Tsamba kuvaHebheru 10:1-39
10 Nekuti sezvo Mutemo uri mumvuri+ wezvinhu zvakanaka zvichauya,+ asi usiri zvinhu zvacho chaizvo, haugoni* kuita kuti vaya vanoswedera pedyo vave vakakwana vachishandisa zvibayiro zvavanongoramba vachipa gore negore.+
2 Kudai zvakadaro, zvibayiro zvingadai zvisina kurega kupiwa here? Nekuti kana vaya vanoita basa dzvene vangocheneswa kamwe chete vaibva vasara vasina chivi zvachose.
3 Asi panzvimbo pekuti zvidaro, zvibayiro izvi zvinotoyeuchidza nezvezvivi gore negore,+
4 nekuti hazviiti kuti ropa remombe nerembudzi ribvise zvivi.
5 Saka paanouya panyika anoti: “‘Hamuna kuda chibayiro nemupiro, asi makandigadzirira muviri.
6 Hamuna kufarira zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvechivi.’+
7 Ndakabva ndati: ‘Onai, ndauya! Mubhuku makanyorwa nezvangu. Mwari wangu, ndauya kuzoita kuda kwenyu.’”+
8 Paanotanga ataura kuti: “Hamuna kuda uye hamuna kufarira zvibayiro nemipiro nezvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvechivi,” zvinova zvibayiro zvinopiwa maererano neMutemo,
9 ozoti: “Onai! Ndauya kuzoita kuda kwenyu,”+ ari kubvisa chekutanga kuti atange chechipiri.
10 “Kuda”+ uku ndiko kwakaita kuti titsveneswe nekupiwa kwakaitwa muviri waJesu Kristu kamwe chete zvikabva zvakwana.+
11 Uyewo, mupristi wese anomira panzvimbo yake zuva nezuva kuti aite basa dzvene+ uye kuti ape zvibayiro zvimwe chetezvo kakawanda,+ izvo zvisingagoni kubvisa zvivi zvachose.+
12 Asi murume uyu akapa chibayiro chezvivi chimwe chete zvikabva zvakwana, ndokugara kuruoko rwerudyi rwaMwari,+
13 kubvira panguva iyoyo akamirira kusvikira vavengi vake vaitwa kuti vave sechitsiko chetsoka dzake.+
14 Nekuti akashandisa chibayiro chimwe chete kuita kuti vaya vakatsveneswa vave vakakwana+ zvachose.
15 Zvakare, mweya mutsvene unotipupurirawo paunoti:
16 “‘Iyi ndiyo sungano yandichaita navo kana mazuva iwayo apfuura,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.* ‘Ndichaisa mitemo yangu mumwoyo mavo, uye ndichainyora mupfungwa dzavo.’”+
17 Unobva watizve: “Uye handizoyeukizve zvivi zvavo nemabasa avo ekusateerera mutemo.”+
18 Saka kana izvi zvaregererwa, panenge pasisina chibayiro chechivi.
19 Saka hama, sezvo tiine ushingi hwekushandisa nzira inopinda munzvimbo tsvene+ kuburikidza neropa raJesu,
20 yaakatizarurira senzira itsva uye mhenyu inopinda nepaketeni,+ iro rinoreva nyama yake,
21 uye sezvo tiine mupristi mukuru anotungamirira imba yaMwari,+
22 ngatiswederei pedyo naMwari nemwoyo wese nekutenda kwakakwana, sezvo mwoyo yedu yakasaswa ikachena kuti tisava nehana yakaipa,+ miviri yedu ikagezwa nemvura yakachena.+
23 Ngatibatisisei kuzivisa pachena kwatinoita tariro yedu tisingazununguki,+ nekuti iye akativimbisa akatendeka.
24 Uye ngativei nehanya nemumwe nemumwe, kuitira kuti tikurudzirane kuva nerudo uye kuita mabasa akanaka,+
25 tisingaregi kuungana kwedu,+ setsika ine vamwe, asi tikurudzirane,+ zvikurukuru muchiona zuva richiswedera kudai.+
26 Nekuti kana tichiita chivi tichiziva zvedu isu tambowana ruzivo rwakarurama rwechokwadi,+ panenge pasisina chibayiro chezvivi,+
27 asi panenge pangova nekutarisira kunotyisa kwekutongwa uye hasha dzinopisa dzichaparadza vaya vanopikisa.+
28 Munhu wese anenge ashora Mutemo waMozisi anourayiwa asinganzwirwi tsitsi kana papiwa uchapupu nevanhu vaviri kana vatatu.+
29 Hamufungi here kuti munhu akatsika-tsika Mwanakomana waMwari, uye anoona ropa resungano+ raakatsveneswa naro serisingakoshi uye anotsamwisa mweya wenyasha nekuuzvidza, anotokodzera chirango chakakura kudarika ipapo?+
30 Nekuti tinoziva iye akati: “Kutsiva ndekwangu; ndichadzorera.” Uye akatizve: “Jehovha* achatonga vanhu vake.”+
31 Zvinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.
32 Asi rambai muchiyeuka mazuva akapfuura amakatsungirira muchirwisana nemuedzo zvakaomarara muchirwadziwa, pashure pekunge maona chiedza.+
33 Dzimwe nguva maimiswa pamberi peruzhinji mozvidzwa nekutambudzwa, uye pamwe pacho maiva pamwe chete nevaiitirwa* izvozvo.
34 Nekuti makanzwira tsitsi vaya vaiva mujeri uye makabvuma nemufaro kutorerwa zvinhu zvenyu,+ muchiziva kuti imi mune zvinhu zviri nani uye zvinogara zviripo nariini.+
35 Saka musarasa ushingi hwenyu,* hwamuchapirwa mubayiro mukuru.+
36 Nekuti munofanira kutsungirira,+ kuitira kuti kana maita kuda kwaMwari, mugamuchire zvamakavimbiswa.
37 Nekuti kwangosara “nguva pfupi”+ kuti “uya anouya asvike uye haazononoki.”+
38 “Asi munhu wangu akarurama achararama nekutenda,”+ uye “kana akadzokera shure, handizomufariri.”*+
39 Zvino isu hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa,+ asi vaya vane kutenda kunotichengetedza tiri vapenyu.*
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “vanhu havagoni.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Kana kuti “maimira nevaiitirwa.”
^ ChiGir., “rusununguko rwenyu rwekutaura.”
^ Kana kuti “mweya wangu hauzomufariri.”
^ Kana kuti “kunochengeta mweya uri mupenyu.”