Mapisarema 146:1-10
146 Rumbidzai Jah!*+
Regai ndirumbidze* Jehovha.+
2 Ndicharumbidza Jehovha upenyu hwangu hwese.
Ndichaimba ndichirumbidza Mwari wangu chero bedzi ndiri mupenyu.
3 Musavimba nemachinda,*Kana nemwanakomana wemunhu, asingagoni kuunza ruponeso.+
4 Simba rake reupenyu rinobuda, iye odzokera kuvhu;+Zuva iroro chairo pfungwa dzake dzinoparara.+
5 Anofara munhu ana Mwari waJakobho semubatsiri wake,+Anoisa tariro muna Jehovha Mwari wake,+
6 Muiti wedenga nenyika,Negungwa, nezvese zviri mazviri,+Uyo anoramba akatendeka,+
7 Uyo anoita kuti vaya vanobiridzirwa vatongwe zvakarurama,Anopa vane nzara zvekudya.+
Jehovha anosunungura vasungwa.+
8 Jehovha anosvinudza maziso emapofu;+Jehovha anosimudza vaya vakakotamiswa;+Jehovha anoda vakarurama.
9 Jehovha anodzivirira vatorwa;Anotsigira nherera nechirikadzi,+Asi anoita kuti mazano evakaipa akundikane.*+
10 Jehovha acharamba ari Mambo nekusingaperi,+Iye Mwari wako, haiwa iwe Ziyoni, kwezvizvarwa nezvizvarwa.
Rumbidzai Jah!*
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
^ Kana kuti “Mweya wangu ngaurumbidze.”
^ Kana kuti “nevakuru vakuru.”
^ Kana kuti “anoita kuti nzira yevakaipa iende nepasipo.”
^ Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.