Kuchemera Kuti Zvinhu Zvichinjwe
Kuchemera Kuti Zvinhu Zvichinjwe
NOMUNYORI WEMUKAI! MUGERMANY
“Dai ndaiva muduku, ndaizotanga sangano rokuchinja zvinhu!” akapopota achidaro Anna, mumwe mukadzi wokuGermany ane makore 80. “Waizochinjei?” akabvunza kudaro Robert. “Zvinhu zvose!” akapindura kudaro Anna.
VAKAWANDA vaizobvumirana naAnna. Kumwe kuongorora kwakaitwa muGermany pakati pema1990 kwakaratidza kuti vaviri pavanhu vatatu voga voga vakabvunzwa vaifunga kuti ‘kuchinjwa kwezvinhu kukuru uye kuchinja kunokosha munzanga’ zvaikosha. Pamwe ndizvo zvazvakaitawo munyika yaunogara.
Vanhu pavanochemera kuti zvinhu zvichinjwe, vanowanzovimbiswa kuti zvichachinja. Achitaura pamusoro pokuchinjwa kwedzidzo, Frederick Hess, mutevedzeri wapurofesa wedzidzo uye wehurumende, akanyora kuti: “Kuchinja zvinhu kunongovawo zvako chiratidzo chokuita kuti * Tinoverengawo kuti nhengo dzemamwe machechi dziri kuda kuti dzidziso dzichinjwe.
vanhu vasingashiviriri vave nechivimbo.” Tinoverenga misoro mikuru yemapepanhau ichizivisa nezvezvirongwa zvokuchinja mitero, kuchinja kutarisirwa kwoutano, kuchinja urongwa hwokurima, uye kuchinja mutemo. Tinonzwa nezvourongwa hwokuda kuchinja dzidzo, magariro evanhu, uye urongwa hwokuranga.Kuchinja Zvinhu Kuchienzaniswa Nezvagara Zviripo
Chii chiri kuita kuti vanhu vachemere kuti zvinhu zvichinjwe kudai? Vanhu vanoramba vachiedza kunatsiridza nyika yavanogara. Vakaedza kuita izvozvo nokuvhota, nokushandisa mari, nemitemo, kana kuti nechisimba. Izvi imhaka yechido chikuru chevanhu chokunatsiridza upenyu hwavo, kuti varongere vana vavo remangwana rakanaka, kana kuita kuti nzanga isvike pane zvavanotarisira mune zvemagariro evanhu, tsika, uye kururamisira. Chero bedzi pachine vanhu vasina kudzidza, vanorwara, varombo, uye vane nzara, kuchemera kuchinja zvinhu kuchangoramba kuripo.
Kunyange zvazvo vakawanda vangafarira kuchinja zvinhu, vamwe vanofunga zvakasiyana nezvevanhu vanochinja zvinhu uye zvavanoedza kuita. Vamwe vangada kuti nzanga irambe iri sezvairi, kuti zvinhu zvagara zviripo zvichengetedzwe. Vanoona vanochinja zvinhu sevanhu vanongofungidzira avo vanoda kuchinja nyika asi vasingaoni zvinhu sezvazviri. Bhuku rinonzi Handbuch der deutschen Reformbewegungen 1880-1933 (Bhuku reMasangano Okuchinja Zvinhu muGermany 1880-1933) rinoti vanochinja zvinhu “havatani kutsoropodzwa, kuitwa makatuni ezvematongerwe enyika, uye kuitirwa chibhende.” Molière wokuFrance anonyora mitambo akati: “Hapana upenzi hunopfuura kuda kuchinja nyika kuti ive nzvimbo iri nani.”
Unofungei? Kuchinja zvinhu kungaita kuti nyika ive nani here? Kana kuti vanochinja zvinhu vanenge vachingoita zvokurota here? Zvakadii nokuchinja zvinhu kwakamboitwa kare? Vaya vakazviita pane chavakagona kuita here pane zvavaida? Izvi ndizvo zvichakurukurwa munyaya dzinotevera.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 5 Maererano nechinangwa chayo chakanyorwa, Mukai! “nguva dzose inoramba isina kwayakarerekera mune zvematongerwe enyika.” Kukurukura uku nezvokuchinja zvinhu kuri kuitirwa kuti vaverengi vedu vazive uye kuti kuratidze mhinduro chaiyo pazvinodiwa nevanhu.