Jehovha
Zita rake
Zita raJehovha rinonzwisiswa kuti rinoreva kuti “Anoita Kuti Zviitike”
Zvii zvinoitwa naJehovha kuti achengete vashumiri vake?
Nei nyaya yekutsveneswa kwezita raMwari ichikosha chaizvo?
Nei tichifanira kuteerera Jehovha, Changamire Wezvinhu Zvese?
Mamwe mazita aJehovha ekuremekedza
Baba—Mt 6:9; Joh 5:21
Changamire—VaH 1:3; 8:1
Changamire Ishe—Isa 25:8; Amo 3:7
Dombo—Dhe 32:4; Isa 26:4
Jehovha wemauto—1Sa 1:11
Mambo asingagumi—1Ti 1:17; Zva 15:3
Murayiridzi Mukuru—Isa 30:20
Wekumusorosoro—Ge 14:18-22; Pis 7:17
Wemasimbaose—Ge 17:1; Zva 19:6
Humwe unhu hwaJehovha hwakanaka
Jehovha anotiratidza sei kuti ndiMwari akachena uye kuziva izvozvo kunofanira kuita kuti tiite sei?
Eks 28:36; Re 19:2; 2VaK 7:1; 1Pe 1:13-16
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Isa 6:1-8—Muprofita Isaya paakaona Jehovha muchiratidzo akanzwa seasina zvaanobatsira nekuti aiva mutadzi, asi ngirozi yakamuyeuchidza kuti zvinoita kuti munhu ane chivi anzi akachena naJehovha
-
VaR 6:12-23; 12:1, 2—Muapostora Pauro akatsanangura kuti tinogona kurwisa sei zvido zvakaipa uye toramba tiri “munzira yeutsvene”
-
Simba raJehovha rakakura zvakadii uye anorishandisa kuitei?
Eks 15:3-6; 2Mak 16:9; Isa 40:22, 25, 26, 28-31
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Dhe 8:12-18—Mozisi akayeuchidza vaIsraeri kuti Jehovha akanga ashandisa simba rake kuvapa zvese zvavaiva nazvo
-
1Mad 19:9-14—Jehovha akaratidza Eriya simba rake guru kuti amukurudzire paakanga akaora mwoyo
-
Nei tichigona kuvimba nematongero aJehovha?
Dhe 32:4; Job 34:10; 37:23; Pis 37:28; Isa 33:22
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Dhe 24:16-22—Mitemo yakapiwa Mozisi inoratidza kuti Jehovha akarurama, ane rudo uye ane ngoni
-
2Mak 19:4-7—Mambo Jehoshafati akayeuchidza vatongi vaakagadza kuti vaifanira kutonga vachimiririra Jehovha kwete kushandisa mafungiro evanhu
-
Chii chinoratidza kuti hapana akachenjera kupfuura Jehovha?
Pis 104:24; Zvi 2:1-8; Jer 10:12; VaR 11:33; 16:27
Onawo Pis 139:14; Jer 17:10
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
1Mad 4:29-34—Jehovha akaita kuti Mambo Soromoni ave akachenjera kupfuura vamwe vanhu vese vepanguva yake
-
Ru 11:31; Joh 7:14-18—Jesu akachenjera kupfuura Soromoni, asi anoziva kuti uchenjeri hwaainahwo akahupiwa naJehovha
-
Ndechipi chinhu chikuru chakaitwa naJehovha kuti aratidze kuti anotida?
Joh 3:16; VaR 8:32; 1Jo 4:8-10, 19
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Mt 10:29-31—Jesu akataura nezvetushiri tudiki kuti aratidze kuti Jehovha anoda uye anokoshesa mushumiri wake mumwe nemumwe
-
Mk 1:9-11—Jehovha akaudza Jesu kuti anomuda uye anodada naye. Ichi chidzidzowo kuvabereki kuti vagare vachiudza vana vavo kuti vanovada uye vanodada navo
-
Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tide Jehovha? Bhaibheri rinotaura zvinhu zvakanaka nezvake. Zvimwe zvacho ndeizvi . . .
Akarurama—Pis 7:9
Akavimbika—Zva 15:4
Ane mutsa—Ru 6:35; VaR 2:4
Ane mwoyo murefu—Isa 30:18; 2Pe 3:9
Ane ngoni—Eks 34:6
Ane rugare—VaF 4:9
Ane rupo—Pis 104:13-15; 145:16
Ane tsitsi—Isa 49:15; 63:9; Zek 2:8
Anofara—1Ti 1:11
Anogara aripo; haana mavambo kana magumo—Pis 90:2; 93:2
Anoona uye anoziva zvese—2Mak 16:9; Zvi 15:3
Zva 4:1-6
Anoshamisa—Anozvininipisa—Pis 18:35
Haachinji—Mar 3:6; Jak 1:17
Mukuru—Pis 8:1; 148:13
Chii chinoitika patinowedzera kuziva Jehovha Mwari?
Zvatinofanira kuita pakushumira Jehovha
Chii chinoratidza kuti Jehovha haatitarisiri kuti tiite zvinopfuura zvatinokwanisa?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Dhe 30:11-14—Mutemo wakapiwa Mozisi naJehovha wakanga usina kuoma kuteerera
-
Mt 11:28-30—Jesu akanyatsoratidza zvakaita Baba vake nekuudza vateveri vake kuti ndiTenzi anozorodza
-
Nemhaka yei Jehovha achifanira kurumbidzwa?
Pis 105:1, 2; Isa 43:10-12, 21
Onawo Jer 20:9; Ru 6:45; Mab 4:19, 20
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Pis 104:1, 2, 10-20, 33, 34—Munyori wePisarema akarumbidza Jehovha nemhaka yezvaakasika
-
Pis 148:1-14—Zvinhu zvese zvakasikwa naMwari kusanganisira ngirozi zvinomurumbidza saka ndizvo zvatinofanirawo kuita
-
Zvatinoita zvingabatsira sei vamwe kuti vakudze Jehovha?
Nei tichifanira kuswedera pedyo naJehovha?
Nei tichifanira kuzvininipisa kana tichida kuva shamwari dzaMwari?
Kuverenga Bhaibheri uye kufungisisa kunokosha zvakadii kana tichida kuva shamwari dzaMwari?
Nemhaka yei tichifanira kushandisa zvatinodzidza?
Nemhaka yei tisingafaniri kuedza kuvanzira Jehovha?
Job 34:22; Zvi 28:13; Jer 23:24; 1Ti 5:24, 25
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
2Mad 5:20-27—Gehazi akaedza kuvanza chivi chake, asi Jehovha akaita kuti Erisha azive zvakanga zvaitwa naGehazi
-
Mab 5:1-11—Ananiyasi naSafira vakafumurwa uye vakarangwa nekuti vakanyepera mweya mutsvene
-