Zvirevo 8:1-36
8 Uchenjeri hahusi kushevedzera here?
Ungwaru hahusi kusimudza inzwi rahwo here?+
2 Hunomira panzvimbo dzakakwirira+ pedyo nemugwagwa,Pamharadzano dzenzira.
3 Pedyo nemagedhi anopinda muguta,Pamasuo anopindwa nawo,Hunoramba huchishevedzera zvine simba huchiti:+
4 “Ndiri kudanidzira kwamuri, imi vanhu;Ndinoshevedzera kuvanhu vese.*
5 Imi vasina ruzivo, dzidzai kuva neungwaru;+Imi mapenzi, ivai nemwoyo unonzwisisa.*
6 Teererai, nekuti zvandinotaura zvinokosha,Muromo wangu unotaura zvakarurama;
7 Nekuti muromo wangu unotaura chokwadi zvinyoronyoro,Uye miromo yangu inosema zvakaipa.
8 Zvese zvinotaurwa nemuromo wangu zvakarurama.
Hapana chakamonyana kana kuti chisina kururama.
9 Zvese zvakati twasu kumunhu ane ungwaruUye zvakarurama kune vaya vakawana ruzivo.
10 Gamuchirai kurayira kwangu panzvimbo pesirivha,Uye ruzivo panzvimbo pegoridhe rakanakisisa,+
11 Nekuti uchenjeri huri nani kupfuura matombo ekorari;*Zvimwe zvinhu zvese zvinofadza hazvingaenzaniswi nahwo.
12 Ini uchenjeri, ndinogara pamwe chete neungwaru;Ndakawana ruzivo uye simba rekukwanisa kunyatsofunga.+
13 Kutya Jehovha kunoreva kuvenga zvakaipa.+
Ndinovenga kuzvirumbidza, uye kuzvikudza,+ nzira yakaipa, uye kutaura zvakatsauka.+
14 Ndine mazano akanaka uye uchenjeri hunobatsira;+Kunzwisisa+ uye simba+ ndezvangu.
15 Achishandisa ini, madzimambo anoramba achitonga,Uye makurukota anorayira zvakarurama.+
16 Achishandisa ini, machinda anoramba achitonga,Uye vakuru vakuru vanotonga zvakarurama.
17 Ndinoda vaya vanondida,Uye vaya vanonditsvaga vachandiwana.+
18 Ndine pfuma nekubwinya,Upfumi hunogara kwenguva refu uye kururama.
19 Zvibereko zvangu zvakanaka kupfuura goridhe, kunyange kutopfuura goridhe rakanatswa,Uye zvibereko zvangu zvakanaka kupfuura sirivha yakanakisisa.+
20 Ndinofamba mugwara rekururama,Pakati penzira dzekutonga zvakarurama;
21 Ndinopa vaya vanondida nhaka yakakura,Uye ndinozadza matura avo.
22 Jehovha akandisika kuti ndive kutanga kwenzira yake,+Wekutangatanga pamabasa ake ekare kare.+
23 Ini ndakagadzwa kare kare,+Pakutanga, nyika isati yatombovapo.+
24 Ini ndakaberekwa mvura yakadzika isati yavapo,+Kusina zvitubu zvinofashukira nemvura.
25 Ini ndakaberekwa makomo asati aiswa munzvimbo dzawo,Zvikomo zvisati zvavapo,
26 Asati agadzira nyika nemasango ayoKana mavhinga ekutanga evhu renyika.
27 Paakagadzira denga,+ ndaivapo;Paakaisa denderedzwa pamusoro pemvura,+
28 Paakasimbisa makore ekudenga,Paakaita kuti pave nezvitubu zvemvura yakadzika,
29 Paakaisa murau pagungwaKuti mvura yaro irege kudarika murayiro wake,+Paakamisa nheyo* dzenyika,
30 Ndaiva padivi pake ndiri mhizha.+
Ndini waaida kwazvo+ zuva rega rega;Ndaigara ndichifara pamberi pake;+
31 Ndaifarira nyika yake yaakasika kuti igarwe,Uye ndaifarira kwazvo vanakomana vevanhu.*
32 Saka imi vanakomana vangu, nditeererei;Chokwadi vanofara vaya vanochengeta nzira dzangu.
33 Teererai kurayirwa,+ muve vakachenjera,Uye musakusiya.
34 Anofara munhu anonditeereraAchikurumidza kuuya* pamasuo angu zuva rega rega,Achimirira ari pedyo nemasuo angu;
35 Nekuti anondiwana achawana upenyu,+Uye achanzwirwa nyasha naJehovha.
36 Asi anondipira gotsi ari kuzvikuvadza,*Uye vaya vanondivenga, vanoda rufu.”+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “kuvanakomana vevanhu.”
^ ChiHeb., “nzwisisai mwoyo.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Paakapa murayiro nezvenheyo.”
^ Kana kuti “vanhu.”
^ Kana kuti “Achiramba akamuka ari.”
^ Kana kuti “kukuvadza mweya wake.”