa. Saka ndakaisa mumba medu chikwangwani chokuti ‘Hamubvumirwi Kusvuta.’ Kwangopfuura awa imwe chete, ndakabatwa nehavi yefodya isingaiti, uye ndakabva ndabatidza mudzanga.”—Yoshimitsu, wokuJapan.

SEZVINORATIDZWA nezvakaitika kuna Yoshimitsu, kurega kusvuta kune zvipingamupinyi zvako. Uyewo, dzimwe ongororo dzinoratidza kuti pavanhu 100 voga voga vanoedza kurega kusvuta voti kundikanei, 90 vavo vanongozopfuurira kusvuta. Saka kana uri kuedza kusiya fodya, ungangobudirira kana wakagadzirira kurwisana nezvipingamupinyi zvacho. Zvinonyanyozivikanwa ndezvipi?

Havi yefodya: Inowanzonyanya mumazuva matatu pashure pomudzanga wako wokupedzisira, yozodzikira pashure pevhiki dzinenge mbiri. Nezvenguva iyoyo, mumwe akarega kusvuta akataura kuti “havi yacho inenge yava kungoita zvokuuya pano neapo; haingogari iripo.” Zvisinei, kunyange papfuura makore, ungangoerekana wava kunzwa kuda kusvuta. Kana zvikaitika, usamhanyira kusvuta. Mira kwemaminitsi mashanu kana kupfuura, uye havi yacho inopera.

Zvimwe zvinozoitika pashure pokurega kusvuta: Pakutanga, vanhu vanozviona zvakaoma chaizvo kugara vakasvinura kana kuti kuisa pfungwa dzavo pane chimwe chinhu uye vangafuta zviri nyore. Vanganzwa kurwadziwa, kuvaviwa, vangadikitira, uye vangakosora, uyewo vangava nezvinyamusi zvinooneka nokusava nemwoyo murefu, kukurumidza kushatirwa, kunyange kuora mwoyo. Asi zvakawanda zvacho, zvinodzikira muvhiki ina kusvika kunhanhatu.

Panguva iyi yakaoma, pane zvinhu zvinoshanda zvaungaita zvichakubatsira. Somuenzaniso:

● Iva nenguva yakawanda yokurara.

● Inwa mvura yakawanda kana kuti zvinwiwa zvinogadzirwa nemichero. Idya zvokudya zvinovaka.

● Rovedza muviri zvine mwero.

● Tura befu, uye mupfungwa ona mhepo yakachena ichizadza mapapu ako.

Zvingamutsa havi: Izvi zvinhu zvaunoita kana kuti manzwiro aunoita angamutsa havi yokusvuta. Somuenzaniso, zvichida pawainwa chinwiwa waiwanzosvuta. Kana zvakadaro, paunenge wava kurega kusvuta, usanwa chinwiwa uchinonokera. Asi nokufamba kwenguva uchazokwanisa hako kunwa wakadekara.

Kunyange zvazvo zvakadaro, pfungwa dzingangoramba dzichifunga nezvekusvuta nguva refu muviri usisanzwi havi yefodya. Torben ane mashoko ambotaurwa anobvuma kuti: “Kwapera makore 19 ndarega kusvuta, panguva yandinonwa kofi ndinombonzwa ndichida kusvuta.” Asi zvinowanzoitika ndezvokuti, kuyeuchidzwa nezvokusvuta nezvimwe zvinhu zvaunoita kuchadzikira nokufamba kwenguva uye hakuzovi nesimba.

Asi izvozvo zvakasiyana nedoro. Zvechokwadi, paunenge uchiedza kurega kusvuta, ungatofanira kurega doro wodzivisa kuenda kwarinowanika, nokuti vakawanda vanotanga kusvutazve vanodaro vachinwa. Nei zvichidaro?

● Kunyange doro shoma rinoita kuti munhu awedzere kunakirwa nefodya.

● Kutandara vanhu vachinwa havo kakawanda kunofambidzana chaizvo nokusvuta.

● Doro rinokanganisa munhu pakusarudza zvokuita uye rinoita kuti ashaye nyadzi. Bhaibheri rinozvitaura zvakakodzera richiti: ‘Waini inobvisa kunzwisisa.’—Hosiya 4:11.

Vatinowadzana navo: Ita zvokusarudza vokuwadzana navo. Somuenzaniso, kana pasina chikonzero chokuonana nevanhu vanosvuta kana kuti vaya vangakupa fodya, usashamwaridzana navo. Uyewo tambira kure nevanhu vanoedza kukupedza simba paunenge uchiedza kurega kusvuta, zvichida vachiita izvozvo nokukuseka.

Manzwiro aunoita: Mune imwe ongororo yakaitwa, vanhu vanenge zvikamu zviviri kubva muzvitatu avo vakatangazve kusvuta vakanzwa vakavhiringidzika kana kuti vakatsamwa nguva pfupi vasati vasvutazve. Kana mamwe manzwiro akamutsa havi yefodya, ita chimwe chinhu, zvichida chakadai sokunwa mvura, kutsenga chingamu, kana kuti kufamba-famba. Edza kuzadza pfungwa dzako nezvinhu zvakanaka, zvichida nokunyengetera kuna Mwari kana kuverenga mapeji mashomanana eBhaibheri.—Pisarema 19:14.

Dzivisa Kuzvipembedza

Ndichangokweva kamwe chete.

Chokwadi ndechokuti: Kungokweva kamwe chete kunogona kuita kuti hafu yetsinga dzouropi dzive nemuchetura unobva mufodya kwemaawa matatu. Izvozvo zvinoita kuti upedzisire wava kusvutazve.

Kusvuta kunondibatsira kuti ndisatenderera musoro.

Chokwadi ndechokuti: Ongororo dzinoratidza kuti muchetura uri mufodya unotowedzera mahormone anokonzera kutenderera musoro.

Chakabaya chikatyokera, handichagoni kurega.

Chokwadi ndechokuti: Kapfungwa kekuti hauzvigoni kanokupedza simba. Bhaibheri rinoti: “Wakaora mwoyo pazuva rokutambudzika here? Simba rako richava shoma.” (Zvirevo 24:10) Saka dzivisa kapfungwa kekuti ndatokundikana. Munhu wose anonyatsoda kurega uye anoshandisa mazano anobatsira, seari mumagazini ino anogona kubudirira.

Kurwadziwa kunozovapo pashure pokurega kusvuta handizokukwanisi.

Chokwadi ndechokuti: Zvechokwadi, ucharwadziwa chaizvo, asi kurwadziwa kwacho kunozodzikira muvhiki shomanana. Saka ngapasave nechinokuvhiringidza! Kana havi yokuda kusvuta ikakubata pashure pemwedzi kana makore, naiyowo inozopera, ingangopera mumaminitsi mashomanana, ndokana ukasatungidza mudzanga.

Ndinorwara nepfungwa.

Chokwadi ndechokuti: Kana uri kurapwa chirwere chepfungwa, chakadai seschizophrenia kana kuti kuora mwoyo, kumbira chiremba wako kuti akubatsire kurega kusvuta. Paunenge uchiedza kurega kusvuta, chiremba wako angatonzwa achida chaizvo kukutsigira nokuona kuti zviri kufamba sei pakurapwa kwauri kuitwa uye kuti mishonga yauri kushandisa iri sei.

Kana kuri kuti ndazosvutazve, ndichanzwa sokuti ndakundikana.

Chokwadi ndechokuti: Kana kuri kuti zvakukunda wobva wamboti svutei, sezvinongoitwa nevakawanda vari kuedza kurega kusvuta, usaora mwoyo. Ingoramba uchishingirira. Kana ukamboti svutei hazvirevi kuti watokundikana. Kuramba uchingosvuta ndiko kukundikana. Saka usakanda mapfumo pasi. Pakupedzisira uchabudirira!

Funga nezvezvakaitika kuna Romualdo, uyo aisvuta kwemakore 26 akazorega makore 30 apfuura. Anonyora kuti, “Ndakasvika pakusaziva kuti ndakanga ndakundikana kangani. Pose pandaisvutazve, ndainetseka, ndaifunga kuti ndakanga ndakundikana zvachose. Asi, pandakangotsunga kuva noukama hwakanaka naJehovha Mwari, ndichinyengetera ndanyengeterazve kuti andibatsire, ndakazokwanisa kurega zvachose.”

Munyaya iri kutevera, yokupedzisira, tichakurukura mamwe mazano mashomanana anoshanda angakubatsira kuti uve munhu anofara anenge arega kusvuta.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]

FODYA YOSE INE NGOZI

Fodya inoshandiswa nenzira dzakawanda. Zvimwe zvinhu zvinogadzirwa nefodya zvinotowanika muzvitoro zvinotengesa zvokudya uye mishonga yemakwenzi. Kunyange zvakadaro, World Health Organization inoti, “fodya yose ine ngozi.” Munhu angafa pamusana pezvirwere zvinoverengeka zvingave zvichikonzerwa nefodya, zvakadai sekenza uye chirwere chemwoyo. Vanaamai vanosvuta vangakuvadzawo vana vavo vanenge vasati vaberekwa. Fodya inowanzoshandiswa sei?

Chimonera chinonzi Bidis: Iyi midzanga inomonwa nemaoko inowanzoshandiswa kunyika dzokuAsia. Midzanga yeBidis ine tara, chikakananda, uye carbon monoxide zvakati wandei kupfuura midzanga yedzimwe fodya.

Chimonera chinonzi cigar: Chinogadzirwa nefodya inonyatsomonererwa pane rimwe shizha refodya kana pepa rakagadzirwa nefodya yacho. Midzanga yerudzi urwu yakasiyana nemidzanga yedzimwe fodya nokuti inobvumira chikakananda kupinda mutsinga chichibva mukanwa kunyange zvazvo mudzanga wacho usina kubatidzwa.

Midzanga inonzi Kretek: Iyi kakawanda inenge ine 60% yefodya uye 40% yemaruva ekamuti kanonzi clove. Midzanga iyi ine tara, chikakananda, uye carbon monoxide kupfuura midzanga yedzimwe fodya.

Zvikwepa: Kusvuta uchishandisa chikwepa hakusi nani pane kusvuta midzanga, nokuti zvose, chikwepa kana midzanga zvinogona kukonzera zvirwere zvekenza zvakawanda uye zvimwewo.

Fodya isina chiutsi: Iyi inosanganisira fodya yokutsenga, fodya yemumhino, uye iya yokuSoutheast Asia inonzi gutkha inenge yakawedzerwa zvimwe zvinhu kuti inake. Muchetura wefodya unopinda muropa uchibva mukanwa. Fodya isina chiutsi ine ngozi kungofanana nedzimwe fodya.

Zvikwepa zvinoiswa mvura (bong, hookah, narghile, shisha): Zvikwepa izvi zvinoita kuti utsi hupfuure nomumvura husati hwasvutwa. Kunyange zvakadaro, izvozvo hazvidzikisi michetura, kusanganisira iya inopinda mumapapu inokonzera kenza.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 8]

KUBATSIRA MUNHU KUTI AREGE KUSVUTA

Usamutsoropodza. Kurumbidza munhu uye kumupa mibayiro kunoshanda zviri nani kupfuura kumufurufusha uye kungogara uchimuudza zvokuita. Kumuudza kuti “Ndinofunga kuti ukaedzazve unogona kubudirira” kune simba kupfuura kuti “Wakundikana futi!”

Kanganwira. Edza kusava nehanya nazvo kana munhu ari kuedza kurega kusvuta akaratidza kuti ashatirwa kana kuti akugumbukira. Shandisa mashoko omutsa akadai sokuti, “Ndinoziva kuti zvakaoma, asi ndinodada nezvauri kuita.” Usamboti, “Waitombova munhu kwaye pawaisvuta!”

Iva shamwari yechokwadi. Bhaibheri rinoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Edza kuva nemwoyo murefu uye iva nerudo “nguva dzose” kumunhu anenge achiedza kurega kusvuta, zvisinei nokuti inguvai kana kuti munhu wacho ari kufara here kana kuti kwete.