Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kufutisa Idambudziko Chaizvoizvo Here?

Kufutisa Idambudziko Chaizvoizvo Here?

Kufutisa Idambudziko Chaizvoizvo Here?

“Kufutisa kwevachiri kuyaruka kwakaita sedenda.”—S. K. Wangnoo, anodaro chiremba mukuru anoona nezvemakemikari anobudiswa mumuviri anonzi ma“hormone,” wepaIndraprastha Apollo Hospital, Delhi, India.

SEZVINORATIDZWA nemashoko ari pamusoro apa, mhuri dzakawanda dzokuIndia dziri pakati nepakati mune zvoupfumi dzakachinjira kumararamiro anoita kuti vachiri kuyaruka vafutise. Denda iri riri kupararira munyika dzakawanda sezvo vanhu vakawanda vasingachanyanyi kurovedza muviri uye vajaira kudya zvisingavaki muviri. Anopa mazano ezvoutano hwevachiri kuyaruka akati: “Chizvarwa chinotevera [muBritain] chichange . . . chakafutisa kupfuura zvimwe zvose munhoroondo yevanhu.” Pepanhau rinonzi Guardian Weekly rakati: “Vanhu vakura ndivo vainyanya kuva nechinetso chokufutisa. Pari zvino muBritain mava nechizvarwa chevechiduku vane tsika dzokusarovedza muviri uye dzokudya dziri kuita kuti vave nezvinetso zvakatanga kuoneka muUnited States. Kana vakaramba vakafutisa zvingangoita kuti vabatwe nezvirwere zvakadai seshuga, chirwere chomwoyo uye kenza.”

Vakanyora bhuku rinonzi Food Fight vanoti: “Dambudziko rokushaya zvokudya zvinovaka muviri, rave riri chinetso chikuru munyika, rakatsiviwa nokudyisa.” Don Peck, achinyora mumagazini inonzi The Atlantic Monthly, anoti: “Vanhu vokuAmerica vanenge mamiriyoni mapfumbamwe ‘vakafuta zvinotorwarisa,’ zvichireva kuti vanorema kupfuura zvavanofanira kunge vari nemakirogiramu 45 kana kupfuura.” Zvirwere zvinokonzerwa nokufuta zvinoita kuti vanhu vanenge 300 000 vakurumidze kufa gore rimwe nerimwe munyika iyoyo, “zvichidarika zvimwe zvose kunze kwezvinokonzerwa nokusvuta.” Peck akapedzisa achiti: “Nenguva isipi, kufutisa kuchava chinetso chikuru mune zvoutano munyika yose, kuchapfuura zvirwere zvenzara nezvirwere zvinotapukira.” Saka, ndiani angarega kufunga nezvengozi yokufutisa? Mubhuku rake rinonzi Eat, Drink, and Be Healthy, Dr. Walter C. Willett akanyora kuti “pasinei nokuti unosvuta here, nhamba yaunoona pachikero ndiyo inonyanya kuratidza zvichange zvakaita utano hwako hweramangwana.” Shoko guru pano nderokuti utano hweramangwana.

Unorondedzera Sei Kufutisa?

Munhu anonzi afutisa kwete kungofutawo zvako kana zvaita sei? Mayo Clinic iri muRochester, Minnesota, U.S.A., inoti: “Kana kuchirondedzerwa zviri nyore, kufutisa kuva nouremu hunodarika mwero pamusana pemafuta akawandisa omuviri.” Asi ungaziva sei kuti munhu akafuta? Machati ourefu nouremu anogona kuratidza zvingangoratidza kuti munhu akangofuta zvake kana kuti akafutisa. (Ona chati iri papeji 13.) Zvisinei, izvi hazviratidzi kusiyana kwakaita maumbirwo omuviri. Mayo Clinic inoti: “Mafuta omuviri, panzvimbo pouremu, ndiwo anonyatsoratidza utano hwomunhu.” Somuenzaniso, mumhanyi angangorema zvikuru nemhaka yokukura kwetsandanyama dzake kana kuti mapfupa akakura. Chii chinonyanya kukonzera kufuta kana kuti kufutisa? Nyaya inotevera ichakurukura mubvunzo uyu.