Mapisarema 9:1-20
Kumutungamiriri; mutinhimira weMuti-rabheni.* Rwiyo rwaDhavhidhi.
א [Aleph]
9 Haiwa Jehovha, ndichakurumbidzai nemwoyo wangu wese;Ndichataura nezvemabasa enyu ese anoshamisa.+
2 Ndichakufarirai nekukupembererai nemufaro;Ndichaimba ndichirumbidza zita renyu, haiwa imi Wekumusorosoro.+
ב [Beth]
3 Vavengi vangu pavanodzokera shure,+Vachagumburwa voparara pamberi penyu.
4 Nekuti munomiririra kururama kwangu;Munogara pachigaro chenyu cheumambo muchitonga nekururama.+
ג [Gimel]
5 Makatuka marudzi,+ mukaparadza vakaipa,Muchidzima zita ravo nariini nariini.
6 Muvengi aparadzwa zvachose;Makadzura maguta avo,Uye hapana achataura nezvavo.+
ה [He]
7 Asi Jehovha ari pachigaro chake cheumambo nekusingaperi;+Akasimbisa chigaro chake cheumambo paanotongera zvakarurama.+
8 Achatonga nyika yese* mukururama;+Achapa marudzi mitongo yakarurama.+
ו [Waw]
9 Jehovha achava nzvimbo yekupotera* kumunhu akadzvinyirirwa,+Nzvimbo yekupotera munguva dzekutambudzika.+
10 Vaya vanoziva zita renyu vachavimba nemi;+Hamuzosiyi vaya vari kukutsvagai, haiwa Jehovha.+
ז [Zayin]
11 Imbai muchirumbidza Jehovha, ari kugara muZiyoni;Itai kuti mabasa ake azivikanwe pakati pemarudzi.+
12 Nekuti uya anotsiva ropa ravo anovayeuka;+Haazombokanganwi kuchema kwevanotambudzika.+
ח [Heth]
13 Ndinzwireiwo nyasha Jehovha; onai kutambudzika kwangu kunokonzerwa nevaya vanondivenga,Imi munondisimudza pamagedhi erufu,+
14 Kuti ndizivise mabasa enyu anorumbidzwa mumagedhi emwanasikana weZiyoni,+Uye kuti ndifarire mabasa enyu ekuponesa.+
ט [Teth]
15 Marudzi anyura mugomba raakachera;Tsoka dzavo dzabatwa mumambure avakavanza.+
16 Jehovha anozivikanwa nekutonga kwaanoita.+
Munhu akaipa ateyiwa nemabasa emaoko ake.+
Higayoni.* (Sera)
י [Yod]
17 Vakaipa vachadzokera shure vakananga kuGuva.*Ndiko kuchaenda marudzi ese anokanganwa Mwari.
18 Asi varombo havazombokanganwiki;+Uye tariro yevanyoro haizomboparari.+
כ [Kaph]
19 Simukai, haiwa Jehovha! Musaita kuti munhuwo zvake anofa akukurirei.
Marudzi ngaatongwe pamberi penyu.+
20 Arovei nekutya, haiwa Jehovha,+Itai kuti marudzi azive kuti anongova vanhuwo zvavo. (Sera)
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “nyika inobereka.”
^ Kana kuti “yakakwirira yakachengeteka.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “kuSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.