A7-A
Upenyu hwaJesu Panyika—Kusvika Panotanga Ushumiri hwaJesu
Zviitiko Zvemumabhuku Mana eEvhangeri Zvakarongwa Semaitikiro Azvakaita
Mashoko anotevera anoenderana nemamepu ari parutivi pacho anoratidza nzendo dzaJesu dzaaifamba achiparidza. Tuzviratidzo turi pamamepu acho haturatidzi nzira chaidzo dzaakashandisa asi tunoratidza mafambiro aaiita. Chiratidzo ichi chakanzi “c.” chinoreva kuti zviri kutaurwa ipapo zvinofungidzirwa kuti zvakaitika panenge panguva iyoyo.
Kusvika Panotanga Ushumiri hwaJesu
NGUVA |
NZVIMBO |
ZVAKAITIKA |
MATEU |
MAKO |
RUKA |
JOHANI |
---|---|---|---|---|---|---|
3 B.C.E. |
Jerusarema, temberi |
Ngirozi Gabrieri inoudza Zekariya nezvekuberekwa kwaJohani Mubhabhatidzi |
||||
c. 2 B.C.E. |
Nazareta; Judhiya |
Ngirozi Gabrieri inoudza Mariya nezvekuberekwa kwaJesu; Mariya anoshanyira hama yake Erizabheti |
||||
2 B.C.E. |
Nharaunda yeJudhiya ine makomo |
Johani Mubhabhatidzi anoberekwa uye anopiwa zita; Zekariya anoprofita; Johani achava murenje |
||||
2 B.C.E., c. Oct. 1 |
Bhetrehema |
Jesu anoberekwa; “Shoko rakava nyama” |
||||
Pedyo neBhetrehema; Bhetrehema |
Ngirozi inozivisa vafudzi mashoko akanaka; ngirozi dzinorumbidza Mwari; vafudzi vanoshanyira mucheche |
|||||
Bhetrehema; Jerusarema |
Jesu anochecheudzwa (pazuva rechi8); anoendwa naye kutemberi nevabereki vake (pashure pemazuva 40) |
|||||
1 B.C.E. kana kuti 1 C.E. |
Jerusarema; Bhetrehema; Ijipiti; Nazareta |
Vazivi venyeredzi vanoshanya; mhuri inotizira kuIjipiti; Herodhi anouraya vana vakomana; mhuri inodzoka kubva kuIjipiti yonogara kuNazareta |
||||
12 C.E., Paseka |
Jerusarema |
Jesu ane makore 12 anobvunza mibvunzo vadzidzisi patemberi |
||||
Nazareta |
Anodzokera kuNazareta; anoramba achizviisa pasi pevabereki; anodzidza kuveza; Mariya anova nevamwe vanakomana 4 nevanasikana (Mt 13:55, 56; Mk 6:3) |
|||||
29, mwaka wemasutso |
Renje, Rwizi rwaJodhani |
Johani Mubhabhatidzi anotanga ushumiri hwake |