Mapisarema 45:1-17
Kumutungamiriri; mutinhimira unonzi, “Maruva.” Rwiyo rwevanakomana vaKora.+ Maskiri.* Rwiyo rwerudo.
45 Pane chimwe chinhu chakanaka chiri kuita kuti mwoyo wangu ufashaire.
Ndinoti: “Rwiyo rwangu rune* chekuita namambo.”+
Rurimi rwangu ngaruve chinyoreso+ chemunyori ane unyanzvi.+
2 Wakanaka kupfuura vamwe vanakomana vevanhu.
Mashoko enyasha anoyerera achibva pamiromo yako.+
Ndokusaka Mwari akakukomborera nekusingaperi.+
3 Sungira bakatwa+ rako parutivi pako, haiwa iwe ane simba,+Mukukudzwa kwako nekubwinya kwako.+
4 Uye mukubwinya kwako enda ukunde;*+Tasva bhiza rako uchitsigira chokwadi uye kuzvininipisa nekururama,+Uye ruoko rwako rwerudyi ruchaita* zvinhu zvinoshamisa.
5 Miseve yako yakapinza inoita kuti marudzi awire pamberi pako;+Inobaya vavengi vamambo nechepamwoyo.+
6 Mwari ndiye chigaro chako cheumambo nariini nariini;+Tsvimbo yeumambo hwako itsvimbo yekururama.+
7 Wakada kururama+ uye wakavenga uipi.+
Ndokusaka Mwari, iye Mwari wako, akakuzodza+ nemafuta ekupembera nemufaro+ kupfuura vamwe vako.
8 Zvipfeko zvako zvese zvinonhuhwirira mura nearosi* nekasiya;Unonakidzwa nezviridzwa zvine tambo uri mumuzinda wamambo wenyanga dzenzou.
9 Vanasikana vemadzimambo vari pakati pevakadzi vaunokudza.
Mambokadzi amira kuruoko rwako rwerudyi, akashongedzwa negoridhe rekuOfiri.+
10 Inzwa, haiwa iwe mwanasikana, teerera, uye rereka nzeve yako;Kanganwa vanhu vako neimba yababa vako.
11 Uye mambo achasuwa runako rwako,Nekuti ndiye ishe wako,Saka mukotamire.
12 Mwanasikana weTire achauya nechipo;Vanhu vakapfuma chaizvo vachatsvaga kufarirwa newe.
13 Mukati memuzinda wamambo,* mwanasikana wamambo ari kuyevedza zvinoshamisa;Zvipfeko zvake zvakashongedzwa negoridhe.
14 Achaunzwa kuna mambo akapfeka zvipfeko zvakarukwa zvemhando yepamusoro.
Mhandara dziri kumuperekedza dzinopindwa nadzo mukati, pamberi pako.
15 Vachaunzwa nekupembera nemufaro;Vachapinda mumuzinda wamambo.
16 Vanakomana vako vachatora nzvimbo yemadzitateguru ako.
Uchavagadza kuti vave machinda munyika yese.+
17 Ndichaita kuti zita rako rizivikanwe kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
Ndokusaka marudzi achakurumbidza nariini nariini.
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ ChiHeb., “Mabasa angu ane.”
^ Kana kuti “ubudirire.”
^ ChiHeb., “ruchakudzidzisa.”
^ Uyu muti unobudisa namo nemafuta zvaishandiswa pakugadzira zvinhu zvinonhuhwirira.
^ ChiHeb., “Mukati.”