Mwoyo Murefu
Jehovha anoratidza sei kuti ane mwoyo murefu?
Onawo Ne 9:30
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
Jer 7:23-25—Jehovha akaudza vanhu vake nezvemwoyo murefu waakavaratidza
2Pe 3:3-9, 15—Muapostora Petro akatsanangura kuti Jehovha ari kuratidza sei mwoyo murefu uye kuti nemhaka yei ari kuuratidza. Akataurawo kuti mwoyo murefu waJehovha une pawaizogumira
Nei tichifanira kuva nemwoyo murefu?
Zvi 25:15; VaE 4:1-3; 2Ti 2:24, 25; 4:2
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
Ge 39:19-21; 40:14, 15, 23; 41:1, 9-14—Kunyange zvazvo Josefa akatengeswa semuranda achibva asungirwa mhosva yaasina kupara, akaramba achitsungirira nemwoyo murefu akavimbika
VaH 6:10-15—Muapostora Pauro akataura nezvaAbrahamu kuti atidzidzise kuti zvinokosha kuti muKristu ave nemwoyo murefu