Dzakagadzirirwa Kudzidza Nokusingaperi
Dzakagadzirirwa Kudzidza Nokusingaperi
“Mumusoro womunhu wose mune zvinhu zvine simba rinotyisa, zvakabatana, uropi hunoshanda nomazvo hunoita sohunogona kutakura zvinhu zvakawanda zvokuti hunotoita sohusina pahunogumira patinonyanya kudzidza nezvahwo.”—TONY BUZAN NARENC DIXON, VANYORI VESAYENZI.
UROPI hwomunhu hunogona kudzidza zvinhu zvakawanda sei? Mubvunzo iwoyu uchiri kushamisa nokunetsa vatsvakurudzi. Mubhuku rinonzi The Brain Book, Peter Russell anonyora kuti: “Uropi hwomunhu pahunonyanya kudzidzwa nezvahwo, zvinobva zvatowedzera kuoneka kuti hunotakura zvinhu zvakawanda kudarika zvaimbofungidzirwa.”
Somuenzaniso, kana toreva nezvendangariro, uropi hwedu hunoyeuka zvakawanda zvikuru. “Ndangariro haina kufanana nechirongo chinozara zvishoma nezvishoma,” anodaro Russell, “yakafanana zvikuru nomuti unoita hocheko panozokochekerwa ndangariro. Zvinhu zvose zvaunoyeuka zvinoita sehocheko panogona kuzokochekerwa dzimwe ndangariro itsva. Saka pokuchengetera ndangariro panoramba pachikura. Kana uchiziva zvakawanda, ndangariro dzako dzinovawo nezvakawanda.” Izvi zvinotidzorera
shure kumubvunzo wokutanga, Nei uropi hwomunhu hune matura makuru akadaro asati ashandiswa?Dzidziso yemhindumupindu haipinduri zvine musoro. Ichirerekera zvikuru papfungwa yokuti chakasimba ndicho chinorarama, mhindumupindu inosiya vanhu vanofunga vavhiringidzika nezvechinoita kuti uropi hwomunhu huve dura remashoko akawanda kudaro. Kungoenzanisira, ungagadzirirei rori rakakura iwe uchazongotakura foshoro yejecha chete?
Zvisinei, Bhaibheri rinotsanangura zviri nyore zvinozorodza asi zvichinzwisisika. Kutanga, rinotiudza kuti vabereki vedu vokutanga—Adhamu naEvha—vakaumbwa nomufananidzo waMwari, vachikwanisa kuratidza unhu hwaMwari hunoshamisa. Chechipiri, rinotsanangura kuti vakasikirwa kuti vararame—uye nokudaro kuti vadzidze—nokusingaperi. (Genesi 1:27; 2:16, 17) Uropi hwomunhu hunoratidza chinangwa ichocho chaMwari, kunyange zvazvo husina kukwana pari zvino nemhaka yechivi chakapinda mumhuri yevanhu.—VaRoma 5:12.
Asi chinangwa chaMwari chokutanga chokuti pasi rizadzwe nevanhu vakakwana vanotya Mwari vachigara muParadhiso chichazadzika. Zvechokwadi, Jehovha akapa mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, Jesu Kristu, sechibayiro chorudzikinuro nokuda kwedu kuitira kuti tiwane upenyu husingaperi.—Mateu 20:28; Johani 3:16.
Zvokudya Zvakanyatsonakira Pfungwa
Jehovha akatipawo Shoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri Dzvene. (2 Timoti 3:16; 2 Petro 1:21) Nemhaka yokuti bhuku iri rinokosha rakavapo nomudzimu mutsvene, hakusi kuwedzerera kutaura kuti rine zvokudya zvakanyatsonakira pfungwa uye zvokudya zvomudzimu nokuda kwevanhu. (Pisarema 19:7-10) Zvechokwadi, Jesu pachake akati: “Munhu anofanira kurarama, kwete nechingwa choga, asi nokutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha.”—Mateu 4:4.
Saka ungave uri muduku kana mukuru, wadii waronga nguva shomanana zuva roga roga yokuverenga ‘kutaura’ kwaMwari kunokosha? Vose vanodaro uye vanoshandisa zvavanodzidza vachabatsirwa iye zvino uye mune ramangwana. Chokwadi, vanogona kuwana tariro yokurarama uye yokudzidza nokusingaperi, sechakanga chagara chiri chinangwa chaMwari pakutanga. Itariro inoshamisa kwazvo! Muparidzi 3:11; Johani 17:3.
[Mufananidzo uri papeji 27]
Huchiratidzira chinangwa chaMwari, uropi hwomunhu hwakagadzirirwa kudzidza nokusingaperi
[Mifananidzo iri papeji 28]
Bhaibheri rine zvokudya zvakanyatsonakira pfungwa dzako