Jesu Kristu
Basa rinoitwa naJesu rinokosha zvakadii pakuzadzisa chinangwa chaMwari?
Mab 4:12; 10:43; 2VaK 1:20; VaF 2:9, 10
Onawo Zvi 8:22, 23, 30, 31; Joh 1:10; Zva 3:14
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Mt 16:13-17—Muapostora Petro akati Jesu ndiye Kristu uye Mwanakomana waMwari
-
Mt 17:1-9—Jesu paakashanduka paaiva mugomo, vadzidzi vake 3 vaaiva navo vakanzwa Jehovha achitaura kuti Jesu ndiye Mwanakomana wake
-
Nei Jesu akasiyana nevamwe vanhu vese?
Joh 8:58; 14:9, 10; VaK 1:15-17; 1Pe 2:22
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Mt 21:1-9—Jesu akazadzisa uprofita, hwaitaura nezvaMambo Mesiya akasarudzwa naJehovha, paakapinda muJerusarema akatasva dhongi
-
VaH 7:26-28—Muapostora Pauro akatsanangura kuti Mupristi Mukuru Jesu akasiyana sei nevamwe vapristi vakuru vese
-
Zvishamiso zvakaitwa naJesu zvinotidzidzisei nezvake uye Baba vake?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Mt 4:23, 24—Jesu akaratidza kuti ane simba kudarika madhimoni uye anokwanisa kubvisa zvirwere zvese
-
Mt 14:15-21—Jesu akaita chishamiso chekupa zviuru zvevanhu zvekudya achishandisa zvingwa 5 nehove mbiri
-
Mt 17:24-27—Jesu akaita chishamiso chekuti Petro awane mari yekubhadhara mutero wepatemberi kuitira kuti pasava nemutauro
-
Mk 1:40, 41—Jesu akanzwira tsitsi mumwe murume aiva nemaperembudzi achibva amuporesa. Izvi zvinoratidza kuti anoda kuporesa vanorwara
-
Mk 4:36-41—Jesu akadzikamisa dutu raiva nesimba kuratidza kuti Baba vake vakamupa simba rekudzora mamiriro ekunze
-
Joh 11:11-15, 31-45—Jesu akachema pakafa shamwari yake Razaro achibva azomumutsa, izvi zvinoratidza kuti anovenga rufu uye marwadzo anokonzerwa nerufu
-
Jesu ainyanya kudzidzisa nezvei?
Ndehupi humwe unhu hwakaratidzwa naJesu paaiva panyika? Tarisa uone kuti akaratidza sei kuti . . .
Aiva nyore kutaura naye—Mt 13:2; Mk 10:13-16; Ru 7:36-50
Aiva nemutsa; aiva nengoni—Mk 5:25-34; Ru 7:11-15
Aiva neushingi—Mt 4:2-11; Joh 2:13-17; 18:1-6
Aizvininipisa—Mt 11:29; 20:28; Joh 13:1-5; VaF 2:7, 8
Aiva nerudo—Joh 13:1; 14:31; 15:13; 1Jo 3:16
Aiteerera—Ru 2:40, 51, 52; VaH 5:8
Aiva neuchenjeri—Mt 12:42; 13:54; VaK 2:3
Nei Jesu akazvipira kufa, uye kufa kwake kunotibatsira sei?
Nei zvichitifadza kuziva kuti Jesu Kristu ari kutonga saMambo kudenga?
Pis 72:12-14; Dha 2:44; 7:13, 14; Zva 12:9, 10
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Pis 45:2-7, 16, 17—Pisarema iri rinoratidza kuti Mambo akasarudzwa naMwari achakunda vavengi vake vese otonga achitsigira chokwadi, kururama uye achizvininipisa
-
Isa 11:1-10—Jesu paanenge ava kutonga pasi rese, nyika ichange yava paradhiso ine rugare
-
Jesu achaitei mune ramangwana?